Accessibility links

Breaking News

Sangano reZimbabwe Olympics Committee Rorumbidza Makwikwi eOlympics Achangobva Kupera kuFrance


Nhengo yechikwata cheZimbabwe chakaenda kumakwikwi e 2024 Olympics, Rutendo Nyahora.
Nhengo yechikwata cheZimbabwe chakaenda kumakwikwi e 2024 Olympics, Rutendo Nyahora.

Sangano reZimbabwe Olympics Committee (ZOC) rinoti riri kufadzwa nemafambiro akaita makwikwi eOlympics achangobva kupera kuParis guta guru reFrance, kunyangwe hazvo pasina wekuZimbabwe akakwanisa kutora menduru pavakwikwidzi vakange vakamirira nyika.

Vanga vachitungamira chikwata cheZimbabwe kumakwikwi vakamirira Zimbabwe Olympics Committee, VaRingisai Mapondera, vanoti sesangano vane zvizhinji zvavakadzidza kubva makwikwi aya pamusoro pekukoshesa gadziriro yevanokwikwidza uye kukosha kwerutsigiro rwunobva kuhurumende nemakambani akazvimirira.

Zimbabwe yainge iine vakwikwidzi mumitambo inoti yekutuhwina, yekushambira nehwato kana kuti rowing, nekumhanya.

VaMapondera vanoti vakafadzwa nekupinda kwakaita vamhanyi vemujahwo we200 meters, Makanakaishe Charamba naTapiwa Makarawu, mufainari yemujahwo uyu sezvo zvisati zvamboitika kuti vamhanyi vemunyika vaviri vapinde mufainari yakadayi.

Makanakaishe Charamba na Tapiwa Makarawu
Makanakaishe Charamba na Tapiwa Makarawu

Vanoti pari zvino vari mushishi kurongedza kuti vadzokere kumusha vamwe vakwikwidzi vachidzokera kunyika dzavanogara nekugadzirira mamwe makwikwi akadayi.

"Shuwiro yedu ndeyekuti pawanikwe mushandirapamwe pakati pehurumende, makambani nemasangano anomirira mitambo munyika kuti tigozowana mukana wekuti vanenge vane chipo chekugona mitambo vachida kuzoendawo kumaOlympics anotevera vawane mukana uyu munyika," VaMapondera vaudza Studio7.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG