Accessibility links

Breaking News

Kukwira kweMitengo yeZvinhu, Inflation, Kwave Kutangazve Kuita Chamurambamhuru


Inflation yepamwedzi inonzi neZIMSTAT yakakwidzwa nekukwira kwemitengo yezvekudya.
Inflation yepamwedzi inonzi neZIMSTAT yakakwidzwa nekukwira kwemitengo yezvekudya.

Panguva iyo hurumende pamwe nebhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe vari kuzvirova matundundu vachiti mari yemunyika yeZiG yakwanisa kudzikamisa hupfumi hwenyika, Zimbabwe National Statistics Agency (ZIMSTAT) iri kati kukwira kwemitengo yezvinhu pamwedzi mumari yemunyika kana kuti inflation yave kutangazve kuita chamurambamhuru.

Mumashoko ayakaburitsa neMuvhuro, ZIMSTAT yakati mitengo yezvinhu mumwedzi uno waNyamavhuvhu, kana kuti inflation, yakakwira nezvikamu 0.5 percent kubva pazvikamu -0.1 percent mumwedzi waChikunguru.

Imwe nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vanoti kukwira kwemitengo yezvinhu uku kuri kukonzerwa nekuderera kwesimba remari yemunyika uko kwave kuonekwa pari zvino uyewo nekukwira kwemafuta ekufambisa dzimotokari.

“Saka ma authorities anofanirwa kumeka shuwa kuti vano stabilizer, especially panyaya ye exchange rate. Ndokuri kunyanya kubva pressure ikoko on mitengo yezvinhu. Kana exchange rate yakaderera zvinoafekita ma costs eku importer, zvinoafekita ma costs ekugadzira zvinhu, zvinoafekitawo ma costs eku provider ma services. Saka zvinoita kuti mitengo ikwire,” Doctor Chitambara vanotsanangura.

Izvi zvinotsigirwa neimwe nyanzvi mune zvehupfumi vachitungamira kambani yeFINX, Muzvare Happiness Zengeni, avo vanoti kushaya simba kwemari yemunyika, zvikuru kumusika mutema ndiko kwave kusunda kukwira kwemitengo yezvinhu uku.

"Exchange rate kana kuti value yeZiG pamusika mutema, alternative market, yakakwira. Takafamba kubva pa rate re 19, 20. Iye zvino izvi rate raapa 24, 25. Izvi zvinoita kuti inflation ikwire nekuda kwe devaluation inenge ichiitika on the currency," Muzvare Zengeni vanotsanangura.

Muzvare Zengeni vanotiwo mitengo yezvinhu mumadhora ekuAmerica yave kukwirawo zvichikonzerwa nemamiriro akaita zvinhu munyaya dzezvematongerwo enyika mupasi rose.

Imwe nyanzvi mune zvehupfumi pamwe nekudyidzana kwenyika dzapasi rose vachidzidzisa paDeVry University muAmerica, Muzvinafundo Elliot Masocha, vanotiwo kukwira kwemitengo yezvinhu munyika zvinhu zvinogara zvakatarisirwa nekuda kwekuti vemabhizimusi vazhinji vari kuzvitsvagira voga mari yekunze sezvo hurumende isiri kukwanisa kuvawanisa mari yose yavanoda.

Asi iko kukwira kwemitengo yezvinhu uku kunokanganisawo zvakadii raramo yeveruzhinji?

"Izvi zvine impact nekuda kwekuti tave kushandisa mari yakawanda kuti tive tinotenga chikafu nema services mu economy zvinokuwadza homwe dzedu as individuals," Muzvare Zengeni vanotsanangura.

ZIMSTAT yakati mitengo yezvinhu yakakwirawo ne 0.3 percent mumadhora ekuAmerica mumwedzi waNyamavhuvhu kusvika pa 0, 2% ichibva pa -0.1 percent muna Chikunguru, kuchitiwo inflation mumadhora ekuAmeric yepagore mumwedzi waNyamavhuvhu yanga iri pazvikamu zvitatu nezviga zvinomwe kubva muzana, kana kuti 3.7 percent.

Kukwira kwemitengo yezvinhu uku kunonzi neZIMSTAT kwakanyanya kukonzerwa nekukwira kwemitengo yezvekudya pamwe nezvinwiwa zvisingadhake.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG