Accessibility links

Breaking News

VaClinton Vanoti Amai Harris Chete Ndivo Vakakodzera Kutungamira America


Former US President Bill Clinton gestures as he speaks on the third day of the Democratic National Convention (DNC) at the United Center in Chicago, Illinois, on August 21, 2024.
Former US President Bill Clinton gestures as he speaks on the third day of the Democratic National Convention (DNC) at the United Center in Chicago, Illinois, on August 21, 2024.

Vaimbova mutungamiri wenyika yeAmerica VaBill Clinton vataura pamusangano webato ravo weDemocratic National Convention kuChicago nhasi vachiti sarudzo yegore rino iri pachena.

Vati, “Kamala Harris ndiye chete munhu ari musarudzo iyi ane muono wepamberi, ane ruzivo, akadzikama uye anoshanda achifara achitungamira nemufaro mukufara nemukusuwa.”

VaClinton vakatungamira America kwemakore masere. Mudzimai waVaClinton, Amai Hillary vakakundwa musarudzo naVaDonald Trump muna 2016. VaTrump ndivo vari kukwikwidzana naAmai Harris.

Vatendawo mutungamiri wenyika VaJoe Biden nekusiira Amai Harris chigaro vachiti izvi hazviwanzoitika.

Mukusarudzo mutungamiri wenyika, VaClinton vati vavhoti vanofanira kutarisa kuti anoendesa nyika mberi here kana kuti kwete.

Vati VaTrump munhu asingataure chokwadi uye anoda kuti vanhu vagare vachirwisana.

Forum

XS
SM
MD
LG