Accessibility links

Breaking News

Mutevedzeri waAmai Harris, VaWalz Vopa Nhoroondo yeHupenyu Hwavo kuMusangano weDemocratic Party


VaTim Walz
VaTim Walz

Gavhuna weMinnesota VaTim Walz nezuro vakatambira zviri pamutemo kusarudzwa kwavo semutevedzeri waAmai Kamala Harris pamberi pesarudzo yemutungamiri wenyika.

VaWalz vati, “Zvinhu zvakakosha muhupenyu mangu kutenda kundidoma kwenyu kuti ndive mutevedzeri wemutungamiri wenyika.” Kune vakawanda, mashoko aVaWalz ainge akakosha kuti vazvishambadze kune vanhu.

Vakati, Ndakakurira kuNebraska, dhorobha rine vanhu mazana mana. Ndainge ndiine vana vechikoro makumi maviri vandaidzidzisa." Vaenderera mberi vachiti, "Pavana ava, hapana kana mumwe chete akaende kuchikoro chepamusoro soro cheYale. Asi regai ndikutaurirei, kukurira mukadhorobha kadiki zvinoita kuti mudzidzire kubatsirana.”

VaWalz vainge vari muchiuto kwemakore makumi maviri nemana vasati vaita murairidzi uye vachirairidzawo vana mitambo yefootball nebasketball.

Musangano weNational Democratic Convention kana kuti DNC wapinda muzuva retatu uchiitirwa kuChicago. Vaparura hurongwa hwanhasi ndisenator Cory Booker vekuNew Jersey. VaBooker vati, Tinokuchingamidzai kuzuva rechitatu, nhasi titi kutarisa nyaya yerusununguko.”

Kunyangwe vakawanda vari kutaura pamusangano uyu vari kutaura nezvekodzero dzemadzimai, kushanduka kwemamiriro ekunze uye kuchengetedzwa kwemiganhu yenyika, shoko riri kusimbaradzwa nderekuti vanhu vanofanira kuvhotera ani muna Mbudzi. VaClinton vati,

“Kamala Harris munhu wevanhu..uyo mumwe (Trump) akatoratidza kare kuti anongoda zvinobatsira iye ega.”

Vaimbova mutungamiri wenyika VaBill Clinton ndemumwe ataura nhasi. VaClinton vanoti vakatanga kupinda mumisangano yeDNC iyi kubva muna 1972 vakati nezvavaona makore ose aya, Amai Kamala Harris ndivo vakakodzera kuvhoterwa kuti vaite mutungamiri wenyika.

VaClinton vati, Kamala Harris achashanda kugadzirisa matambudziko edu, kugadzirisa remangwana redu uye kutidzikamisa patinenge tichitya oona kuti munhu wose muAmerica, chero asina kumuvhotera akwanise kuzadzikisa zvaanoshuvira.”

Bato remaDemocrats richapeta hurongwa hwaro nhasi mangwanani apo Amai Kamala Harris vachatambira kudomwa kwavo semumiriri webato musarudzo yemutungamiri wenyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG