Accessibility links

Breaking News

Amai Harris Vangaite Mudzimai weKutanga Kutungamira America Here?


Election 2024 DNC
Election 2024 DNC

Mutevedzeri wemutungamiri wenyika yeAmerica Amai Kamala Harris nhasi vatambira zviri pamutemo kusarudzwa kwavo kuti vatungamirire bato reDemocratic Party musarudzo yemutungamiri wenyika iri kuitwa muna Mbudzi.

Vaita izvi pamusangano webato ravo weDemocratic National Convention wapetwa nhasi kuChicago muAmerica.

Amai Harris vati. “Ndatambira nekunzwa kuzvininipisa kundisarudzo kwamaita…”

Vari kukwikwidzana nevaimbova mutungamiri wenyika VaDonald Trump vebato remaRepublicans.

Amai Kamala Harris
Amai Kamala Harris

Amai Harris vatanga nekutenda mutungamiri wenyika VaJoe Biden avo vakazivisa kuti havasi kuzokwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika muna Mbudzi.

VaBiden vakamanikidzwa kusiya chigaro nevamwe vebato ravo vachinzi vasiire achiri kutemerwa dzinobva ropa sezvo ivo vakanzi vakwegura.

Amai Harris vane makore makumi mashanu nemapfumbamwe ekuberekwa vataura nezvehupenyu hwavo uye kukura vachirerwa naamai vavo.

Vataurawo nezvababa vavo vainge vari mudzidzi kubva kuJamaica naAmai vavo vakaberekerwa kuIndia. Amai Harris vataurawo nezvematanho avachatora kugadzirisa nyaya dzezvehupfumi zvikuru kukwira kwemitengo yezvinhu.

Vavimbisa kuti vakasarudzwa vachamiririra munhu wose zvisinei nekuti ndevebato ripi. Vati vane nhoroondo yekurwira kodzero dzevanhu pavainge vari muchuchusi. Amai Harris vati kudzosera VaTrump kuWhite House chinhu chakaipa zvikuru nekuti havana zvakanakira nyika zvavachaita kunze kweuunza ruvengo.

Vati VaTrump vakakundwa musarudzo vakada kurambira pachigaro nekutumira vanhu kuenda kumuzinda wedare reparamende reUS Capitol kunoratidzira. Vati VaTrump vane mhosva dzakawanda dzavakabatwa nadzo.

Vatiwo vanotsigira Ukraine. Panya yehondo iti muGaza, vati vanotsigira Israel asi vakati zviri kuitika muGaza zvinosiririsa. Vati vari kushanda pamwe naVaBiden kupedza hondo yekuMiddle East iyi. Amai Harris vati VaTrump vanoda kudyidzana nevanoita zvehumbimbindoga nekuti ndizvo zvavanoda.

Panyaya yehuppfumi, vati vachadzikisira vashandi mari yemutero vachiti VaTrump vanoda kubvisira mitero shoroma.

Vatiwo nyaya yaVaTrump yekubatsira kudzika mitemo yekuti madzimai nevasikana vasabvise nhumbu kunyangwe hupenyu hwavo huri munjodzi vamwe vachirasikirwa nehupenyu.

VaMark Kelly naAmai Gabby Giffords.
VaMark Kelly naAmai Gabby Giffords.

Vamwe vataura nhasi vabereki vane vana vakaurayiwa nepfuti uye vamwe vakapfurwa asi vakararama vakaita saAmai Gabby Giffords vaive nhengo yedare repamende reHouse of Representatives kuArizona.

Vamwe vataura vanosanganisira VaLeon Panetta vaimbova gukota rezvekudzivirirwa kwenyika uye vakatungamira vasori veCIA.

Trump

VaTrump vange vachitsvaga rutsigiro kuArizona pedyo nemuganhu neMexico vachiti Amai Harris nemutungamiri wenyika VaJoe Biden vakundikana kugadzirisa rekupinda munyika zvisiri pamutemo.

VaDonald Trump
VaDonald Trump

Nhasi VaTrump vachaita musangano kuPhoenix, Arizona uko vari kutarisirwa kupihwa rutsigiro nemumwe ange achikwikwidzawo musarudzo yemutungamiri wenyika VaRobert F. Kennedy Jr.

Forum

XS
SM
MD
LG