Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Votura Befu Nekupera Kwe Musangano weSADC


Emmerson Mnangagwa
Emmerson Mnangagwa

Kunyange musangano weSouthern Africa Development Community (SADC) wakasvika kumagumo mukupera kwesvondo, vakawanda vanoti vatura befu, sezvo vakange votadza kuita mabasa avo uye kufamba vakasununguka.

Mumwe wevanoti vave kufara kuti musangano uyu wakapera, ndiAmai Naume Gweshe veMuChinhoyi vanorarama nekutengesa.

"Takarasikirwa nemari inosvika madhora ekuAmerica zana nemakumi mashanu - US$150 sezvo taidzingwa mumigwagwa nemapurisa"

Izvi zvinotsigirwa nemugari wekuChegutu, Amai Lydia Kufakuripo vanoti michero ne muriwo zvavanotengesa zvinosvika madhora ekuAmerica zana- US$100 zvakaora sezvo vaibviswa mumigwagwa ndo kushaya vakatenga.

"Vanhu vakange votadza kufambafamba sezvo vakange vachitya mapurisa aingombeya mbeya mudhorobha rose, nguva nenguva. Nhasi zvange zviri nani, sezvo vanhu vakawanda vange vave kufamba uye mapurisa ange ari mashoma mudhorobha"

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, VaChitambara vanoti panyaya yehupfumi musangano weSADC wakayamura munyaya dzekushanyirana sezvo vanhu vakawanda vakapinda munyika.

"Chakakosha mushure memusangano, kuzadzisa zvibvumirano zvinoita kuti pave nekubatana kwenyika dzemuAfrica uye kudyidzana kunovandudza hupfumi kuti pave nemabasa munyika dzakawanda"

Vaimbove mutauriri webato reCitizen Coalition for Change-CCC, VaOstalos Siziba vanoti musangano hauna chawakaunza asi kushungurudzwa kwenhengo dzemapato anopikisa.

"Musangano weSADC hauna kugadzirisa nyaya dzehuori, kushaikwa kwemishonga muzvipatara, kushaikwa kwezvekudya zvicharamba zviripo kusvikira pave nehurumende yakasarudzwa nevanhu"

Mutungamiri werimwe bato rinopikisa reDemocratic Party VaWurayai Zembe vanoti vatungamiri venyika dzemuSADC vakaita zvemahumbwe sezvo vasina kubata nyaya dzesarudzo yegore rapera.

"Hapana chinozomboshanduka panyaya dzekutyorwa kwekodzero dzevanhu munyika"

Asi mukuru muhofisi inoona nezvekuburitswa kwemashoko mubato reZanu Pf VaFarai Marapira vanoti vasiri kufara nezvakabuda mumusangano weSADC vashoma chaizvo, sezvo vakawanda varikufara nekuti zvakavandudza nekusimudzira mabasa ekushanyirwa kwenyika uye vemabhizimusi vakawana mukana wekuzivikanwa zvichaita kuti pave nekudyidzana kwakasimba mumabasa ekutengeserana.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG