Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vechidiki Vobatsira Kuderedza Huwandu hweVafambi Vanotsikwa neMotokari


Zimbabwe Police Accident
Zimbabwe Police Accident

Vechidiki vemunyika vave kusimukawo vachibatirana pamwechete nevamwe mukuedza kusimudzira nharaunda dzavanogara, nenzira dzakasiyana-siyana. Vamwe vevakadai ndiMcLeo Mapfumo naTanaka Chembezi vanogara muHarare, vari kutora matanho ekurwisa kupedza dambudziko rekutsikwa nedzimoyokari kwevanoshandisa mabhasikoro, pamwe netsoka.

Vaviri ava vanoti chido chavo chekurwisa tsaona dzemumigwagwa dzinokonzerwa nedzimotokari, chakauya mushure mekuona vana vechikoro vakawanda vachitsikwa nedzimotokari.

Vachishanda nesangano remubatanidzwa wenyanzvi dzinodawo kuona njodzi dzemumigwagwa dzichipedzwa, reActive Mobility Stakeholder Group, pamwechete nekanzuru yeHarare, McLeo naTanaka vanoti dambudziko renjodzi dzemumigwagwa rinogona kupedzwa kana vedzimotokari vakatyaira zvine mwero.

Vaviri ava vakaparura chirongwa chinonzi Tactical Urbanism, chakanangana nekutora matanho anogona kuderedza njodzi dzemumigwagwa, kunyanya munzvimbo dzinogara veruzhinji.

Tanaka anoti, “Ndakaona uri mukana wakanaka wekuchenjedza vanoshandisa migwagwa, kuti haina kugadzirirwa vedzimotokari chete, asi munhu wese zvake, kusanganisira vanofamba netsoka, vemabhasikoro, nesu tinoitawo skateboarding." Aenderera mberi achiti, "Chido change chekuda kupedza njodzi dzemumigwagwa ndicho chindisunda kuti ndibatirane nevamwe mukukusha shoko rekuvandudza migwagwa yedu kuti ikwanise kuchenjedza vanoishandisa, nenzira dzinoyevedza.”

McLeo Mapfumo anotendawo kuti migwagwa, kunyanya yemumaguta akaita seHarare, inoita sekuti yakangogadzirirwa avo vane dzimotokari.

VaMapfumo vati, “Tichitarisa magariro atinoita, dzimwe nguva vanoshandisa tsoka havaremekedzwi pamigwagwa, ndizvo takauya nechirongwa chekuedza kuti izwi ravo rinzwike, nekuti vane kodzero yekushandisawo migwagwa iyi vasingatyi.'

Vatiwo, "Motokari dzawandisa muguta redu, ukuwo zviratidzo zvaimboveko kare zvaibatsira kuti vanoshandisa migwagwa vachenjedzwe, hazvisisiko. Ndiro buri ratakauya kuzoedza kuvhara iroro.”

Ko ndekupi kumwe kwakabatwa basa nevaviri ava? Tabvunza McLeo. “PaBudiriro 5 takatora nzira dzakachipa uye dzisingadhuri, kuchenjedza vanoshandisa mugwagwa mukuru uri munzvimbo iyoyo."

Vatiwo, "Takaisa mitsetse inobatsira vanhu kuyambuka mugwagwa uyu, mushure mekunge paitsikwa vana vakawanda vachienda kuzvikoro. Basa ratakaita apa rinoyevedza kana wakaritarisa, asi richipawo chenjedzo panguva imweyo. Tinofara kuti njodzi mumugwagwa uyu, dzadzikira chose kubva patakaita bas iri.”

Sangano reWorld of Statistics gore rapera rakazivisa kuti pavanhu zana nechiuru chimwe chete, makumi mana nemumwe kana kuti 41 per 100 00 vanorasikirwa nehupenyu nekuda kwekutsikwa nemota, gore rega-rega. Huwandu uhu hunonzi kwakanyanya kana Zimbabwe ichienzaniswa nedzimwe nyika.

Mukuru anoona nezvemumigwagwa mukanzuru yeHarare, VaBrian Zvomuya, vatendawo kuti chirongwa cheTactical Urbanism chiri kubatsira vagari.

Mutauriri weZRP muHarare, Inspector Luckmore Chakanza vanoti chirongwa ichi chakanaka chose, naizvozvo chinoda kutsigirwa kubudikidza nekutevedza mitemo yemumigwagwa.

Vati, “Dzimwe nguva unoona kamota kadiki kemushika-shika kakatakura vanhu vanodarika gumi, apa chine mikwende zvekare. Kozotiwo vamwe vasingadi kumira pamaRobots, nepanzvimbo dzekuti vari kufamba netsoka vakwanisewo kuyambuka migwagwa."

Vaenderera mberi vachiti, "Kusatevedzera mitemo ikoku ndiko kumwe kuri kunyanya kukonzeresa tsaona dzemumigwagwa.”

Mukuru werimwe sangano rinomirira vagari vemuHarare, reCombined Harare Residents Association, VaReuben Akili vanoti zvirongwa zvakaita seTactical Urbanism zvinoda kutsigirwa nemunhu wese. VaAkili vaudza Studio 7 kuti, “Kana tichitarisa zviri kuitwa, tinoona kuti vakotsveri vezvirongwa izvi vanogona kuzoshayawo mari dzekuti zvirongwa zvakadai zvitekeshere muguta redu." Vawedzera vachiti, "Naizvozvo, zvakakosha kuti tibatsirane navo mukuita kuti migwagwa yedu isave nzvimbo yekuparara kwehupenyu. Apa ndinoreva kuti vanhuwo zvavo, vemabhizimusi, kanzuru nehurumende, vanofanira kuita chirwira ingwe, kuti basa rakanaka iri rienderere mberi.”

Chirongwa cheTactical Urbanism ichi, chinewo donzvo rekudzikisa kusvbiswa kwemweya wekufema nehutsi wedzimotokari, kubudikidza nekudzikisawo huwandu hwedzimotokaei dzakamboshanda, dzinopinda munyika. Kuita izvi, vaviri ava vanokurudzira vanhu kuti vashandise mabhasikoro.

Mudzimai wechidiki anogara kuBudiriro, Evelyn Kapoto, anotenda zvikuru, basa riri kuitwa rekuchenjedza vanoshandisa migwagwa. Ati, “Kana takatarisa mugwagwa uno, taigara takangonzwa kuti kune mwana atsikwa achienda kana kubva kuchikoro." Ayizve, " Motokari dzinenge dzichingomhanya, kunyaya makombi. Asi magadzirirwo apaitwa akanaka nekuti pashandiswa mavara asina kujairika. Kuyevedza ikoko, ndiko kunobva kwaita kuti dzidziso isvike kune vanoshandisa mugwagwa uyu. Isu tinotenda chose nebasa riri kuitwa iri.”

Mugovera wadarika, kuna amai nevana vavo vatatu vakadhumwa nemota mumugwagwa waSam Nujoma Extension muHarare. Amai ava nevana vavo vaviri vakabva vafa.

Zuva rimwero, mumugwagwa mumwechete, kune munhu aive pabhasikoro akatsikwa zvekare akafa; zvinobva zvabuditsa pachena kukosha kwezvirongwa zvakaita seTactical Urbanism, zviri kutungamirwa nevechidiki senzira yekuchengetedza hupenyu hwevanhu mumigwagwa.

Mutauriri wemapurisa Commissioner Paul Nyathi vanokurudzira vatyairi kuti vamire vobatsira vavanenge vatsika kwete kutiza nekuti uku kuzvisikira moto muziso. Asiwo vamwe vanoti mapurisa ari kuisawo hupenyu hwevanofamba netsika munjodzi pavanenge vachiita hwakitsi nagonzo nevemakombi nevemushikashika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG