Accessibility links

Breaking News

Vaimbova Mumiriri weBinga North VaPrince Dubeko Sibanda Vamiswa Pamberi peDare raMagistrate


 Prince Dubeko Sibanda
Prince Dubeko Sibanda

Vaimbove mumiriri weBinga North mudare reparamende vari nhengo yeCCC VaPrince Dubeko Sibanda vamiswa pamberi pedare ramejastiriti muHarare.

VaSibanda vari kupomerwa mhosva yekukurudzira vanhu kuita mhirizhonga kuburikidza nezvinyorwa zvavakaisa padande mutande re X ne Whatsaap mumapoka ebato ravo re CCC

Mutongi wedare raMagistrate, VaMarewanazvo Gofa, vati vachatura mutongo avo wekuti votongwa vachibva kumba here kana kuti kwete na11 mangwanani wemusi weChishanu.

Gweta raVaSibanda, VaAleck Muchadehama vanova nhengo yesangano remagweta reZimbabwe Lawyers For Human Rights vati nyaya dzekusungwa kwevanopikisa nevarwiri vekodzero dzevanhu dziri kuramba dzichiwedzera munyika. Asi vati zviri kuitwa kutyora bumbiro remitemo nekuti kuratidzira murunyararo ikodzero iri mubumbiro remitemo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Studio 7 haina kukwanisa kubata mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi sezvo vanga vasingadairi nharembozha yavo.

Asi vachitaura nevatori venhau muHarare mushure memusangano we SADC mutauriri weZANU PF, VaChristopher Mutsvangwa, vakapembedza kusungwa kwakaitwa vanopikisa nevaida kuratidzira vachiti vaida kukanganisa musangano weSADC.

Mukuru muhofisi yekufambiswa kwemashoko muZANU PF, VaFarai Marapira vaudzawo Studio 7 kuti hakuna mutemo wakagadzirirwa vanopikisa vachiti munhu anomira nemhosva yake.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi United Nations, masangangano anorwira kodzero dzevanhu munyika nekunze ari kushora nyaya yekusungwa kwevanhu iyi.

Forum

XS
SM
MD
LG