Accessibility links

Breaking News

Vasinganzwi Munzeve Votadza Kurapwa Nekuti Vekuzvipatara Havagone Mutauro Wemaoko weSign Language


Deaf Zimbabwe Trust.
Deaf Zimbabwe Trust.

Vanhu vakaremara, zvikuru vaye vasinganzwi nekutaura, zvinovarwadza mumuviri yavo nokuti vazhinji vacho havagone mutauro wemaoko weSign Language.

Gogo Dudzai Gomo vaudza Studio 7 kuti vakadzidzisa muzukuru wavo, Tendai Gomo anemakore gumi nematanhatu mutauro wesaini panguva yeCovid 19, vachitevedzera zvavanoona panguva yenhau dzechiShona pachitivhiti.

Amai Gomo vanoti zvinonyanya kuvanetsa ndezvokuti muzukuru wavo haatumike kuenda kuma girosa kana kufamba ega kuenda kukiriniki nokuti haanzwe kutinhira kwedzimota mota dzinopesana pamigwagwa.

Amai Gomo vakurudzira vakuru vanoona nezvedzidzonezvikoro kuti vawedzere zvikoro nemakiriniki kuitira kuti vana vakaremara vasafambe nzendo refu vachienda kunorapwa.

Amai Barbara Nyangairi vanoti dzidziso yesaini irikuitwa kudzimba handiyo inokurudzirwa, uye vaendera mberi vachiti ikodzero yemwana wese akaremara kuti awane dzidzo uye nekurapwa kumakiriki nezvipatara.

Vaendera mberi vachiti vabereki vakawanda vakabva vazorora kuendesa vana kuchikoro uko vanodzidziswa kusaina, panguva yakambovharwa nyika nechikonzero che denda reCovid 19 apo vana ava vaigara vakavharirwa mumba.

Vaendera mberi vachiti Zimbabwe haisati yave neinonzi syllabus yembeveve naanamatsi i inofanirwa kutevedzwa nevadzidzisi sezvinongoitwa dzimwe dzidziso.

Amai Nyangairi vanoti panofanirwa kumbosungwa vabereki vasingaendese vana ava kuchikoro nokuti chikoro ndiyo nzira imwechete inokwanisa kuvandutsa hupenyu hwe vana ava kuitira kuti cherovakaenda vega kuzvipatara vazokwanisa kutaura nesaini.

Asi, Amai Gomo vanoti muzukuru wavo anogona chikoro chaizvo, asi semunhu asina pokugara pavanoti ndepavo, vanochinja pekugara nguva nenguva uye vanoti ndizvo zvatovhiringidza dzidzo yemuzukuru wavo.

Vaendera mberi vachikurudzira hurumende kuti ivake zvikoro avevana vasingataure naanamatsi kuti magariro avo arerutsire mhuri dzine vana vakadaro.

Nyanzvi yezvehutano Amai Auxillia Tembo vekuWaterfalls vanoti vanhu vasinganzwe nekusagona kutaura vanekodzero dzokuzvitsanangurira zvirwere zvinovanetsa pasina anoturukira, uye vakurudzira vana chiremba naana mukoti kuti vadzidzirewo mutauro wekusaina.

Mukuru weDisability HIV and Aids Trust VaTafadzwa Museva vanoti zvinonetsa kuti varonge zvakanangana nevanhu vanorarama nehurema, kunyanya mbeveve nokuti nzvimbo dzinorapwa vanhu hadzina zvinyorwa zvinoratidza kuti vangani vanhu vakadai vanombouya kuzotsvaga rubatsiro kumakiriniki.

Masangano matatu anorwira kodzero dzevasingaoni pamwe nevasinganzwe nekutaura akambokwirira hurumende pamwe nenhepfenyuro yeZBC kudare repamusoro achinyunyuta nekwavanoti kusavepo kwemashoko edzidziso pamusoro pezvirwere zvikuru panguva yakapararira denda reCOVID-19 anonzwisiswa nevasingaoni pamwe nevasinganzwe nekutaura.

Izvi zvakaitika mugore 2019 apo masangano anoti Centre for Disability and Development, Deaf Zimbabwe Trust pamwe neZimbabwe National League of the Blind, avo vanoti kodzero dzevanhu vane hurema dziri kutyorwa uye kuramba dzichityorwa nehurumende pamwe neZBC zvikuru panguva yakavharwa nyika kubudikidza nedenda reCOVID-19.

Zimbabwe yakasaina chibvumirano cheUnited Nations Conventions on the Rights of Persons with Disabilities mugore 2013, asi nyanzvi munyaya dzemitemo pamwe nehutano dzinoti zviga zveUnited Nations izvi hazvisati zvaiswa mumutemo wenyika.

Studio 7 yamboedza kubata mutauriri webazi rehutano VaDonald Mujiri kuti tinzwe divi rebazi ravo, asi takundikana.

Asi sangano reWorld Health Organisation rinoti vanhu mamirioni mazana nemakumi matanhatu imbeveve pasi rose uye sangano reDeaf Federation Report rinotiwo zvakare vanhu zviuru mazana makumi maviri nemasere imbeveve munyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG