Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Votora Chijana Chekutungamiri SADC kweGore Asi Vanopikisa Vachiti Vasori Vavaonesa Ndondo


Zimbabwe nhasi yatambidzwa chijana chekutungamira sangano regungano renyika dzekuchamhembe kweAfrica, reSADC, pamusangano weSADC Heads of State Summit waitirwa muHarare.

Asi varipo vazhinji munyika vanoti kungowana havo chigaro ichi, asi mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, havana kukodzera kunge vachipiwa chigaro ichi.

Vachitaura mushure mekutambidzwa jana iri, richapera mushure memwedzi gumi nemiviri sezvagara zvichiitwa, mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakurudzira nyika dziri muSADC kuti dzisabvumidze dzimwe nyika dzingada kudziudzira zvekuita munyaya dzezvematongerwo enyika, pamwe nezvehupfumi.

VaMnangagwa vati, “Ndinoti hatifaniri kutengesa rusununguko rwenyika dzedu nekuda kwemari.” Vatizve, “Ngatiitei kuti vese vanoda kuzotibatsira kusimudzira hupfumi hwedu, vaite izvi vachitevedzera mitemo yedu isu. Tikashanda nesimba, tichishandisa zvatakapiwa naMwari, tinobudirira chete.”

Vachitaura pamusangano mumwewo, mukuru anoona nezvekufambiswa kwezvirongwa zvemuSADC, VaElias Magosi, varumbidza hutungamiri mugore radarika, hwevanga vari mukuru wesangano remubatanidzwa iri, VaJoao Laurenco.

VaMagosi vati, “Ndinoda kukorokotedza nekutenda VaLorenzo vakabata basa rinonwisa mvura mudunhu redu mugore radarika.” Vaenderera mberi vachiti, “Takadzidza zvakawanda kubva kwavari. Ndinovimba kuti tichachandawo zvakanaka naVaMnangagwa.”

Asi variko vanga vachitarisira kuti musangano wanhasi uchakurukurawo pamusoro pesarudzo dzakaitwa muZimbabwe dzisina kugutsa vazhinji, vanosanganisira iyo SADC, African Union, nevakawanda vemuZimbabwe- hurukuro inova isina kuitwa.

Vaimbove mutungamiri webato rinopikisa reCCC, VaNelson Chamisa, vaudza Studio 7 kuti kunyange vatungamiri venyika dzemuSADC vauya nehuwandu hwavo kumusangano weSADC, hazvirevi kutambira sarudzo dzakaitwa naVaMnangagwa.

Vati, “Munozviziva kuti chero kuchigadzwa munhu pachivanhu chedu, pamba panozivikanwa kuti ndepemhondi kana kuti huroyi, vanhu vanoungana zvisinei, nekuti vanenge vachitevedzera mitemo.”

Vatiwo, “Vakuru venyika dzemuSADC nemunhu wese zvake kusanganisira ivo vagadzwa ava, vanozviziva kuti sarudzo dzemuno hadzina kuitwa zvakanaka, ndiko saka tiine nyonganyonga yatinayo munyika. Saka kuuya kwevatungamiri ava hakurevi kuti vanotsigira hutongi hwaMnangagwa.”

Asiwo mukuru muhofisi inoona nezvekubuditswa kwemashoko mubato reZanu PF, VaFarai Marapira, vanoti zvinosuwisa kuti VaChamisa vachiri vakabatirira panyaya yesarudzo.

“Zvazvakanakira ndezvekuti bumbiro redu remitemo rinotendera munhu wese zvake kufunga zvaanoda, kunyange achirasika.” VaMrapira vaudza Studio 7.

Vatizve, “Asi ndinoti zvatoita zvakanaka kuna VaChamisa nekuti ikozvino vave kukwanisa kungotyaira motokari yavo kana kufamba netsoka, vonopa nhunha dzavo kumutungamiri weSADC, VaMnangagwa, pasina kukwira ndege- zvichemo zvinobva zvaongororwa.”

Musangano weSADC Heads of State Summit uyu waitirwa paparamende itsva kuMt Hampden muHarare, waona vatungamiri venyika gumi neshanu vachiuya muHarare, kunze kwemutungamiri weZambia, VaHakainde Hichilema, avo vanofungidzirwa kuti varimirana kumuganhu naVaMnangagwa.

VaMnangagwa vakaudza mutungamiri wenyika yeRussia, VaVladmir Putin kuti Zambia inowana rubatsiro rwakanyanya kubva kunyika yeAmerica, kudarika Zimbabwe uye vakati inozemberana neZambia zvakanyanya.

Vakuru muhurumende yaVaMnangagwa nemubato ravo reZanu-PF vanopomerwawo mhosva yekusaremekedza VaHichilema nekuvatuka pakaitwa sarudzo munyika sezvo Zambia yaitungamira chikwata cheSADC chakati sarudzop dzemuZimbabwe hadzina kufambiswa zvakanaka.

VaHichilema vakatura vari padandemutande nezuro pakutambidza chigaro chasachigaro weSADC Troika kuNamibia.

Vanoongorora nyaya dzezvekudyidzana kwenyika dzepasi rese, uye vari mudzidzisi pachikoro cheBindura University of Science Education, Doctor David Makwerere, vati vatungamiri venyika dzemuSADC havafaniri kuwanza simba kumuromo sepinjisi, asi vanotarisirwa kuita zvavanovimbisa veruzhinji.

VaMakwerere vanoti, “Zvakanaka kuti Zimbabwe yatambidzwa chigaro ichi, asi zvakanyanya kukosha ndezvekuti vatungamiri venyika dzemuSADC vazadzikise zvavanovimbisa zvizvarwa zvemunyika dzavo.”

Vatizve, “Misangano yakanaka chose, asi kuzoita zvinenge zvawiriranwa, ndizvo zvakakoshesa. Ndinovimba Zimbabwe ichaita kuti basa reSADC rienderere mberi mune zvakanaka, iyowo ichitungamira pane zvakanaka zvinoda kuitwa.”

Musangano weSADC Heads of State Summit uyu, wanga uchiitwa pasi pedingindira rekukurudzira kushandiswa kwemishina yechizvinozvino, kuti SADC ibudirire, kana kuti, “Promoting Innovation to Unlock Opportunities for Sustainable Economic Growth and Development towards an Industrialized SADC”.

Asi vakawandawo munyika vanga vave kuda kuti musangano uyu uitwe udarike, sezvo vanga vachioneswa ndondo nemapurisa nemasoja, ayo anonzi anga achityira kuti vanhu vanogona kuratidzira.

Vanhu vanodarika zana nemakumi manomwe vanosanganisira vanorwira kodzero dzevanhu, vakasungwa mumwedzi miviri yadarika, vachipomerwa mhosva yekuda kukonzeresa kusagadzikana munyika, apo musangano weSADC waizoitwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG