Accessibility links

Breaking News

WFP Yotatarika Kuwana Mari yeKubatsira Zimbabwe neDzimwe Nyika Panguva Iyo Nzara Yowedzera


Zimbabwe Hunger Crisis
Zimbabwe Hunger Crisis

Sangano reUnited Nations World Food Prgramme rinobatsira nyika dzepasi rino nechikafu rinoti riri kutatarika kuunganidza mari inosvika mamiriyoni mazana mana kana kuti 400 million kubatsira nyika dzekuchamhembe kweAfrica kusanganisira Zimbabwe dzatarisana nedambudziko renzara isina mukare akamboona.

Mutauriri weWFP VaTomson Phiri vaudza nhepfenyuro yeReuters kuti kusvika parizvino vakwanisa kuunganidza zvikamu makumi maviri kubva muzana kana kuti 20% chete zvemari iri kudiwa kutengera vanhu zvekudya.

Mashoko aya ari kuuyawo panguva iyo rimwe sangano rinoita tsvakiridzo panyaya yezvekudya nemamiriro ekunze reFamine Early Warning Systems Network kana kuti Fews Net riri kuti nyika dzekuchamhembe kweAfrica hadzichisina chikafu.

Huwandu hwevanhu vari kuda chikafu munyika dzakaita seZimbabwe, Malawi, Zambia neDRC hunosvika mamiriyono makumi matatu kubva muna Gumiguru kusvika muna Kurume gore rinouya.

Hurumende nemasangano akazvimirira oga ari kukurudzirwa kubatsira WFP kutengera vanhu ava zvekudya.

Vaimbotungamira sangano rinoshanda neWFP pakugovera chikafu reVChristian Care VaForbes Matonga vaudza Studio 7 kuti kushaikwa kwemari pauya nguva yakaipa apo mvura yave kunetsawo kuwana.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG