Accessibility links

Breaking News

Vatungamiri veSADC Vatanga Kupinda muNyika Nhasi Asi Kupambwa kweVanhu Kuri Kuenderera Mberi


Kunyangwe vatungamiri venyika dzemuSADC vatanga kupinda muZimbabwe nhasi, nyaya yekupambwa kwevanhu nevasori iri kuenderera mberi.

Imwe nhengo yebato rinopikisa reCitizens Coalition for Change VaDarlington Madzonga kana kuti "Cde Danso" vakapambwa muHarare nezuro masikati uye nanhasi havasi kuzivikanwa kuti vari kupi. Baba vavo VaDonald Madzonga vati mwana wavo akapambwa nevanhu vainge vari mumutokari dzisina kunyorwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Hatina kukwanisa kubata mutauriri wemapurisa Commissioner Paul Nyathi asi patakambotaura navo vakati vanoongorora nyaya dzinenge dzamhan'arwa kunyangwe vamwe vanhu vachinyepera kuti vapambwa kuti vasvibise zita renyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:00:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mumwe akayedzwa kupambwa nevasori muHarare VaBrigs Bomba vesangano reTrust Africa vaburitsa mashoko kuvatori venhau vachiti vakapona nepaburi retsono asi vakati anochengetedza pavanoshandira akarohwa zvakaipisisa.

Vanoti vanofungidzira kuti kuda kupambwa kwavo kunotevera musangano wavakaita kuVictoria Falls wakapindwa nenyika makumu mana nenhatu. Vamwe vashanu vaienda kumusangano uyu vakapambwa kana kubvunzurudzwa nemapurisa.

Munyori mukuru werimwe sangano revarairidzi reAmalagamated Rural Teachers Union of Zimbabwe VaRobson Chere vakaitwa kafiramberi uye vange vasati vaonekwa navanachiremba vavo mujeri reChikurubi.

Vatungamiri vasvika munyika vanosanganisira VaLazerus Chakwera vekuMalawi, Amai Samia Suluhu Hassan vekuTazania avo vachangobva kusunga vanopikisa munyika mavo vaida kuratidzira, mutungamiri wehurumende yeLesotho VaSamuel Ntsokoane uye mutugamiri weNamibia VaNangolo Mbumba.

Mimwe misangano yekumucheto kwegungano guru reSADC revatungamiri richaitwa musi weMugovera iri kuenderera mberi.

Nhasi mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vange vari kuUniversity of Zimbabwe muHarare kwange kuchiitirwa musangano wakanangana nekukurudzira kushanda kwemaindustry kana kuti “Building Research Capacity and Innovation Ecosystems for a Sustainable Industrialized SADC Economy

Forum

XS
SM
MD
LG