Accessibility links

Breaking News

Vadzidzi Vakaremara Vanoti Zvivakwa Zvisina Kukodzera neKushaya Zvikwanisiro Kwovadzosera kuMashure


Vamwe vadzidzi vakaremara vepazvikoro zvepamusoro kunyanya zvemaUniversity vanoti kushaikwa kwezvikwanisiro nemari kuri kuita kuti vakanganisike kudzidza kwavo izvo zvinoita kuti vasazobudirire zvakaenzana nevamwe vasina pavanopedza zvidzidzo zvavo.

Matambudziko aya akabuda pamusangano wakaitwa padandemutande reX nevadzidzi vakaremara nemusi weMugovera.

Mumwe wevadzidzi ava, Muzvare Faith Zvomuya wepaUniversity of Zimbabwe anoti vanonetsekana kupinda mudzimba dzemudirikidzanwa.

Vati, “Seni ndiri munhu anoshandisa wheelchair saka pane dzimwe nzvimbo dzine masteps saka ndikasachinjira mekuitira lecture ndiopedzisira ndave kusimudzwa izvo zvinonetsa saka pamwe ndotadza kuenda kulecture.”

Vamwewo vanoti dzimba dzavanogara hadzina zvikwanisiro zvekuti vagare vakasununguka kusanganisira zvimbuzi zvinodiwa nevakaremara.

Mumwewo mudzidzi asingaone wepaGreat Zimbabwe University ada kuzivikanwa nerekuti Alois Gukwe achityira kuzoshungurudzwa uye asingaoni anoti chikoro chavo hachina zvikwanisiro zvakakwana kuti vakwanise kuverenga.

Vati, “Isu vasingaoni nyaya yema brail inotishungurudza, mashoma uye kana tiri muma lessons hatina maassistance saka tinokurudzira kuwedzerwa kwema resources.”

Vadzidzi vakaremara vanotiwo vari kusarudzwa munyaya dzekutungamira vadzidzi.

Muzvare Munyaradzi Madondo wepa Bondolfi Teachers College anoti kusanzwisisa nezvehurema kuri kupa kuti vamwe vadzidzi. Muzvare Madondo, “Tinosarudzwa musarudzo dzevatungamiriri uye kumitambo vanofunga kuti hatigone masports,”

Vanomiririra vakaremara kuAfrican Union uye vari mutori wenhau, VaNyasha Nhau vanoti kushaikwa kwezvikwanisiro izvi kunotyora kodzero dzevadzidzi ava.

“Tiri kukurudzira maUniversity arinovhete dzimba dzekudzidzira, dzekugara kunyange dzeadministration chaidzo,” VaNhau vaudza Studio 7.

Asi mutauriri wepaGreat Zimbabwe University, VaAnderson Chipatiso vanoti vari kuyedza chose kuisa zvikwanisiro zvinodiwa nevakaremara. VaChipatiso vati, “Tiri kuyedza chose kuisa zvikwanisiro izvezvi padzimba dzevanoshandisa mawheel chair takaisa maramp uye madoor avo akakura kupfuura evamwe kuti vapinde zvakanaka,”

Panyaya yemari yedzidzo, munyori mukuru mubazi rezvemagariro evanhu VaSimon Masanga vanoti hurumende iri kubatsira vakaremara nemari yedzidzo uye vakurudzira vanhu kuti vanyorese kubazi ravo.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvedzidzo yepamusoro, Muzvinafundo Amon Murwira avo vange vasingadairi nhare kana kupindurawo tsambambozha yatavatumira kuti tinzwe divi ravo panyaya yezvivakwa nezvimwe zvikwanisiro.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG