Accessibility links

Breaking News

Japan neChina Dzobatsira Zimbabwe neChikafu


VaEmmerson Mnangagwa naVa Xi Jinping
VaEmmerson Mnangagwa naVa Xi Jinping

Apo nzara iri kuwedzera zvakanyanya munyika sangano reWorld Food Programme richitatarika kuwana mari yekubatsira Zimbabwe nedzimwe nyika dzemuSADC, hurumende dzeChina neJapan dzapa nyika rubatsiro.

Mumiriri weChina muZimbabwe atambidza mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa mupunga unosvika matani chiuru chimwe chete nemazana manomwe nemakumi matanhatu kana kuti 1, 760 metric tonnes.

Japan yapawo Zimbabwe kuburikidza neWFP mari inodarika miriyoni imwe chete yemadhora kana kuti US$1, 4 million dollars yekutenga chikafu.

Mutevedzeri wemukuru weWFP muZimbabwe VaBilly Mwiinga vaudza Japan kuti mari iyi yauya panguva yakanaka sezvo vanhu vakawanda vasingazive kuti chekudya pazuva vachachiwana kupi.

Hurumende inoti nekuda kwekusanaya zvakanaka kwemvura, vanhu mamiriyoni mapfumbamwe vanoda kubatsirwa nechikafu.

Forum

XS
SM
MD
LG