Accessibility links

Breaking News

United Nations Yokurudzira Zimbabwe Kuti Isungunure Vakasungwa Pamberi peMusangano weSADC


Muutngamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa
Muutngamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa

United Nations inoti iri kushushikana zvikuru nekusungwa. kumbunyikidzwa nekutyisidzirwa kwevanorwira kodzero dzevanhu muZimbabwe pamberi pemusanganp weSADC uri kuititwa muHarare nemusi weMugovera.

Vachinyora padandemutande reX, vanoona nezvekodzero dzevanhu muUnited Nations Human Rights Commission vakurudzira hurumende kuti isungunure vanhu vose vakasungwa uye kupa vanhu kodzero dzavo dziri mubumbiro remitemo.

Vachitaura neStudio 7, gurukota rinoona nezvemitemo VaZiyambi Ziyambi vakati hurumende haikwanise kupindira pane zvinenge zvichiitwa kumatare.

Masangano anorwira kodzero dzevanhu anoti reAmnestry International neHuman Rights Watch anoti vanhu vanodarika zana nemakumi matanhatu vasungwa pamberi pemusangano uyu.

Vakasungwa vanosanganisira murwiri wekodzero dzevanhu Muzvare Namatai Kwekweza, munyori mukuru werimwe sangano reAmlgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe VaRobson Chere avo vakaitwa kafiramberi nevanofungidzirwa kuti vasori, VaSamule Gwenzi naVusimusi Moyo.

Mutungamiri wechimwe chikwata chebato reCitizens Coalition VaJameson Timba nevamwe makumi manomwe nevasere vakasungwa musi wa 16 Chikumi. Vanhu vakasungwa kwaMutare, Masvingo, Kariba, Bulawayo nedzimwe nzvimbo.

Jameson Timba of the Tripple C allegedly brutalized by the police
Jameson Timba of the Tripple C allegedly brutalized by the police

Kunze kwekuitwa kafiramberi, VaChere vari kurambidzwa kuti vaonekwe navanachiremba vavo. Mutauriri wemagweta ari kuvamirira eZimbabwe Lawyers for Human Rights VaKumbirai Mafunda vanoti vave kudzokera kumatare kuti VaChere varapwe.

Ko zvinofamba sei kana munhu achida kuona chiremba wake? VaZiyambi vati mujeri muna vanachiremba vana mazvikokota nekudaro panodaidzwa chiremba wekunze kana zvinhu zvakomba chete.

Bato riri muhurumende neANC reDemocratic Alliance nerimwe rinopikisa reEFF muSouth Africa akakurudzira SADC ipindire kana kuti hurumende yenyika yavo ikurudzire kuti musangano uyu uitirwe kune imwe nyika.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano reSouthern African Liaison Office VaMunjodzi Mutandiri vanoti zviri kuitwa nemapato aya zvakakosha.

Asi mutauriri mubazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika muSouth Africa VaClayson Monyela vaudza vatori venhau kuti hurumende yavo haina simba rekuita izvi vakati chigaro chasachigaro weSADC ndechemajana uye vanenge vachitungamirwa kwegore ndivo vanoita musangano.

Vaimbova mutungamiri webato rinopikisa reCitizens Coalition for Change VaNelson Chamisa vashorawo nyaya yekumbunyikidzwa kwevanhu pamberi pemusangano weSADC.

Vanokokera Zanu-PF mudare reparamende VaPupurai Togarepi vanoti vanopikisa ndivo vari kuita hwembudzi kuzvarira paruzhinji kuti vatandirwe imbwa.

Asi vanopikisa vanoti kana mbada yada kudya vana vayo inotanga kuti vari kunhuhwirira sembudzana.

Forum

XS
SM
MD
LG