Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vorumbidza Mauto Asi Vanopikisa Vachiti Ngaabude muNyaya dzezveMatongerwo eNyika


Zimbabwe nhasi yange ichicherechedza zura remauto kana kuti Zimbabwe Defence Forces Day mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vachitenda mauto nebasa guru rekuchengetedza zvakarwirwa hondo yerusungunuko.

VaMnangagwa vatambirwa nemufaro pavasvika munhandare yeRufaro Stadium mange muchiitwa hurongwa hwanhasi.

Vachitaura kuzviuru nezviuru zvevanhu zvaungana nhasi, mutungamiri wenyika ati mauto ari kuita basa rinodadisa zvikuru mukuchengetedza runyararo uye kudzivirira nyika kune vavati vakaitemera zvirango. Asi vakatemera zvirango kumutungamiri wenyika nevamwe vavo vashoma vanoti vari kutyora kodzero dzevanhu uye kuita huori.

VaMnangagwa vatendawo mauto emunyika ari kuenda kunoshanda neAfrican Union neUnited Nation mukunochengetedza runyararo kune dzimwe nyika.

Vanokokera Zanu-PF mudare reparamende VaPupurai Togarepi vati mabasa emauto akakosha zvikuru uye anofanira kupembedzwa. Vati munguva yerunyararo mauto anobatsira kuvaka makirinika nezvimwe zvinobatsira veruzhinji.

Asi vanorwira kodzero dzevanhu nevanopikisa munyika vari kuchema chema nekupindira munyaya dzezvematongerwo enyika kuri kuitwa nemauto.

Muna Chikumi mwedzi wapera, mumwe mukuru wemauto kana kuti Zimbabwe National Army commander Lt. General Anselem Sanyatwe vakati vanhu vachamanikidzwa kuvhotera Zanu-PF uye bato iri richatonga kusvika madhongi amera nyanga.

Gore rapera, VaMnangagwa vakadomawo mukuru wemauto ose kana kuti Zimbabwe Defence Forces Commander, General Philip Valerio Sibanda kuva nhengo yePolitburo yeZanu-PF kunyangwe zvichityora bumbiro remitemo. Vakazorova nhendeshure mushure mekunge vamwe vada kuvaendesa kumatare.

Muna 2011, mumwe mukuru wemauto mushakabvu Douglas Nyikayaramba vakatiwo havaizosaruta mushakabvu Morgan Tsvangirai vaive mutungamiri wehurumende. Mashoko aya ambotaurwawo namushakabvu Vitalis Zvinavashe vaimbova mukuru wemauto zvakare.

Mutauriri wechimwe chikwata chebato rinopikisa reCitizens Coalition for Change VaPromise Mkwananzi vati vakuru vemauto mauto kunyanya havasi kuremekedza bumbiro remitemo uye vanopindira zvakanyanya munyaya dzezvematongerwo enyika kunyanya munguva yesarudzo.

Mukuru wesangano rinorwira kodzero dzevanhu reZimbabwe Human Rights kana kuti Zimrights VaDzikamai Bere vati zvakakosha kuti mauto aite zvaanofanira kuita zviri pamutemo zvekuchengetedza nyika kwete kupinira kuti ndiyani anofanira kuitungamira.

Vanoongorora sarudzo vanoti sarudzo dzaitwa muZimbabwe kubva muna 1985, 1990, 2000, 2002 uye 2008 dzainge dziine mhirizhonga uye vanochengetedza nyika kusanganisira mauto vachipomerwa mhosva yekumbunyikidza kodzero dzevanopikisa. Muna 2017 mauto akatungamira mukupidigurwa kwehurumende yamushakabvu Robert Mugabe.

Asi vanotsigira zvakaitwa nemauto vanoti VaMugabe vainge vakakomberedzwa nematsotsi. Mhemberero dzanhasi dzange dziri dzchimakumi mana nemana. Mhemberereo idzi dzaitwawo mumatunhu ose enyika. Vakuru venauto kubva kunyika dzemuSADC vapindawo mumhemberero dzanhasi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG