Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vari muZvirongwa zveKurapwa Nyore Kana Varwara zveMedical Aid Vochema Kuti Havasi Kuwana Zvavaitarisira


Varwere vakawanda vanonzi vari kuchemachema kuti zvimwe zvi[atara zviri kuramba kutambira medical aid.
Varwere vakawanda vanonzi vari kuchemachema kuti zvimwe zvi[atara zviri kuramba kutambira medical aid.

Vamwe vanoshandisa zvirongwa zvinoita kuti vabatirwe mari vachizorapwa zviri nyore kana varwara kana kurwarirwa, zveinishuwarenzi kana kuti Medical Aid, vari kuchemachema kuti kunyangwe hazvo vachibatirwa mari pamihoro yavo mwedzi wega wega havasi kuwana rubatsiro rwavanotarisira pavanozosangana nehurwere.

Izvi zvinonzi nedzimwe nyanzvi mune zvehutano zviri kuisa hutano hwevanhu vakawanda panjodzi sezvo vari kuzogma vagara kudzimba vasina kuonekwa navanachiremba kana nyanzvi dzehutano.

Muzvare Joyleen Nyachuru ndemumwe wevakapinda muchirongwa chekubatirwa mari kuti vagozokwanisa kurapwa kana vasangana nehurwere.

Asi Muzvare Nyachuru vanoti zvisineyi nekuva ne medical aid, pavakasangana nehurwere hwababa vavo munguva shoma yapfuura inishuwarenzi yavo yehutano iyi yakarambwa kuchipatara izvo zvakazoita kuti vaite chipatapata kutsvaka mari yaidiwa kuti baba vavo varapwe. Muzvare Nyachuru vakati

“Medical aid yacho inonzi haichakwanise kunge ichi kubetsera kuti urapwe. Unonzi bhadhara mari yako, wozono iclaimer mari yako kumedical aid society yako. Ini ndaka endesa baba vangu vachirwara kuchipatara vaine medical aid card ravo, vakanzi hatikwanise kunge tichiri tambira. Takatozotsvaga mari kuti vange vachiwaniswa kurapiwa .”

VaSimbarashe James Tafirenyika vanotungamirira sangano revashandi vemumakanzuru, reZimbabwe Municipalities and Allied Workers Union, vaudza Studio 7 kuti kunyangwe hazvo vashandi vekanzuru yemuHarare vane inishuwarenzi yehutano, vashandi vazhinji vekanzuru havasi kushandirwa nechirongwa ichi.

"Haisi kana kukwanisa kushandira vanhu. Vanotarisa nezve mamedical aid ngavatarise vachiona kuti kana mushandi akabatirwa mari papayslip, mari iyoyo iri kuenda here kwayanzi ngaiende,” VaTafirenyika vanodaro.

Munyori mukuru wesangano rinomirira vashandi vehurumende vakawanda reZimbabwe Confederetion of Public Sector Trade Union, VaDavid Dzatsunga, vakaudzawo Studio 7 kuti kunyangwe inishuwarenzi yehutano inoshandiswa nevashandi vehurumende vakawanda yePremier Medical Aid Society haina zvaichabetsera.

“Tine dambudziko rekuti kurapwa iko zvino kwakurema pakuti mushandi unotobhadhara mari yakawandisa yakangofanana nekuti hausi kubhadhara medical aid tichitaura nenyaya yema shortfall uye kwaunofanirwa kurapwa kwave kushoma.

"Machiremba mashoma kana kuti maservice providers mashoma arikutora medical aid yePSMAS. Saka zvinoshungurudza zvikuru kana warwara kuti iwe unobhadhara medical aid asi hausi kuwana mugove wacho,” VaDzatsunga vanotsanangura.

Imwe nyanzvi munyaya dzehutano, Amai Mucha Mukamuri, vati dambudziko rekusashanda kwemainishuwarenzi ehutano rinofanirwa kugadziriswa nekukurumidza sezvo zviri kukanganisa hutano hweveruzhinji.

Amai Mukamuri vati nekuda kwekuti mari iri kunetsa kuwana kuti vanhu vanobhadhara pavanorapwa, vazhinji vari kuzoenda kuzvipatara hurwere hwakomba.

“Kunyangwe vaya vanosienda kunorapwa vanorega kuenda nokuti vanoti ndonobhadhara nei, ini mari muhomwe handina. Hutano hunobva hwaderera vanhu havachagone kunorapika, voenda zvigwere zvakomba, kofiwa ruzhinji.”

Vatiwo matambudziko evanorapa nevanotengesa mishonga anofanirwa kugadziriswa kusanganisira kuti vakwaniswe kubhadharwa nemakambani emainishuwarenzi kana vachinge vabatsira veruzhinji mari dzavanenge vakatara dzisati dzadonha huremu zvakanyanya.

Vamwe varwere vanonzi vave kurwara vari mudzimba nekukundikana kurapwa.
Vamwe varwere vanonzi vave kurwara vari mudzimba nekukundikana kurapwa.

Nyanzvi mune zvehutano uye vakambova gurukota rezvehutano, Doctor Henry Madzorera, vati mainishuwarenzi ehutano akawanda haasi kushanda kune vanachiremba vachiti kunyangwe vanhu vari kubatirwa mari pamihoro yavo mari iyi haisi kuzoendeswa kune vanobatsira varwere nenguva.

Vati izvi zvinosanganisira kunyangwe vari kubhadhara mainishuwarenzi aya nemari yemadhora ekuAmerica.

“Mamedical aid haasi kubhara nenguva, saka kunyangwe wabhadhara nemari yemuno kana kuti madhora ekuAmerica, chiri kunetsa inyaya yekunonoka kubhadharwa kwevanenge vabatsira. Mubhadharo haufanirwe kupfuuridza mazuva makumi matanhatu usati wauya.

"Mazuva akatarwa aya akatowandisa kuva munhu usati wabhadharwa. Asi sezvo zviriizvo zviripo ngazvichitevedzerwa nema medical aid society vabhadhare mumazuva akatarwa. Zvese zvekunzi bhadhara imwe mari izvi munoona tichibvisa,” Doctor Madzorera vadaro.

Vati nekuda kwematambudziko aya zviri kusiya vashandisi vema medical aid parumananzombe, vachiti mainishuwarenzi haasi kutevedzera mutemo wekuti abhadhare mumazuva makumi matanhatu anotarwa nemitemo.

“Unoona vamwe vanhu vanomhanya kubva kuna chiremba uyu voenda uyo voendazve uyo. Vopedzisira vave nechirwere chisingacharapike. Moti moongorora moona kuti akaonekwa nemachiremba vashanu akanzi enda kune nyanzvi yakadai asi haana kumboenda nekuti inshuwarenzi yehutano yairambwa.”

Vanoona nezvekuburitswa kwemashoko musango rinomirira makambani ose anopa rubatsiro urwu, reAssociation of Healthcare Funders of Zimbabwe, Amai Shuvai Koti, vati vaive vasingakwanisi kupindura mibvunzo yakatumirwa neStudio 7 kwavari vachiti vakuru vavo vange vasiri muhofisi.

Ukuwo, mutauriri webazi rezvehutano, VaDonald Mujiri, vaudza Studio 7 kuti hurumende ichaita tsvakiridzo nezvenyaya iyi.

“Hatisati tagashira mashoko akaita seiwawa ekuti mamedical aid ari kurambwa, asi zvakadero pachaitwa tsvakurudzo yekuziva kuti zviri kufamba sei kuti vanhu vagowana kubetsereka.”

Sachigaro anomirira komiti yezvehutano mudare reNational Assembly, VaJosiah Makombe, vanga vasati vapindura mibvunzo yatakatumira tisati taenda pamhepo.

Asi gurukota rezvehutano VaDouglas Mombeshora munaKurume wegore rino vakaudza vatori venhau kuti hurumende yainge iine hurongwa hwekutanga National Health Insurance Scheme senzira yekuzadzisa Section 76 yebumbiro remitemo yenyika iro rinoti zvizvarwa zvese zveZimbabwe zvine kodzero yekubatsirwa kuti vawane hutano hwakanaka.

Panguva iyi VaMombeshora vakati vashandi vaizobatirwa mari shoma yoiswa muhomwe inozoshandiswa kutenga mishonga nemichina kuzvipatara zvinoshandiswa neveruzhinji uye veruzhinji vachizorapwa pachena kana kuti nemari iri pasi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG