Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weNyika, VaMnangagwa, Vanoti Hurumende Yavo Ine Hurongwa hweKudzosa Mapfupa eMagamba Akashaikira Kunze kweNyika


Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangangwa vati hurumende yavo inozviziva kuti pachine mutoro wekupodza maronda ehama dzemagamba akafira kunze kwenyika muhondo yerusununguko nekudaro ine hurongwa hwekuvadzosa kumusha kuti vavigwe patsva zvinopodza maronda ehama dzevakatsakakatika.

VaMnangagwa vataura mashoko aya nhasi pamarinda anovigwa magamba enyika eNational Heroes’ Acre muHarare pazuva rekucherechedza magamba akarwa muhondo yerusununguko, reHeroes’ Day.

Mutungamiri wenyika vati bazi rezvekuburitswa kwemashoko rakaita tsvakurudzo pamusoro pemagamba akafa rikaona kuti pane zvizhinji zvinofanirwa kuitwa maringe nemagamba asina kukwanisa kudzoka kumusha.

VaMnangagwa vatiwo vanozviziva kuti mhuri dzemagamba ehondo yerusununguko dzakawanda dziri kunonga svosve nemuromo asi vavimbisa kuti hurumende yavo ichawanisa mhuri idzi zvichadzibatsira kuti dzirarame hupenyu huri nani.

Kunyange hazvo zvinhu zvisina kumira zvakanaka munyaya dzehupfumi, mutungamiri wenyika ashamisa vakawanda apo ati hupufmi hwenyika huri kukura kunyange hazvo nyanzvi dzehupfumi dzichiti hupfumi hwenyika hwakakanganiswa ne El-Nino.

VaMnangagwa vatorawo mukana wezuva remagamba uyu kupa menduru nemibayiro kune zviuru zvemagamba mapenyu neakashaya pamwe nevanhuwo zvavo vanonzi vakaita chisionekwi muhupenyu hwevamwe munyika zvavanoti zvakaunza musiyano.

Vamwe varemekedzwa vana vanoti Peace Magaya ane makore gumi nemaviri nehanzvadzi yake Luckmore ane makore mapfumbamwe, avo vapihwa menduru dzesirivha mushure mehumhare hwavo mukununura mai vavo kubva mumukanwa megarwe munaNdira gore rino kuMhondoro-Ngezi.

Pamusoro pemenduru idzi vana ava vanga vakapihwa mari inoita iyo zviuru zvishanu zvemadhora kuneumwe nemumwe pamusoro pekubhadharirwa mari dzechikoro.

Mumwewo wevapihwa menduru yegoridhe, ndiVaSizane Butau, vanove mutyairi wegonyeti, avo vakaita chisionekwi mugore ra 2021 pavakabatsira vanhu mutsaona yebhazi rakabatira moto mushure mekuroverana ne gonyeti raive rakatakura peturu mumugwagwa we Harare -Mutare.

Mumwe wevarwi vehondo, VaVictor Matemadanda vanova mumiriri weZimbabwe kuMozambique, vati zuva remagamba rakavakoshera zvikuru.

“Chinhu chatinofarira chatinokudza nemhaka yekuti chakadzorera hunhu hwemunhu mutema,” vakadaro VaMatemadanda.

Asi vachitaura neStudio 7, nyanzvi mukuongorora nezvematongerwo enyika uye vari ivo vakavamba sangano rinoita tsvakurudzo pamusoro pevarwi vehondo munyika rinonzi Revolutionary Research Institute of Zimbabwe, VaTjenesani Ntungankwa vati huwori munyika hwuri kuita kuti kukosha kwezuva remagamba kusachionekwa.

Mumwe wevechidiki mubato rinopikisa reCitizens Coalition for Change, VaElvis Mugari, vatiwo zuva remagamba harichina zvarinoreva kuzvizvarwa zvenyika ino.

“Zuva remagamba izuva raifanira kunge rakakosha, asi harichina chiremera nekuti vakafa vacho zvavakarwira zvacho hapatorina,” vakadaro VaMugari.

VaTendai Chirau mumwewo wevechidiki mubato reZanuPF varamba pfungwa yaVaMugari.

“Zuva remagamba richaramba richikosha kwehupenyu hwese,” vakadaro VaChirau.

VaStanford Nyatsanza vanoita tsvakurudzo vari pasi pesangano rakazvimirira rega reZimbabwe Democracy Institute kana kuti ZDI, vati ivo dambudziko nezuva remagamba nderekuti ravakutorwa sekuti nderebato rimwe chete ririkutonga munyika.

“Zuva ramagamba izuva rakakosha chaizvo, asi chinozonetsa ndechekuti zuva iri rinenge ravakutorwa sezuva rebato rimwechete, bato reZanu-PF iro ririkutonga, zvinova zvinhu zvisiri izvo,” vakadaro VaNyatsanza.

Vakawanda vanoti nekuda kwemamiriro akaita hupfumi hwenyika, vamwe vanoguma vasarudza kuenda kunotsvaga cheuviri pane kuungana vachicherechedza zuva iri.

Vana veZimbabwe vaunganawo mumatunhu akasiyanasiyana vachirangarira magamba akasungungura nyika kubva kuhutongi hwevapambe pfumi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG