Accessibility links

Breaking News

Zviri Kuitika muAmerica

VaBiden Votambidza Tsvimbo yeKutungamira Democratic Party Kuna Amai Harris Vachiti Pavo Vakasakura

VaJoe Biden
VaJoe Biden

Mutungamiri wenyika VaJoe Biden nhasi vataura pamberi pevatsigiri vebato ravo kuChicago kuri kuitwa musangano mukuru weDemocartic National Convention kana kuti DNC wekutambira tsvimbo yekutungamiri kwemutevedzeri wavo Amai Kamala Harris kuti vatungamire bato remaDemocrats musarudzo yemutungamiri wenyika muna Mbudzi.

Amai Harris ndivo vaparura hurongwa hwekurumbidza VaBiden nemabasa avakaita mubato remaDemocrats nenyika. Vanhu vazhinji vashamisika sezvo Amai Harris vange vasingatarisirwe kutaura nhasi.

Amai Kamala Harris
Amai Kamala Harris

VaBiden vatambirwa nemufaro pamusangano uyu. Vakazivisa kuti havachakwikwidze musarudzo sezvo vamwe mubato ravo vakakurudzira kuti nekuda kwekuti vakwegura vanofanira kusiira wechidiki ari kutemwa dzinobva ropa kuti atungamire bato iri musarudzo.

Mumashoko avo, VaBiden vabvunza vanhu kuti vakagadzirira kuvhotera Amai Harris nemutevedzeri wavo VaTim Walz here? Vanhu vapindura vachiti hongu.

VaBiden vashora zvikuru vaimbova mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump nekuramba kutambira zvakabuda musarudzo yemutungamiri wenyika muna 2020.

Mutungamiri wenyika ati akatora mhiko nyika yagwadama nekuda kweCovid-19 vanhu vasina mabasa. Ati vanhu vanofanira kuchengetedza hutongo hwejekerere.

Vati sarudzo iyi yakakosha mukuratidza kuti remangwana reAmerica rakamira sei. Vataura nezvavati vakakwanisa kuita pamwe naAmai Harris sekugadzira mugwagwa, hupfumi, zvehutano nezvimwe. Vakurudzira vanhu kuti vavhotere Amai Harris.

Amai Hillary Clinton
Amai Hillary Clinton

Vamwe vataura pamusangano wanhasi mudzimai waVaBiden, Amai Jill Biden uye vakasarudzwa nebato iri kuva mudzimai wekutanga kuri tungamirira musarudzo yemutungamiri wenyika muna 2016, Amai Hillary Clinton. Asi vakazokundwa naVaDonald Trump vebato remaRepublicans.

Amai Clinton vataura nezvenhoroondo yemadzimai yekurwira kodzero yavo yekuvhota uye kuti vakwanise kutungamira nyika. Amai Clinton vashora VaTrump vachiti munhu wekutanga kutsvaga rutsigiro abatwa nemhosva.

Vatiwo Amai Harris havashore vakarwa hondo zvinoitwa naVaTrump.

Amai Harris ndivo mudzimai wekutanga ane mubereki mutema uye amai vanobva kuIndia kusarudzwa kuti amirire bato guru iri musarudzo yemutungamiri wenyika.

Kunze kwevamiriri vebato iri kubva kumatunhu akasiyana siyana, madzimai matatu anoti Amai Amanda Zurawski, Amai Kaitlyn Joshua naAmai Hadley Duvall vataura nezvematambudziko avakasangana navo muhupenyu mushure mekubata pamuviri.

Vati mitemo yakadzikwa nekuda kwaVaaTrump yekurambidza kubvisa nhumbu kunyangwe hupenyu hwaamai huri munjodzi kana kuti munhu abatwa chibharo unoomesera madzimai akawanda zvichipa kuti vamwe varasikirwe nehupenyu.

Kuratidzira

Apo musangano uri kuenderera mberi, vamwe vanhu vakaungana panze vachiratidzira nezvichemo zvakasiyana siyana. Masangano mazana maviri abatana kuratidzira achiti haasi kufara nekutsigira kuri kuitwa Israel nehurumende yaVaBiden.

Chicago DNC protest police Palestine
Chicago DNC protest police Palestine

Vanoti America haifanire kupa Israel zvombo zvekurwisa vanhu vemuGaza. Kunyangwe VaBiden vari kuti havasi kufara nekuurayiwa kwevanhu muGaza, avri kuti vanomira neIsrael.

