Accessibility links

Breaking News

America Yokurudzira Runyararo muMiddle East.


VaAntony Blinken naa Dr. Mohammed bin Abdulaziz Al-Khulaifi nan Doha, Katar, 20 Out, 2024
VaAntony Blinken naa Dr. Mohammed bin Abdulaziz Al-Khulaifi nan Doha, Katar, 20 Out, 2024

Gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica VaAnthony Blinken vapeta rwendo rwavo rwekushanyira nyika dzemuMiddle East kanova kechipfumbamwe vachiiota izvi kubva musi wa 7 Gumiguru.

Vachitaura nevatori venhau kuTel Aviv nemutungamiri wenyika yeIsrael VaIsaac Herzog, VaBlinken vakati nguva ino yakakosha uye ndiwo unogona kunge uri iwo chete mukana wekuburitsa muhusungwa vanhu vakatapwa neHamas musi wa 10 Gumiguru gore rapera.

Vakati inguva yakakoshawo kuyedza kumisa hondo pakati peIsrael nechikwata cheHamas. Vakati, Ndiri kuno senhumwa yemutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden muhurongwa hwekuyedza kuti paitwe chibvumirano chekumisa hondo.

Yave nguva yekuti izvi zvitwe. Yave nguvawo yekuti pasave nemunhu anokanganisa nhaurirano uye kuona kuti hondo hairambe ichiwedzera. Hapana anofanirawo kuti hondo iyi ipararire kune dzimwe nyika.”

VaBlinken vakatendawo kuti inguva yakaoma kuIsrael sezvo iri kutya kuti inogona kurwisa neIran uye chikwata cheHezbolla chiri muLebanon. veIran neHezbollah vari kutyisidzira Israel vachiti vanogona kuirwisa vachiipomera mhosva yekuuraya mutungamiri weHamas VaHanniye mu Tehran uye vamwe vakuru veHezbollah muLebanon. Izvi zvinogona kuti hondo ipararire mudunhu iri.

Nekuda kwekusagzdzikana kwezvinhu mudunhu iri, gurukota rezvekudzivirirwa kwenyika VaLloyd Austin vakaudzaa vakuru vemautio emuAmerica kuti vatumire zvombo zvemuchadenga kudunhu reMiddle East uye kutumira ngarava yehondo yeUSS Abraham Lincoln s neyeUSS Bulkeley uye USS Roosevelt. Izvi zvakatoitwa masvondo adarika.

VaBlinken vanoti rwendo rwavo rwainge rwakanangana nekuti vari muhutapwa muGaza vasungunurwe uye kuti kurwisana kumbomira pakati peIsrael neHamas. Yave nguva yekuti munhu wose ati hondo ngaimire kwete kutsvaga zvikonzero zvekuti izvi zvisaitwe.

Aya mashoko anotaura pamire hurumende yeAmerica andenge ndichikuverengerai.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG