Accessibility links

Breaking News

VaTim Walz Vatambira Zviri Pamutemo Kusarudzwa Kwavo Kuva Mutevedzeri waAmai Harris


Gavhuna weMinnesota VaTim Walz vakasarudzwa kuva mutevedzeri wevari kutungamira bato reDemocratic Party musarudzo yemutungamiri wenyika, Amai Kamal Harris vagamuchira zviri pamutemo nhasi kusarudzwa kwavo nebato ravo pamusangano uri kuitirwa kuChicago.

VaWalz
VaWalz

VaWalz vati vainge vari muuto kwemakore makumi maviri nemana. Vati baba vavo vakafa nechirwere chegomarara.

Vanoti vakazoita mudzidzisi. Vanoti vana vechikoro ndivo vakapa kuti vapinde mune zvematongerwo enyika. VaWalz vati vanhu havafanire kutarisira mudzidzisi pasi sezvo vakasarudzwa mudunhu rine vemaRepublicans vakawanda. Vanoti vakashanda kubatsira vanhu munyaya dzehutano, dzidzo uye kurwira kodzero dzevashandi.

Vati VaTrump vakasarudzwa vanobvisa zvirongwa zvinobatsira vanhu zvakaita sezvehutano uye kuvaomesera zvakanyanya. VaWalz vati Amai Harris vakagadzirira kutungamira asi vanhu vanofanira kuvabatsira nekukurudzira vamwe kuti vavavhotere nekubatsira nemari.

VaTim Walz
VaTim Walz

Musangano uyu wapinda muzuva retatu nhasi. Vanhu vataura vanosanganisira vaimbova mutungamiri wenyika VaBill Clinton, mutauriri wemaDemocrats mudare reHouse of Representatives VaHakeem Jeffries, vaimbova mutauriri wedare reHouse of Representatives Amai Nancy Pelosi, Senator Cory Booker, Oprah Winfrey, muimbi Stevie Wonder anoita zvemitambo Mindy Kalin nevamwe.

Trump

Zvichakadaro VaDonald Trump nhasi vanenge vachitsvaga rutsigiro mudunhu reArizona nhasi uye mutevedzeri wavo VaJD Vance vanenge vachitsvaga rutsigiro kuGeorgia.

Vaonald Trump nemutevedzeri wavo Sen. JD Vance, vari kuAsheboro, North Carolina,
Vaonald Trump nemutevedzeri wavo Sen. JD Vance, vari kuAsheboro, North Carolina,

Matunhu aya akakosha zvikuru musarudzo yemutungamiri wenyika. VaTrump vachashanyira nzvimbo yeCochise mangwanani ano. Mangwana VaTrump vachaenda kuNevada vasati vadzokera kuArizona kunoita mumwe musangano.

Forum

XS
SM
MD
LG