Donald Trump

VaDonald Trump
VaDonald Trump

Vari kukwikwidzana naAmai Harris, VaDonald Trump nhasi vange vari kuPennsylvania kwavati vange vachitaura nezvehupfumi.

Asi pane dzimwe nguva vange vachisiya kutaura zvehupfumi vachituka Amai Harris zvese nababa vavo vachiti vanoda kuunza mitemo inoshandiswa kunyika dzakaita seChina

See all News Updates of the Day

Gakava raVaTrump naAmai Harris Roratidza Muyisano paVaviri Ava

VaDonald Trump naAmai Kamala Harris
VaDonald Trump naAmai Kamala Harris

Musarudzo yemutungamiri wenyika yeAmerica, vari kumiririra bato reRepublican Party VaDonald Trump vakatatsurana nevari kumirira bato reDemocratic Party nhasi mangwanani panyaya yekubvisa nhumbu, kupinda kwevanhu munyika uye kudyidzana nedzimwe nyika.

Vaviri ava vaita gakava vari pedyo nepedyo pasina vamwe vanhu kunze kwevatori venhau vaivabvunza mibvunzo venhepfenyuro yeABC News ichitepfenyurawo kune dzimwe nhepfenyuro zvichionekwa nemamiriyoni nemamiriyoni evanhu muAmerica vari kutarisirwa kuvhota musarudzo yemutungamiri wenyika muna Mbudzi.

Amai Kamala Harris naVa Donald Trump
Amai Kamala Harris naVa Donald Trump

Amai Kamala Harris vakataura kuvavhoti ukuwo vachipindura kushorwa kwavaiitwa naVaTrump, vachiparurawo gwara ravo mushure mekubuda musarudzo yemutungamiri wenyika kwakaitwa nemutungamiri wenyika VaVaJoe Biden vachivasiira tsvimbo. Vati, Zviripachena, handisi Joe Biden, uye handisi Donald Trump."

Vatizve, "Uye chandinopa igwara idzva rekutungamira nyika ino. Hutungamiri hunotenda mune zvinogoneka. Hunounza pfungwa yekuve netariro pamusoro pezvatingaite pane kugara tichishora vanhu veAmerica. "

VaTrump vashora Amai Harris vachiti vanoda zvehutongo hwegutsaruzhinji kana kuti Maxist vachiti ndivo vari kuita kuti munyika mupinde vanhu vakawanda vasina magwaro muAmerica.

VaTrump vati, "Vapadza hunhu hwedu netsika dzedu. Vari kubvumidza mamiriyoni nemamiriyoni evanhu kupinda munyika vasina magwaro."

VaTrump pasina kupa humbowo vati Amai Harris ndivo vakakonzera kuti Russia irwise Ukraine uye kuti hondo yemuGaza itange. Vati, Akavenga Israel." Vatiwo, "Uyezve anovenga nyika dzemaArab nekuti dunhu rose riri kubvira parizvino. MaArab, maJew, Israel. Israel inoparadzwa.”

Kuna VaTrump, aka kave kechinomwe vachiita gakava remutungamiri wenyika. Asi ndekekutanga kuna Amai Harris. Amai Harris vati VaTrump havafanire kupihwa mukana wekutungamira nyika zvakare uye vatungamiri venyika dzepasi rino vakawanda vanotenderana nemuono uyu kunze kwevanotonga nedemo avo vati VaTrump vanoyemura. Unoyemura vanotonga nedemo kwete kusimbaradza hutongo hwejekerere.”

Amai Kamala Harris
Amai Kamala Harris

Vanotsigira VaTrump vakaita semumwe mumiriri weFlorida mudare reparamende reHouse of Representatives VaByron Donalds vati Amai Harris vakundikana kuti vataure kuti zvii zvavachaita vakasarudzwa kutungamira nyika. VaDonalds vati, Kamala Harris chaaita kungoshora Trump. Haana kutaura nezvezvirongwa zvake." Vaenderera mberi vachiti, "Haana kutaura nezvemutsauko pakati pake naBiden. Pataurwa nyaya yehondo yekuAfghanistan ati kudii? Hapana kana chaataura.”

VaDonald Trump
VaDonald Trump

Vavhoti vanodarika zvikamu makumi matatu kubva muzana kana kuti 30% vanoti vanoziva kuti VaTrump munhu akaita sei asi vachiri kuda kuziva kuziva zvizhinji nezvaAmai Harris.

Gakava iri raburitsa musiyano pakati paAmai Harris naVaTrump sematauriro aVaTed Lieu nhengo yebato remaDemocrats kuCalifornia. VaLieu vati, “Kamala aratidza uti ane chiremera chekutungamira. Donald Trump ange achitatarika kupindura mubvunzo uye munhu asinganzwisisike.”

Kunzwe kwekunge vaita rimwe gakava, sarudzo isati yaitwa, gakava iri rakakosha mukuzvishambadza kwevaviri ava kune vanhu vashoma vasara vasati vazvipira kuti vovhotera ani zvikuru mumatunhu manomwe akakosha pakuti ndiyani achatora mhiko yekutungamira nyika gore rinouya.

Nyaya iyi yatumirwa naSteve Herman, VOA News ari kuPhiladelphia yamaverengerwa naEvans Zininga weStudio 7

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Amai Harris naVaTrump Votatsurana paMberi peSarudzo

VaTrump naVaHarris
VaTrump naVaHarris

Mutevedzeri wemutungami wenyika yeAmerica amai Kamala Harris avo vari kutungamirira bato reDemocratic Party musarudzo yemutungamiri wenyika muna Mbudzi nemusi weChishanu vakaparura hurongwa hwavo hwezvavachaitira nyika munyaya dzezvehupfumi kana vakasarudzwa.

Amai Harris vakati vari kuda kudzikisa mitengo yezvinhu, kuvaka dzimba dzakawnda uye kudzikisawo mutero kuvashandi.

Wavari kukwikwidzana navo VaDonald Trump veRepublican Party vakaparura hurongwa hwavo nemusi weChina. VaTrump vanoti hurongwa hwaAmai Harris hunoitwa kunyika dzine hutongo hwekutsaruzhinji dzakaita seChina. Asi Amai Harris vanoti zvakaturwa naVaTrump hazvina nematuro ose uye zvinodzosera nyika kumashure.

VaTrump vachange vachienderera mberi nekutsvaga rutsigiro kuPennsylvania nhasi uko vari kutarisirwa kutaura zvakare nezvavachaita kugadzirisa hupfumi hwenyika.

VaTrump nhasi vari kuPennsylvania kwavari kutsvaga rutsigiro. Aka kave kechipiri vachienda kudunhu iri sezvo mwedzi wapera vakasiira musangano panzira pachida sezvo paine mumwe murume akayedza kuvauraya.

VaTrump vari kutarisirwa zvakare kuenderera mberi nekushoropodza Amai Harris vachiti havakwanise kutungamira nyika uye zvose zvavari kuita parizvino nemutungamiri wenyika VaJoe Biden zvapa kuti nyika igwadame.

Ukuwo mutevedzeri waAmai Harris, VaTim Walz nhasi vari kutsvaga rutsigiro kuOmaha, Nebraska.

Asi vaWalz vari kutarisirwa kuudzawo vanhu kuti VaTrump vakapihwa mukana wekutungamira vakatatarika.

Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika VaLionel Kore vanoti pari z vaviri ava semaonero avo vari kuita mangenge sezvo vese varikuwana vanhu vazhinji kumisangano yavo yekutsvaga rutsigiro asi chichavapatsanura hwaro hwavachaparura rwekugadzirisa nyika,"VaKore vaudza Studio7.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vamwe Vanoongorora zveMatongerwo eNyika Vanoti Kubuda kwaVaBiden muSarudzo Hakurevi Kuti Amai Harris Vachangopinda Nyore

Amai Kamala Harris naVa Joe Biden
Amai Kamala Harris naVa Joe Biden

Muchirongwa chedu chatinotarisa zviri kuitika muAmerica, tiri kutarisa kubuda kwaVaJoe Biden neSvondo mukukwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika ichaitwa muAmerica muna Mbudzi wegore rino.

VaBiden vakabva vazivisawo kuti vave kuisa rutsigiro rwavo kumutevedzeri wavo, Amai Kamala Harris, kuti vave ivo vanozomirira Democratic Party musarudzo kana vakazobudirira kudomwa nenhengo dzebato ravo kugungano ravo kana kuti convention muna Nyamavhuvhu.

Nyanzvi yezvekudyidzana kwenyika dzapasi rose vachidzidzisa pachikoro chepamusorosoro cheDevry University kuOhio muAmerica, Muzvinafundo Elliot Masocha, vanoti vanoona sekuti VaBiden vakatora danho rakanaka nekuti ndivo vanoziva muviri wavo nehutano hwavo kuti vanokwanisa zvipi uye havachagoni zvipi.

Muzvinafundo Masocha vanotiwo hazvirevi kuti VaBiden zvavasisakwikwidzi musarudzo, Amai Harris vanobva vangotora chimuti, vachiti panofanirwa kutevedzerwa gwara rebato ravo vachikwikwidzana nevamwe vangadaro vachidawo kumirira bato iri musarudzo yemutungamiri wenyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Masachigaro Ose eBato remaDemocrat muAmerica Otsigira Amai Kamala Harris Kuti Vave Ivo Vanokwikwidza muSarudzo yeMutungamiri weNyika

Mutewedzeri wemutungamiri wenyika yeAmerica Amai Kamala Harris.
Mutewedzeri wemutungamiri wenyika yeAmerica Amai Kamala Harris.

Zvichitevera kuziviswa kwaitwa nemutungamiri weAmerica, VaJoe Biden, kuti vari kutsigira mutewedzeri wavo, Amai Kamala Harris kuti vatore chinzvimbo chavo mumakwikwi ekurwira chigaro chemutungamiri wenyika musarudzo dziriko muna Mbudzi wegore rino, masachigaro eDemocratic Party mumatunhu makumi mashanu ose eAmerica anonzi abva atsigirawo Amai Harris.

Nhepfenyuro yeCNBC yati mari dziri kubviswa nevatsigiri vebato iri pamwe nevanopa rubatsiro dzekubatsira Amai Harris dzinonzi dziri kuwanda kubva zvaziviswa naVaBiden kuti vakuba musarudzo, mushure mekunge vamwe vevaimbobatsira VaBiden nemari yekutsvagisa rutsigiro vakanga vasunga homwe dzavo.

Vachiisa rutsigiro rwavo kuna Amai Harris, VaBiden vanonzi vati Amai Harris vanga vari munhu anoshandika zvakanaka naye uye vari kuisa rutsigiro rwavo rwose pavari kuti vamirire bato musarudzo yemutungamiri wenyika gore rino.

VaBiden vazivisa kuti vachataura kuruzhinji rwenyika yavo mukati mesvondo rino pamusoro pedanho ravo iri.

Muzinda weWhite House wazivisa kuti VaBiden vataura nenhengo dzedare reCongress dzine chitsama, magavhuna, nevatsigiri, uye vacharamba vachitaura nevane chekuita nenyaya iyi husiku hweSvondo uye neMuvhuro.

Amai Harris, avo vane makore makumi mashanu nemapfumbamwe ekuberekwa, havana kunonoka kuzivisa kuti vachatsvaga rutsigiro rwekuti vadomwe kuti vamirire bato ravo remaDemocrats musarudzo.

Amai Harris vaive seneta vedunhu rine vanhu vakawandisa muAmerica, reCalifornia, panguva yavakadomwa naVaBiden kuti vave mutewedzeri wavo mumakwikwi emutungamiri wenyika muna 2020 mushure mekunge VaBiden vabudirira mumakwikwi enhengo dzebato iri dzairwira kumirira bato musarudzo.

Amai Harris vati vachaita zvose zvavanokwanisa kubatanidza bato remaDemocrats, kubatanidza nyika nekukunda VaDonald Trump musarudzo.

Vati kwasara mazuva zana nemanomwe kusvika kuzuva resarudzo, vachiti vacharwa pamwechete uye vachakunda pamwechete.

Mushure mekuzivisa kwaVaBiden kuti vabuda musarudzo, vari kukwikwidza vakamirira bato remaRepublican musarudzo yemutungamiri wenyika, VaDonald Trump havana kutora nguva kutsoropodza vose VaBiden naAmai Harris.

Vachinyora padandemutande, VaTrump vati VaBiden vanga vasina kukodzera kukwikwidza pachigaro chemutungamiri wenyika, vachitiwo Amai Harris havana kusiyana naVaBiden.

VaTrump vaudza nhepfenyuro yeCNN kuti Amai Harris vari nyore kukunda musarudzo pana VaJoe Biden.

Vamwe mubato remaRepublican vanonzi vave kukurudzira VaBiden kuti vasiye chigaro chekutungamira nyika.

Rodhai zvimwe

XS
SM
MD
LG