Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yasvitsa Gore Kubva Zvayaita Sarudzo Dzichiri Kukonzera Kusawirirana muNyika


VaEmmerson Mnangagwa naVaNelson Chamisa
VaEmmerson Mnangagwa naVaNelson Chamisa

Apo nhasi nyika yasvika gore kubva zvakaitwa sarudzo dzekutsvaga mutungamiri wenyika, vamiriri veparamende, pamwechete nemakanzura, pane miono yakasiyana-siyana pamusoro pebudiriro yaunzwa nebato riri kutonga reZanu PF- vamwe vachiti riri kugona chose, asi vamwewo vachiti riri kukundikana.

Kunyange sarudzo dzemusi wa 23 Nyamavhuvhu gore rapera dzakashoropodzwa nemasangano enyika anosanganisira reSADC, reAfrican Union, pamwe nereEuropean Union, sangano rinotungamira sarudzo munyika, reZimbabwe Electoral Commission, rakati sarudzo idzi, kunyanya dzemutungamiri wenyika, dzakaitwa nemazvo.

Munyori mubazi rezvekubuditswa kwemashoko, VaNick Mangwana, vanoti hurumende iri kuita basa rinonwisa mvura, uye ichaenderera mberi ichishanda nenyika dzose dzinoda kudyidzana neZimbabwe. Vati, "Sekureva kwakaita mutungamiri wenyika pavakagadzwa muna 2017, Zimbabwe inyika inoda kufambidzana zvakanakisa nedzimwe."

Vatizve, "Naizvozvo, ingava nyika ipi zvayo, kana iine muono wakafanana newedu munyaya dzekusimudzira hupfumi, zvisinei nekuti ndeyekumadokero, kana kuti kumabvazuva."

Izvi zvatsinhirwa nemukuru mubazi rezvekuburitswa lwemashoko muZanu-PF VaFarai Marapira. Vati, "Migwagwa iri kugadzirwa, madhamu ari kuvakwa, nezvimwe zvakawanda zvatakavimbisa munguva yekutsvaga rutsigiro."

Vatizve, "Muchaona kuti pachasvika gore ra2030, zvose zvakatarisirwa kuti zvinge zvazadzikiswa, sezvinorehwa neVision 2030, zvinege zvazadziswa."

Asi vakakwikwidza pasarudzo yemutungamiri wenyika vari patikiti rebato ravakazosiya reCCC, VaNelson Chamisa, vanoti hutongi hwavaMnangagwa, mahumbwe.

"Vanotonga chii ivo vakapinda pachigaro nenzira isiri iyo? VaChamisa vaudza Studio 7. Vatizve, "Munhu wese, kusanganisira ivo VaMnangagwa, vanozviziva kut sarudzo dzakabirwa. Chero vakaenda pamusoro pei, izvi hazvibvisi kubirwa kwesarudzo kwakaitika. Saka matambudziko ari munyika haaperi kusvika nyaya iyi yagadziriswa."

Kunyange ZEC yakati sarudzo dzakaitwa nemazvo, mukuru wesangano rinoongorora nyaya dzesarudzo rakazvimirira, reZimbabwe Election Advocacy Trust, VaIgnatious Sadziwa, vanoti ZEC yakatadza kuita basa nemazvo- zvinova zvasvitsa nyika yeZimbabwe padanho rinosuwisa rairi nhasi.

Vati, "Hatina kana kuona mumwechete zvake akadzingwa basa kuZEC nekuda kwesarudzo dzisina kuchena dzegore rapera."

Vatiwo, "Ikozvino vari kuwedzera mhosho dzavo nekuti vhiki radarika, takanzwa kuti vaive kumamisha eGokwe vachinyoresa vanhu kuvhota muchivande."

Musi wesarudzo gore rapera, zvimbo dzinosanganisira madhorobha eHarare, Bulawayo nekwaMutare, mapepa ekuvhotera akanonoka kusvika kunzvimbo dzaivhoterwa neveruzhinji, zvakapa mutauro wekuti ZEC yaisada kuti vemumadhorobha vavhote zvakanaka, sezvo makore adarika, mavhoti avo mazhinji aienda kumapato anopikisa.

Kwakaitawo kutyisidzirwa kwevavhoti, kunyanya kumamisha, nesangano rainzi ibandiko reZanu PF, reForever Associates Zimbabwe.

Asi kunyange zvakadaro, vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, vachitungamirawo sangano reThe African Cause Trust, VaElton Ziki, vanoti Zimbabwe ichaerera huchi nemukaka, pasi pehutongi hwavaMnangagwa. VaZiki vati, "Hatingazvitauri zvese tikazvipedza, asi tiri kuona kuti zvakawanda zvakavimbiswa zvazadziswa, kana kuti zviri kuzadziswa."

Vatiwo, "Kubva kana zvichidai pagore rimwechete, kuzoti panopera nguva yehutongi hwavo, Zimbabwe inenge yava denga chairo."

Aimbotungamira vechidiki mubato reMDC raitungamirwa namushakabvu Morgan Tsvangirai, uye vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, VaLovemore Chinoputsa, vanoti vana veZimbabwe vari kubatwa kumeso nehurumende yeZanu PF.

VaChinoputsa vati, "Migwagwa mishoma ndiyo yakangogadzirwa munguva yekugadzirira musangano weSADC."

Vaenderera mberi vachiti, "Ikozvino, vanhu vari kungotambura; mari itsva yenyika hatisati taona zvayaitira veruzhinji; uyewo mabasa hakuna. Magetsi arikugara akadzimwa. Tingati here pane chekupemberera mkubva gore radarika?"

Imwe nyaya iri kuchemwa nevakawanda inyaya yekusungwa kwevanhu sezvakaitika pamberi pemusangano weSADC uchangopera. Vanhu vanodarika zana nemakumi manomwe vari mujeri vakawanda vavo vachinyimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso. Izvi zvinoshorwa nemagweta anorwira kodzero dzevanhu akaita saVaKennedy Masiye.

Zvimwe zvinonzi nevatsigiri veZanu PF zvaitwa nehurumende yavo, kugadzirwa kwemigwagwa nezvimwe zvivakwa.

Asi vechidiki vakawanda munyika vanoti havana mabasa kunyangwe mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vaivimbisa kugadzirisa nyaya iyi pavaitsvaga rutsigiro. Vakawanda vari kunotsvaga mafuro manyore kuSouth Africa uko vanonzi nemagweta anorwira kodzero dzevanhu akaita semukuru weZimbabwe Exiles Forum VaGabriel Shumba vave kuvhimwa semhuka.

Asiwo vamwe vanoti simba rehurumende riri kuwandira mukutaura, asi zvaitwa zviri zvishoma, zvinova zvinovaodza moyo kuti pane chichabuda here mumakore mana ari kutevera, apo pachaitwa dzimwe sarudzo. Zvakanziwo neSADC zvigadziriswe hazvina kuitwa zvopa kuti pashaye tariro kune vamwe musarudzo.

Forum

XS
SM
MD
LG