Accessibility links

Breaking News

Amai Harris Vanoti VaTrump Vanodzosera Nyika Kumashure


Kwangopera mwedzi mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden vazivisa kuti havachakwikwidze musarudzo yemutungamiri wenyika, mutevedzeri wavo Amai Kamala Harris nhasi vatambira kudomwa kwavo nebato reDemocratic Party kuti vari tunganire musarudzo iyi.

Mugungano rebato iri reDemocratic National Convention rapetwa kuChicago nhasi, Amai Harris vatambira kusarudzwa kwavo vachiti, Ndakamirira munhu wose ane nhoroondo inongokwanisa kunyorwa kunyika huru pasi pano, ndinotambira kundidoa kwenyu kuti ndive mutungamiri wenyika yeUnited States of America.”

Amai Kamala Harris
Amai Kamala Harris

Amai Harris vataura nezvehupenyu hwavo uye nhoroondo yavo yekurwira kodzero dzevashandi. Vati, “Tiri kuparura gwara itsva. Tichienda mberi kune remangwana rine vashandi vakawanda uye vakamira semusambangwena.” Vatiwo, “Tinozviziva kuti America yakamiswa nemushandi uye pasina mushandi panoita zinyekenyeke.”

Amai Harris sevamwe vataura pagungano iri vakati pane mitemo yavanoti inopfurikidza mwero iri kuda kuunzwa naVaTrump nebato ravo iri mugwaro rinonzi Project 2025 yavanoti inokonzera kusagadzikana munyika.

Vati, Tinozviziva kuti Trump akapihwa mumwe mukana wekutungamira achatonga sei. Zvose zviri mugwaro reProject 2025 rakanyorwa nezvipangamazano zvake.”

Vaenderera mberi vachiti, “ Zviri mugwaro iri zvinoti dzosera kumashure senyika. Asi America hatisi kuzodzokera kumashure.” VaTrump vanoramba kuti vane chekuita negwaro iri.

Panyaya yehondo yekuGaza, Amai Harris vakati vanotsigira Israel ikarwisa asi vakati pave kuda kuti paitwe nhaurirano yekuti vanhu vemuPalestine vavewo nenyika yavo vachigarisana murunyararo neIsrael.

Amai Harris vatendawo VaBiden nekuvasiira chigaro vachiti, “Joe ndakazara nemufaro.” Vatizve, “Mabasa awakabata makuru sezvichazobuda pachanyorwa nhoroondo, uri munhu anondikurudzira.”

Apo Amai Harris vange vachitaura, VaTrump vange vari kumuganhu wenyika yeAmerica neMexico kuArizona uye vachinyorawo pamadandemutande vachishora Amai Harris. Vakati, “Aimbozviti ndiye anebasa rekugadzirisa matambudziko ari pamuganhu wenyika. Asi ikozvino akuzviramba. Hakuna bhodha rinovhinza seredu iri.”

Asi Amai Harris vaudza vanhu kuti VaTrump vakafurira vanhu vebato ravo kuti vasapasise mutemo wekugadzirisa zviri kunetsa kumuganhu kwenyika kune vari kupinda muAmerica vasina magwaro.

Kwasara mazuva makumi manomwe nemana kuti sarudzo yemutungamiri wenyika iitwe muAmerica.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG