Accessibility links

Breaking News

America neBritain Dzokurudzira Vanoda Kunodzidza kuNyika Idzi Pachena Kuti Vatumire Magwaro Avo


Zimbabwe group photo of YALI 2022 fellows.
Zimbabwe group photo of YALI 2022 fellows.

Chirongwa chinokokerwa nehurumende yeAmerica chekusimudzira vechidiki vane zvipo zvakasiyana-siyana vanobva kunyika dzemuAfrica, cheMandela Washington Fellowship for Young African Leaders, chinonzi nevechidiki vemuZimbabwe, chakakosha zvikuru mukukwenenzvera ruzivo. Vanoda kupinda muchirongwa ichi, vachange vave kukwanisa kutumira tsamba dzavo dzekuti vapihwe mukana wekuenda kuAmerica kutanga musi wa10 Gunyana, unova mwedzi unouya.

Vachitaura neStudio 7, vanoona nezvekudyidzana kwemuzinda weAmerica muZimbabwe neveruzhinji, Amai Rebecca Archer-Knepper, vatsanangura zvizere pamusoro pechirongwa cheMandela Washington Fellowship.

“Kune vechidiki vakwanda muno muZimbabwe vane zvipo zvakasiyana-siyana, naizvozvo, isu tiripo kuedza kuvasimudzirawo kubudikidza nekuvawanisa ruzivo pamusoro peizvo zvavanoita muhupenyu.

Kutaura kuno, tine mazana evechidiki vemuZimbabwe vakawana mikana yekuzvivandudza, kubudikidza nechirongwa ichi, uye vari kuita zvidadiso. Vanokunda kupinda, vanoenda kuAmerica vanodzidziswa nemhizha, kuti vangawedzera ruzivo rwavo nenzira dzipi.”

Mumwe echidiki akambopinda muchirongwa ichi mugore ra2019, anova muzvinabhizimusi, Prechard Mhako, anoti, “Ndakabatsirika nekuti mikana muno muAfrica mishoma, saka kuenda kuAmerica kwakandivhurawo pfungwa mune zvakawanda."

Vatizve, " Kusangana nevamwe vanoita zvemabhizimusi vekunedzimwe nyika, kwakandibatsira kukwanisawo kuona nzira dzandingakudza nadzo bhizimusi rangu. Ndakadzidza kuti zvinokwanisika kusimudzira nyika dzakaita seyedu kubudikidza nekubatirana pamwechete.”

Muzvare Mercy Chatyoka-Joha anoti chirongwa ichi chakashandura hupenyu hwake. “Zvaunodzidza kana waenda kuYALI kana ukauya ukazvishandisa, kunyanya vaya vane mabhizimusi, zvinokubatsira zvikuru." Muzvare Chatyoka vaudza Studio 7.

Vaenderera mberi vachiti, "Chirongwa chakanaka chose chatinotenda nekuti chinotipa miono yatanga tisingazivi munyaya dzakawanda. Ndinoti dai chaenderera mberi.”

Vechidiki vanokodzera kupinda muchirongwa ichi, vanofanira kunge vachiita mabasa anosimudzira nharaunda dzavanogara- angava mabhizimusi kana kuti mabasa echenjedzo munyaya dzezvehutano, zvematongerwo enyika, zvetsika nemagariro, nemamwe. Izvi zvinosanganisira vechidiki vari kumaruwa.

Avo vanenge vasarudzwa kupinda muchirongwa ichi, vanowaniswa mikana yekunodzidza muzvikoro zvepamusoro soro uye kunoshanda kwechinguva mumakambani makuru ekuAmerica ane chekuita nezvavanenge vachiitawo kumusha.

Tawanda Kamba, wechidiki wekuNorton, ndemumwe anoti anoshuvira kuwanawo mukana wekupinda muchirongwa cheMandela Washington Fellowship chegore rinouya.

Atiwo, “Ndinongonzwa kuti chirongwa ichi chinosimudzira chose, saka gore rino ndinoda kumboedzawo. Ini ndinomirira kodzero dzengochani, kunyanya vechidiki seni."

Tawanda aenderera mberi achiti, " Asi muno muZimbabwe munongozvizivawo kuti haisi nyore kunge uchiita basa iri. Zvichida ndinganodzidza dzimwe nzira dzekumirira kodzero dzedu, sezvo iko kuAmerica kuine nzvimbo dzinonyanya kuremekedza kodzero dzengochani.”

Studio 7 yaedza kunzwawo divi rehurumende panyaya iyi, asi vakuru mubazi rinoona nezvenyaya dzevechidiki, vanga vasiri kubatika panharembozha dzavo.

Asi gurukota rezvedzidzo yepamusoro-soro, VaAmon Murwira, vanogara vachikurudzira vechidiki kuti vashandise mikana yese inowaniswa nehurumende pamwechete nevemabhizimusi, uyezve nemasangano akazvimirira, yekuti vakwenenzvere maitiro emabasa avo.

Ko vanoda kupinda muchirongwa ichi vanoita sei chaizvo? Amai Archer-Knepper vanoti, “Munhu ane makore ari pakati pemakumi maviri nemashanu nemakumi matatu nemashanu, anokwanisa kunyora tsamba, achitaura kuti nenyaya yei achida kupinda muchirongwa ichi. " Vatizve, "Apa vanofanira kunyatsodonongora zvese kuitira kuti tione hunyanzvi hwavo. Kune avo vanenge vakunda, vanozoenda padanho repamberi kuti vanonzverwa zvekare.

Vanozobudirira ndivo vanowana mukana wekuenda kuAmerica kunowedzerwa hunyanzvi hwavo. Vanoda kupinda muchirongwa ichi, vanofanira kuenda padandemutande, pamandelawashingtonfellowship.org kuti vanzwe zvinodiwa.”

Anoongorora nyaya dzevechidiki, uye ari mukuru wesangano reSigns of Hope Trust, Samantha Sibanda, anovawo akambopinda muchirongwa cheMandela Washington Fellowship, anoti zvakakosha kuti vechidiki vapangane mazano sezvinoitika nechirongwa ichi.

Muzvare Sibanda vati, “Ini ndine sangano rinoshanda rakazvimirira. Zvinobatsira kunzwawo kuti vanozviita sei kunyika dzavo."

Vatizve, "Mukuchinjana ruzivo urwu, munhu anokwanisa kuwanawo mukana wekuwana mari nerumwe rutsigiro. Saka kune vanenge vawana mukana wekuenda kunodzidza kubudikidza nechirongwa ichi, shandisai mukana uyu.”

Chirongwa cheMandela Washington Fellowship chava nemakore gumi chichiitwa, mushure mekuvambwa nevaimbove mutungamiri wenyika yeAmerica, VaBarack Obama- uye gore rino, vechidiki vemuZimbabwe vanosvika makumi mana, ndivo vachawana mukana wekunodzidza vari kuAmerica kwemavhiki matanhatu.

Kunze kwemikana iri kupihwa neAmerica iyi, hurumende yeBritain ine chimwe chirongwa chinonzi Chvening chinopawo vechidiki mukana wekunoita zvidzidzo zvepamusoro pachena kuBritain. Vanoda kuziva nezvechirongwa ichi vanokwanisa kuchayawo nhare kumuzinda weBritain muHarare kana kuenda pawebsite yakanzi chevening.org. Mukana wekuenda kuBritain uyu wakavhurwa kusvika musi wa 5 Mbudzi kune vanoda kuenda kuBritain kubva muna 2025 kusvika 2026.

Hurumende yeZimbabwe inopawo vechidiki kunyanya vari kumaruva nevarombo mukana wekunodzidza kunze pasi pechirongwa chePresidential Scholarships Programme. Mukana uyu wakavhurwa kusvika musi wa 31 Ndira gore rinouya uye vanhu vanokwanisa kunziwisa nezvemikana iyi kuburikidza nemakurukota avo ematunhu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG