Accessibility links

Breaking News

Kumbunyikidzwa kweVanhu Kwoenderera Mberi Kunyangwe Musangano weSADC Wakapetwa neMugovera


VATUNGAMIRI VENYIKA DZE MU DUNHU RE SADC
VATUNGAMIRI VENYIKA DZE MU DUNHU RE SADC

Vaimbove nhengo yeparamende vachimiririra Binga North VaPrince Dubeko Sibanda, vakasungwa nemapurisa pamuganhu weSouth Africa neZimbabwe nemusi weMugovera vamiswa pamberi pedare nhasi.

Vakasungwa vachipomerwa mhosva yekupesvedzera mhirizhonga. Asi vari kuramba mhosva iyi.

VaDubeko-Sibanda vanzi vadzoke kudare nemusi weChishanu. Vari kumiririrwa negweta rinorwira kodzero dzevanhu VaAlec Muchadehama ukuo muchuchusi wehurumende ari VaAnesu Chirenje.

Pakugadzirira musangano weSADC wakapetwa muHarare, hurumende yange ichisunga vanopikisa ichiti vaironga kuratidzira kunyangwe pasina humbowo hwakati tsvikiti.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nemakurukota avo vaivimbisa kuomesera vavaiti vaida kukanganisa musangano zvakapa kuti vanhu vanodarika zana nemakumi matanhatu vakandwe mujeri.

Kusungwa kwevanhu uku kuri kupikiswa nemasangano anorwira kodzero dzevanhu, United Nations, mapato enopikisa kuSouth Africa nedzimwe nyika dzemuAfrica uye nyika dzakaita seAmerica, Britain negungano reEU.

Vanoongorora nezvemagariro evanhu vari mukuru wezvirongwa musangano reZimbabwe Network For Social Justice, VaTendai Reuben Mbofana vanoti musangano weSADC wakaitwa uyu hauna chauchaunza chitsva munyika uye sangano iri harina charichataura pamusoro pekutyorwa kwekodzero dzevanhu munyika kuri kuitika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG