Accessibility links

Breaking News

RBZ Yoyambirwa Kuti Ichakonzera Kusagadzikana Ikamanikidza Vari Kutumirwa Mari neHama Kubva Kunze Kutora Mari Iyi Ari MaZiG Chete


Mutevedzeri wemukuru webhanga reReserve Bank of Zimbabwe VaWilliam Mamhimanzi vakaudza musangano wezvemari kana kuti Inaugural Capital Market Conference kuti hurumende iri kutsvaga nzira dzekuti vanhu vachengetere mari yavo mumabhanga.

Zvimwe zviri kunzi nehurumende zvinogona kuitwa kuti vanhu vanenge vatumirwa mari nehama dzavo dziri kunze kwenyika vadzipihwe dziri mumari yenyika yeZIG.

Asi izvi zvakamboyedzwa nevaive gavhuna weRBZ VaGideon Gono zvikakonzera matambudziko sezvo vanhu vakange votsvaga dzimwe nzira dzekutumira mari nekuda kwekushaya simba kwedhora remunyika.

Zimbabwe inowana mari inodarika bhiriyoni kubva kune vari kunze. Chipangamazano cheRBZ VaPersistance Gwanyanya vaudza Studio 7 vati vanhu vanogona kunge vatadza kunnzwisisa zvataurwa naVaMamhimanzi sezvo chavari kungoda kuti vanhu vasvike pachidanho chekuti ivo vaga vanenge voti vanoda kupihwa maZiG.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi Muzvinafundo Gift Mugano vanoshanda neDurban University of Technology vaudza Studio 7 kuti zvakataurwa naVaMamhimanzi zviri pachena uye hazvisi kuzoshanda nekuti vanhu vanongotsvaga dzimwe nzira dzekutumira nadzo mari.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Nyanzi munyaya dzezvehupfumi Muzvinafundo Gift mugano vanoshanda neDurban University of Technology, vange vari parunhare kuDurban.

Forum

XS
SM
MD
LG