Accessibility links

Breaking News

Mameya neMakanzura Opinda Chikoro cheZanu-PF cheHerbert Chitepo School of Ideology Zvinonzi Hazvisi paMutemo


VaJacob Mafume
VaJacob Mafume

Mameya akawanda nemasachigaro emakanzuru asangana nhasi kuRainbow Towers muHarare achidzidziswa nezviri kunzi ndezvehutungamiri nekuda nyika kubva kune vechikoro chebato reZanu-PF chinonzi Herbert Chitepo School of Ideology.

Mameya, makanzura nevamwe kubva kumatunhu makumi mapfumbamwe nemaviri apinda mumusangano uyu. Vamwe vataura pamusangano uyu igurukota rezvematunhu VaDaniel Garwe. VaGarwe vati vanoda kuti vanzwisise nhoroondo yenyika negwara rairi kutora.

Izvi zvatsinhirwawo nemukuru muhofisi yezvekuburitswa kwemashoko muZanu-PF VaFarai Marapira vaudza Studio 7 kuti hapana chakaipa kuti vanhu vaziye nhoroondo yenyika uye vakati zvinobatsira kurwisa huori.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvimwe zvavange vachidzidziswa zvinosanganisira zvekudyidzana nedzimwe nyika uye kudzivirirwa kwenyika.

Mushure mekunge vamwe vagari veChitungwiza Residents Trust vati vari kuda kuenda kumatare vachipikisa hurongwa uhu, bazi rezvematunhu rinonzi razoyedza kuvandudza zvinhu kuti zviite sekunge chirongwa chehurumende. Gweta revagari ava VaHarrison Nkomo vanyora tsamba kuna VaGarwe vachiti zviri kuitwa izvi hazvisi pamutemo.

Vati munyori mukuru mubazi rezvematunhu haabvumidzwe kudaidzira musangano achiita zvinhu zvebato rimwe chete.

Vaenda kumusangano uyu vanosanganisira meya weHarare VaJacob Mafume nevamwe.

Asi meya weBulawayo VaDavid Coltart vanonzi vatumira mutevedzeri wavo.

VaMafume vaudza Studio 7 kuti vaenda sezvo zvange zvichikokerwa nebazi rezvematunhu.

Asi kanzura weHarare VaDenford Ngadziore vanoti vanotsigira VaNelson Chamisa vaimbova mutungamiri webato reCCC vashora zvikuru hurongwa uhu. Vati vakawanda muZanu-PF vari kutoita huori nekudaro hapana chekudzidza kubva kwavari.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG