Accessibility links

Breaking News

VaBarack Obama naAmai Michelle Obama Vosimudza Morari kuDemocratic National Convention kuChicago.


VaBarack Obama naAmai Michelle Obama
VaBarack Obama naAmai Michelle Obama

Vaimbova mutungamiri wenyika VaBarack Obama nemudzimai wavo Amai Michelle Obama vataura nhasi mangwanani pamusangano weDemocratic National Convention uri kuitirwa kuChicago vakatambirwa nemufaro nevari pagungano iri.

VaObama vatenda mutungamiri wenyika VaJoe Biden uye kukurudzira vanhu kuti vavhotere Amai Kamala Harris musarudzo yemutungamiri wenyika muna Mbudzi.

VaObama vati danho guru ravakatora kudoma VaJoe Biden kuva mutevedzeri wemutungamiri wenyika. Vati VaBiden munhu anoshanda nesimba uye anoda kuti munhu wose apihwe mukana. Vatenda VaBiden vachiti munhu akasiya basa nechido chekuti hutongo hwejekerere huenderere mberi. Vati VaBiden vatambidza Amai Harris mwenje wekutungamira vachiendesa nyika mberi.

A mural by artist "4eene Vision" depicting US minister and activist Martin Luther King Jr. (L), former US President Barack Obama (C) and US Vice President and 2024 Democratic presidential candidate Kamala Harris (R) is pictured in Los Angeles, California
A mural by artist "4eene Vision" depicting US minister and activist Martin Luther King Jr. (L), former US President Barack Obama (C) and US Vice President and 2024 Democratic presidential candidate Kamala Harris (R) is pictured in Los Angeles, California

Vati sarudzo iyi ichange yakaoma uye achakunda anokunda nemavhoti mashoma. Vashora VaTrump vachiti munhu anongogara achichema chema nezvinhu zvose zvose. Vati munhu anoita zvehumbimbindoga. Vati vakaramba

Vachitaurawo pagungano iri, Amai Obama avo vatambirwa nemufaro vaudza vanhu kuti zvakakosha kuti vanhu vavhotere Amai Harris kuti vazadzikise zvishuviro zvavo muhupenyu. Vataurawo nezvekufa kwaAmai vavo avo vati vakashanda kuvapa tariro yehupenyu sezvaiitirwa naAmai vaAmai Kamala Harris.

Amai Obama, vati Amai Harris munhu akagadzirira kutungamira nyika. Vati hapana munhu anofanira kuudza vanhu kuti anonzi chizvarwa cheAmerica chaicho ndiyani. Vashora zvikuru VaTrump vachiti vanoita zverusaruraganda. Vati vanotya zvikuru vanhu vatema vakaita saivo vakadzidza.

Vachishandisa mashoko aVaTrump, Amai Obama vati zvichida basa ravari kuda rekutungamira nyika nderemunhu mutema. Vakurudzira vanhu kuti vashande nesimba kuti Amai Harris vasarudzwe nekukurudzira vanhu kuti vavhote.

Nhasi matunhu ose avhotera Amai Harris zviri pamutemo kuti vamiririre bato iri musarudzo nevaimbova mutungamiri wenyika VaDonald Trump.

Trump

VaTrump nezuro vaineg vari kuMichigan vachiita musangano wakanangana nekutarisa nyaya dzekuchengetedzwa kwemukati menyika.

VaDonald Trump
VaDonald Trump

VaTrump vati munyika muri kuparwa mhosva dzinotyisa uye vachazvigadzirisa. Asi zviri kubuda kuFederal Bureau og Investigation kana kuti FBI iri kuti mhosva dziri kuparwa dzaderera.

Forum

XS
SM
MD
LG