Accessibility links

Breaking News

Dynamos Yabudirira Kuenderera Mberi Mumakwikwi eCAF Confederation Cup


Mutambi weDynamos Martin Mapisa.
Mutambi weDynamos Martin Mapisa.

Chikwata cheDynamos chabudirira kuenda kumakwikwi ekutanga kana kuti “first round” eCAF Confederation Cup mushure mekuburitsa mumakundano chikwata cheZESCO chekuZambia.

Dynamos yaita mangange 0-0 nhasi kuNdola, Zambia asi yabudirira kuenda mberi sezvo yakakunda chikwata ichi 1-0 mumutambo wekutanga wakatambirwa kuBotswana. Tanaka Shandirwa ndiye akagowesa chibodzwa cheDynamos.

Dynamos yave kutarisirwa kutamba nechikwata cheOrapa chekuBotswana kana kuti cheForesters FC cheku Seychelles.

Dynamos yainge yapedzisira kutamba mumakwikwi ezvikwata zvemuAfrica muna 2014 apo yakakundwa muchikamu chekutanga cheCAF Champions League necheAS Vita yekuDRC.

Forum

XS
SM
MD
LG