Accessibility links

Breaking News

Huwandu hweGoridhe Rakatengeswa kuFidelity Gold Refinery Muna Chikunguru Hunokwira


Goridhe ndechimwe chezvicherwa zvinowanisa nyika mari yekunze yakawanda.
Goridhe ndechimwe chezvicherwa zvinowanisa nyika mari yekunze yakawanda.

Vakawanda vanoti vanotambira nemufaro mashoko ekuti huwandu hwegoridhe rakatengeswa kuFidelity Gold Refinery hwakakwira nezvikamu makumi matatu nezvitatu kubva muzana, kana kuti 33 percent mumwedzi waChikunguru kana zvichienzaniswa nerakatengeswa muna Chikumi.

Asi vanoti izvi zvinofanirwawo kuonekwa mukushanduka kwemararamiro everuzhinji, zvikuru munguva ino apo nyika yakatarisana nenzara inotyisa yakakonzerwa nekusanaya zvakanaka kwemvura nekuda kwekushanduka kwemamiriro ekunze zvichikonzerwa ne El Nino.

Nyanzvi mune zvehupfumi vari zvakare chipangamazano chebhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe, VaPersistence Gwanyanya, vanoti aya mashoko anofadza chose ekuti goridhe riri kuwanda sezvo riri iro rakatsigiriswa mari yenyika yeZiG.

"Zvinotipa chiedza kwatiri kuenda ndava tiri kushandisa mari yakatsigirwa negoridhe nezvimwe zvicherwa zvakakosha. Yakatsigirwa futi nemari yekunze kwenyika. Saka zvinotifadza panguva iyo tichida kuti mari inge yakasimba. Toda kuti mari iyoyo ishandisike zvakanyanyisisa, itsvagwe, ibikwe munyika muno tozngofanana nedzimwe nyika kumakore anotevera atakatarisana nawo," VaGwanyanya vanotsanangura.

Imwe nyanzvi mune zvehupfumi vachitungamira bato reCoalition For Democrats (CODE), VaTrust Chikohora, vanotiwo izvi zvakanakira nyika sezvo zvichibatsira nyika nenzira dzakawanda.

"Asi zvakakosha ndezvekuti hazvirevi kuti rose (goridhe) rinongoenda kuma reserves. Rimwe rinototengesiwa nekuti panenge pachidiwa kutsvagwa mari yekunze. Ende panenge pachitodiwa kuwanikwa mari chero yekubhadhara vanhu vanenge vaendesa goridhe racho. Asi zvakadaro, tiri kuona kuti pari zvino huremu gweZiG pa parallel market hunenge huri kudzikira," vanowedzera VaChikohora.

Vanoongorora zvehupfumi vachishanda nesangano reCentre for Disability and Development, VaMasimba Kuchera, vanoti izvi zvinoratidza kuti Zimbabwe senyika ine zvakawanda zvainokwanisa kurarama nazvo uye kubudirira nazvo.

"Kuri kuti mitengo inotengwa nayo zvicherwa izvi yanga yakanaka, Zimbabwe inokwanisakungowanawo zvizhinji zvainenge ichiwana kuburikidza nezvicherwa izvozvo."

Asi VaKuchera vanowedzera vachiti nekuda kwezvikonzero zvakaita sehuwori, kusavimbika nehumbimbindoga, hapana kana hochekoche kana sungawirirano kana hukama pakati peraramo iri kuitwa nevana veZimbabwe nezvicherwa zveZimbabwe.

"Saka tinofanira kuti tiwane nzira yekuti tidznge irori dhimoni rehuwori, dhimoni rehumbimbindoga, dhimoni rechindini rinoita kuti zviri kubuda muvhu reZimbabwe zvinge zvichienda muhomwe dzevashoma," VaKuchera vanodaro.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vachitungamira sangano rinorwira kuchengetedzwa kwezviwanikwa, reCentre for Natural Resource Governance, VaFarai Maguwu, vanoti zvinonetsa kutambira mashoko anobva kuhurumende kana kumasangano ainodyidzana nawo.

"Nekuti pane dambudziko re trust, kuti goridhe ravari kuti raka dhilivhiwa nemakorokoza nema small-scale miners uyewo nema large-scale miners ririko zvechokwadi here kana kuti mashoko ekuda kusimbisa ZiG currency yavanoti ivo inobhekwa negoridhe," VaMaguwu vanodaro.

Gwaro richangobva kuburitswa neFidelity Gold Refinery rinoratidza kuti goridhe rakawanikwa muna Chikunguru rakasvika pamakirogiramu zviuru zvitatu zvine mazana mana ane makumi mapfumbamwe nemashanu, kana kuti 3 495 kilogrammes, richikwira kubva pamakirogiramu zviuru zviviri nemazana matanhatu ane gumi nemasere, kana kuti 2 618 kilogrammes muna Chikumi.

Gwaro iri rinoti goridhe zhinji rakabva kune vanochera goridhe vachiita zvechikorokoza pamwe nevemigodhi midiki, kuchitiwo makirogiramu chiuru nezana nemakumi mashanu nemaviri, kana kuti 1 152 kgs, rakabva kune vemigodhi mikuru, richikwira kubva pamakirogiramu chiuru kana kuti 1 000 kilogrammes ravakatengesa muna Chikumi.

Vanhu vakawanda, zvikuru vari mumatunhu ari kucherwa goridhe iri, vanonzi havana chavanacho kunze kwekusiirwa makomba ari kutowedzera matambudziko avo sezvo zvipfuwo zvavo zviri kunzi zviri kuwira mumazikomba aya.

Ukuwo, vamwe vari mumatunhu asati asvikwa ne ZiG vanoti vanotarisira kuti mari iyi yave kuzowedzerwa huwandu kuti zvifambirane nekukwira kuri kuitawo huwandu hwegordhe rakaitsigira.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG