Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yocherechedza Zuva reMagamba Vakarwa Hondo Vachiti Vari Kunonga Svosve neMuromo


Heroes Acre, Harare.
Heroes Acre, Harare.

Vana veZimbabwe neMuvhuro vari kubatana mukurangarira magamba akarwa hondo yerusununguko pazugva reHeroes' Day, vazhinji vevakarwa hondo ava vachiti vari kunonga svosve nemuromo sezvo vasina chinoratidza kuzvipira kwavakaita, makore makumi mana nemana hondo yapera.

Zuva iri riri kucherehcedzwawo panguva iyo vanorwira kodzero dzevanhu vari kuchemachema kuti bandiko revakarwa hondo yerusununguko reZimbabwe National Liberation War Veterans' Association rave kushandiswa nevezvematongerwo enyika mukushungurudza vanhu.

Sachigaro vesangano reZimbabwe National Liberation War Veterans' Association, Ambassador Christopher Mutsvangwa, vanobvuma kuti hugaro hwevakarwa hondo yerusununguko hahusi kuenderana nekukunda kwavakaita muhondo yesununguko.

"Ichokwadi ichocho, Ndinonyunyuta zvikuru sacheyameni wema war veteran kuti mararamiro avo haana kodzero. Nekugona kurwa kwatakaita kukunda maBritish ndisu army yekutanga inoti yabudirira mukurwisa, toenda kunotonga toita marombe. Dzimwe army dzese pasi rino rese vanenge vahwinha ndo vanowana vakaisa muromo wavo pazamhu remombe," vanodaro Ambassador Mutsvangwa.

Vanoti chakakonzera izvi ndechekuti hurumende yekutanga (yamushakabvu VaRobert Mugabe) yakavaregerera asi vanoti vari kufara kuti hurumende yepiri (yaVaEmmerson Mnangagwa) pave nekutanga kuongorora nyaya iyoyi, vachiti kunyange hazvo vazhinji vavo vakatsakatika, vachiri vapenyu ivavo vane tarisiro yekuti vachawana cheuviri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG