Accessibility links

Breaking News

Veruzhinji Voti Nees Anofanira Kutsigirwa, Dynamos Ichikunda Mumutambo Wenhabvu


Murairidzi mutsva we Chikwata che Zimbabwe- Michael Nees.
Murairidzi mutsva we Chikwata che Zimbabwe- Michael Nees.

Kwasara masvondo matatu chete kuti Zimbabwe ipinde munhandare nemurairidzi wayo mutsva Michael Nees weku Germany asi veruzhinji vanoti pane zvakawanda zvinoda kutanga zvagadziriswa kuti Nees abudirire muZimbabwe .

Chekutanga, mutevedzeri wemukuru weZimbabwe National Soccer Supporters Association VaAdomsi Makosi Mukwasi vanoti Nees anofanira kupihwa rusununguko rwekusarudza vatambi vake pasina anopindira kusanganisira vekumahofisi evatungamiri venhabvu munyika veZifa.

"Dambudziko ratichasangana naro ndere maplayer agents vanoziva kuti kumaWarriors ndiku kune yese. Vanomhanya kunoti vatambi vavo vatambe kuti vaonekwe. Vanhu vakadaro tokumbira kuti vambomiswa kusangana nacoach," vanodaro VaMukwasi.

Vanoita zvekushambadza vatambi kuzvikwata zvemuZimbabwe nekunze kwenyika varikupomerwa mhosva yekupa varairidzi vemaWarriors vatambi vavanenge vachida kushambadza nekuzotengesa kuti vaonekwe apo vanenge vachitambira chikwata chenyika.

Asi aimbobatira maWarriors, Chenjerai Dube, anoti chikuru, Nees anoda ruremekedzeko nerutsigiro rwakasimba rwenyika yese kuti abudirire mubasa rake iro ririkusanganisira makundano eAfcon 2025 neWorld Cup 2026.

"Kuti basa rigambe murairidzi wese anoda rutsigiro. Munhu wese ngaamupe rutsiro, Zifa nenyika yese," anodaro Dube.

Munyori wezvemutambo wenhabvu Admire Muhimeke anotsinhirawo achiti rutsigiro urwu rwunofanira kusanganisira kuve nezvikwanisiro zvekushandisa zvakakwana uyezve nemari yekupa vatambi kuti vaite basa ravo neshungu.

"Murairidzi tave naye asi tinofanira kumutsira zvakasimba nemari kubva kumakambani pamwe nevemabhizimisi," vanotaura VaMuhimeke.

Nees arikutsiva Jairos Tapera uyo aive panyanga pamitambo miviri yeWorld Cup neLesotho neSouth Africa pamwe nemakundano eCosafa Cup ayo Zimbabwe yakabuda munharaunda yekutanga.

Basa rake ririkutanga zvine mutsindo musi wa 6 Gunyana apo Zimbabwe yakananga kuNairobi kunosangana nemaHarambe Stars ekuKenya mumutambo wavo wekutanga weAfcon 2025.

Muongorori wemutambo wenhabvu VaNazzy Moyo vanoti pane zvavakaona pana Nees zvinoita kuti vafunge kuti achabudirira mubasa rake akasakanganiswa nemafambiro ehutungamiri wenhabvu munyika.

"Pane zvakawanda zvandinoona panaNees asi chikuru iconfidence. Confidence dzinodiwa nekuti dzinosvikawo kuvatambi kuti vakunde. Ndinoona kunge Nees achatipa mufaro," vanodaro VaMoyo.

VaMoyo vanoti dai zvaiita Nees anofanirwa kupihwa nguva kana simba rekusarudza ega vatevedzeri vake kwete kuita zvekutambidzwa.

"Sekutaura kwevanhu, muvhimi anofamba nembwa dzake. Ndinovimba kiti veZifa vachamuka Simba rekutvaga ega vaachada kushanda navo,' anokitudzira Moyo

Mukuru weZifa Normalisation Committe Vincoln Mutasa vanoti vakapa Nees basa iri mushure mekuona nhoroondo yake yakasimba inosanganisira kuve mumwe wevarairidzi vakaperekedza England ku2006 World Cup.

Nees ane chibvumirano chebasa neZimbabwe chemakore maviri uyezve arikubhadharwa mari yake yemuhoro neFifa.

Zvabuda mimwe mitambo yenhabvu zvakamira zvakadai:-

Dynamos yakarova Zesco yekuZambia 1-0 mumutambo weCaf Confederations Cup uyo wakatambirwa muBotswana nemusi weSvondo.

Chibodzwa cheDynamos iyo irikurairidzwa naLloyd Chigove chakaroverwa mumambure naTanaka Shandirwa mumutambo uyo Dembare yakange yakatarisirwa kukunda.

Dynamos neZesco dzirikusangana zvekare svondo rino asi kuZambia.

Nemusi weMugovera, Ngezi Platinum Stars' yakaita mangange 0-0 neAS Maniema, yekuDRC mumutambo weCaf Champions League uyo wakatambira kuZambia kunyange hazvo vaive pamusha.

Dynamos neNgezi dzirikushandisa nhandare dzekune dzimwe nyika nekuti Zimbabwe haina nhandare dzakakodzera kutambirwa mitambo yenhabvu neve kune dzimwe nyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG