Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi dzeHutano hweVana Dzokurudzira Kuyamwiswa kweVana Mukaka waAmai


Madzimai ari kukurudzirwa kuyamwisa vana mukaka wemuzamu.
Madzimai ari kukurudzirwa kuyamwisa vana mukaka wemuzamu.

Nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti kuyamwisa mwana mukaka wamai ndiyo chete nzira inokuridzirwa kuitira kuti mwana akure aine hutano hwakanaka.

Izvi zvinoitika panguva iyo Zimbabwe iine huwandu hunosvika zvikamu makumi mana nezviviri kubva muzana, 42 percent zvevana vacheche vari kuyamwa mukaka wamai kwemwedzi mitanhatu chete yekutanga vachangobva mukuberekwa.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvehutano hunovaka muviri mubazi rezvehutano, Muzvare Chj Chikanda, vanoti zvakakosha zvikuru kuti vana vayamwiswe mukaka wepazamu raamai nekuti mukaka uyu unobatsira kuti vana vave nehutano hwakanaka.

“Ndufu zhinji dzevana varipasi pemakore mashanu dzinodzivirirwa kuburikidza nekuyamwisa. Mukaka waamai ndiwo chiororo, chamakwidiba pakuraramisa vana. Vanokura vakagwinya, vaine hutano nepfungwa dzakapinza,” Muzvare Chikanda vanodaro.

Muzvare Chikanda vanotiwo zvakakosha zvikuru kuti madzimai ayamwise vana kwemwedzi mitanhatu pasina chimwezve chinopiwa vana sezvo mukaka waamai une zvese zvinodiwa kuitira kuti mwana akure aine hutano hwakanaka.

“Mwedzi mitanhatu mukaka waamai une kudya kwakakwana kunodiwa nemwana, chechipiri mukaka waamai une masoja emuviri anobatsira kurwisa zvirwerwe uye chetatu mukaka waamai unogara uripo nguva dzese hautengwi kana kuda kubikwa nekudaro zvinochengetedza mari inogona kuzoshanda zvimwe zvinovandudza budiriro yemhuri nenyika.

"Zvakare mukaka waamai unorodza njere dzemwana. Vana vanoyamwiswa nguva yakareba vanogona kuzvikoro kudarika vamwe vavo vakayamwiswa kwenguva pfupi kana vasina kuyamwiswa zvachose.”

Madzimai achifora achikurudzira kuyamwiswa kwevana mukaka waamai.
Madzimai achifora achikurudzira kuyamwiswa kwevana mukaka waamai.

Izvi zvatsinhirwawo neimwe nyanzvi mune zvehutano hunovaka muviri, VaDiago Muguri, avo vanoti kusayamwisa vana kunokanganisa hutano hwavo zvinozoita kuti vakure vari ndonda vachiti kunyange hazvo vamwe vana vachipiwa mikaka yekutenga muzvitoro nezvikonzero zvakasiyana siyana, mikaka iyi haina zvakakwana zvinodiwa mumuviri wemwana.

VaMugari vanotiwo mikaka yekutenga inoda kuti vanhu vagone kuverenga nekunzwisisa zvizere magadzirwo ayo kuitira kuti isavhiringe hupenyu nehutano hwemwana.

“Mukaka waamai unogona kushaikwa nekuda kwezvikonzero zvakasiyana-siyana. Vamwe ndevanoshaikirwa naamai munguva dzekubarwa , kana kurwarirwa naamai mushure mekubarwa kana kuti mukaka woita mushoma. Saka unobatsira panguva idzodzo asi hauna zvakakwana zvinowanikwa mumukaka waamai.

"Saka tinenge takukurudziranawo kuti mikaka yemugaba inofanirwa kugadzirwa zvine hutsanana uye kutevedzera mirairo yekugadzira. Imwe yacho ukatotarisa pamagaba panenge pakanyorwa kuti inogadzirwa sei uye inochengetedzwa sei kuti urege kuunza njodzi kuhutano hwemwana,” VaMuguri vanodaro.

Mumwe mudzimai wechidiki, Muzvare Hazel Sethaunyane, vanoti kunyange hazvo zvakakosha kuti madzimai ayamwise vana, dambudziko guru munyika riri kuwanikwa kumadzimai anoenda kumabasa ari kure nekwanogara achizopedzisira opa vana mikaka yemabhodhoro kuti vamwe apo anenge ari kumabasa zuva rose.

“Kune dzimwe nzvimbo kana makambani anoramba kuti madzimai vavigigwe vana vauye kubasa kuzoyamwiswa, kune vaya vanowana mikana yekuyamwisa kumabasa , panenge pasina nzvimbo dzakakodzerera dzekuti vayamwisire vana.

"Vamwewo ndovanenge varikure nekune vana zvekuti kuti vadzokere kunoyamwisa vanenge zvakare vachida mari dzekufambisa kudzokera kumba, izvi zvinoita kuti madzimai akurumidze kuisa vana pamabhotoro,” Muzvare Sethaunyane vanotsanangura.

Vamwe vanaamai vanopa vana vavo mukaka wemugaba nezvikonzero zvakasiyanasiyana.
Vamwe vanaamai vanopa vana vavo mukaka wemugaba nezvikonzero zvakasiyanasiyana.

Asi Zimbabwe ine mutemo unosungira vashandirwi kupa madzimai mukana wekuyamwisa mwana kwe awa imwe chete pazuva kudzimara mwana uyu ave nemwedzi mitanhatu.

Kurudziro yekuyamwiswa kwevana pasi rose, World Breast Feeding Week inocherechedzwa svondo rekutanga mumwedzi waNyamavhuvhu gore roga roga.

Zimbabwe yakacherechedza vhiki iri kumatunhu anoti Manicaland, Matebeleland South neMatabeleland North, uye kurudziro iyi ichiri kuitwa mune dzimwe nzvimbo dzemunyika.

Gwaro rakaburitswa nebazi rezvehutano nekurerwa zvakanaka kwevana ichitsigirwa nesangano rinoona nezvevana pasi rose reUnited Nations Children Fund gore rapera rinoti vana vari kuzvarwa muZimbabwe vanosvika zvikamu makumi mana nezviviri kubva muzana (42%) ndivo chete vanopiwa mukaka wamai zvakakwana kwepmwedzi mitanhatu yekutanga kubva vaberekwa.

Sangano rezvehutano pasi rose, reWorld Health Organization, (WHO) riri kukurudzira kuti panosvika 2025 vana vanosvika zvikamu makumi mashanu kubva muzana vanofarwa kunwa zvizere mukaka wamai kwemwedzi mitanhatu yekutanga.

WHO inotiwo mushure memwedzi mitanhatu vana ava vanofanirwa kuramba vachipihwa mukaka waamai nekudyawo chikafu chinovaka muviri kudzamara mwana asvika makore maviri.

Izvi zvinosiya Zimbabwe iine mutoro wekuwedzera huwandu hwevana vanoyamwa mukaka zvizere kwemwedzi mitanhatu nezvikamu zvisere kubva muzana kuitira kuti nyika izadzise tarisiro yeWHO panosvika 2025.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG