Accessibility links

Breaking News

Varwi veHondo yeRusungunuko Vodya Nhoko dzeZvironda


Varwi vehondo yerusungunuko vachiratidzira
Varwi vehondo yerusungunuko vachiratidzira

Vaimbove varwiri vehondo yerusununguko vanoti hurumende haisi kuvabata zvakanaka izvo zviri kupa kuti vakawanda vavo vatambure muhupenyu hwavo.

Dambudziko iri rakabuda pachena zvichitevera kufa kwemumwe wevakuru vakuru mukurwira rusunguko rwenyika, VaMakhethi Ndebele. Costa Nkomo anotipa nyaya inotevera.

Mumwe wevakarwira rusununguko rweZimbabwe, VaNhlalo Matson, vanoti semaonero avo, varwiri verusununguko havasi kubatwa zvakaenzana pakati pevakange vari kudivi reZanu PF vaidaidzwa nerekuti Zimbabwe African Liberation National Army kana kuti ZANLA nevaive kudivi reZAPU veZimbabwe People's Revolutionary Army kana kuti ZIPRA.

Vati, “Zvakarerekera divi rimwe chete, nekuti ukatarisa munhu akaita saJack Mpofu nebasa raakabata pakusunungura nyika, aisafanira kufa nenzira yaakafa nayo.”

VaMatson vanoti pfunga idzi dzakavabata zvichitevera kufa kwaVaMathethi Ndebele, avo vaizivikanwa nerekuti Jack Mpofu munguva yehondo yerusununguko.

Mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakapa VaNdebele ruremekedzo rwegamba renyika, izvo zvakapa kuti muchakabvu aradzikwe paNational Heros Acre muHarare muna Nyamavhuvhu.

Asi vakawanda, kusanganisira VaMatson, vari kushora hurumende yaVaMnangagwa vachiti iri kutadza kubata zvakanaka vaimbove varwiri verusununguko, sezvinoitwa nenyika dzakaita seAmerica, idzo dzine zvirongwa zvekubatsira vaimbove muchiuto.

VaNdebele vanonzi vakafa vachitambudzika zvikuru, kunyange hazvo vari mumwe wevakatanga kuenda kunorwira rusununguko rweZimbabwe uye vakadzidzisawo vazhinji zvechiuto kusanganisira vave mukuru wemauto pari zvino, VaValerio Sibanda.

Mumwe wevakaenda kuhondo yekusunungura nyika uye vari sachigaro weZanu PF muBulawayo, VaJabulani Sibanda, vanoti hurumende inofanirwa kuona kuti vaive varwiri verusununguko vakagara zvakanaka, kunyange vari pamudyandigere.

Asi VaSibanda, avo vaive kudivi reZIPRA munguva yehondo, vanoti havana kusununguka kutaura pachena kuti vanofara here kana kuti kwete nemabatirwo ari kuitwa vakarwa muhondo yekusunungura nyika. Vati, “Handisi kuda kutaura kuti ndinofara here kana kuti kwete nenyaya yecheuviri yevarwiri verusununguko asi ndinodaira kuti inasa rehurumende nevakuru vari mubato reZanu PF kuona kuti nyaya dzekugara kwakanaka kwevarwiri verusunguko dzirikubatwa zvakanakwa.”

Munyori anoona nezvekugara zvakanaka kwevaimbove varwiri verusununguko mubato reCitizens Coalition for Change, zvekare vari mumiriri weWarren Park mudare reNational Assembly, Shakespeare Hamauswa, vanotiwo hurumende iri kutadza kubata zvakaenzana varwiri verusununguko vaive kudivi reZIPRA neZANLA mapoka aya asati abatanadziwa pakabatana ZAPU neZANU PF munguva yakaitwa Unity Accord munyika muna 1987.

VaHamauswa vati, “Pane kuchema chema kwakanyanya kunoita sekuti avo vakanga vari ku ZANLA ndivo voga vakarwira kana kuti ndivo vakanga vari ma war veterans chaiwo chaiwo vachisiya ve ZIPRA.”

Asi vaimbove gurukota revaimbove varwiri verusununguko uye vari mumwe wevakashanda naVaNdebele munguva yehondo, zvekare vari nhengo yePoliburo yeZanu PF, VaTshinga Dube, vanoti hapana rusarura panyaya yemabatirwo ari kuitwa vaimbove varwiri verusununguko.

VaDube vati, “Izvi handizvizive, semaziviro angu, mukuru wemauto akabva kuZIPRA, saka zvinombofamba sei? Vanhu vanongotauravo zvavo asi hachisi chokwadi.”

Vakashandawo munguva yehondo vari muZANLA, uye vari sachigaro vechimwe chikwata cheZimbabwe Liberation War Veterans Association, VaChristopher Mutsvangwa, vanoti sangano ravo rava nenguva yakareba richiedza kukumbira kuhurumende kuti vaimbove varwiri verusununguko vatsigirwe nehurumende kuitiura kuti vave nemagariro akanaka zvisineyi kuti munhu akabva kuZIPRA here kana kuZANLA.

Asi VaMutsvangwa vanoti vane chivimbo chekuti hurumende yaVaMnangagwa ichagadzirisa zvichemo zvavo. Vati, “Ndizvo zvatinogara tichinyunyuta seassociation kuti nyaya dzemacomrades, vakarwa hondo, dzinyatsopuhwa kodzero yadzo.”

Gurukuta rinoona nezvekugara zvakanaka kwevaimbove varwiri verusununguko, Amai Monica Mavhunga, vanoti hurumende iri kuita zvese zvainogona kuitira kuti vaimbove varwiri verusununguko vakaita samushakabvu Ndebele vange vaine hupenyu hune chiremerera.

Amai Mavhunga vati“Hurumende, nepainokwanisa, kuburikidza ne the Veterans of the Liberation Struggle Act, vane boka ravo rinowona nezve cheuviri chevaimbove varwiri verusunnguko.”

Pakawana nyika kuzvitonga kuzere muna 1980, varwi vaive kuZANLA nevaimbove kuZIPRA vakabatanidzwa ndokupinzwa muchiuto. Vakatadza kupinda muchiuto vakapihwa mari yaiita zana remadhora rine makumi masere nemashanu pamwedzi kwemakore maviri.

Mari iyi inonzi yaive shoma zvikuru kuti ibatsire vakatadza kupinda muchiuto ava, sezvo vazhinji vavo vainge vasina kudzidzira kuita mamwe mabasa.

Nekuomerwa nehupenyu, chikwata chevanhu ava chakabatana ndokuratidzira zvakasimba pamuzinda wemutungamiri wenyika muna 1997. Izvi zvakaitika mushure mekunge vaimbove varwiri verusununguko ava vaumba sangano ravo re Zimbabwe National Liberation War Veterans Association muna 1990.

Kuratidzira uku kwakaita kuti hurumende imanikidzwe kupa aimbove varwiri verusununguko madhora zviuru makumi mashanu pamunhu, mushure mekunge mutemo we War Veterans Act, uyo waive nesimba rekutara hurongwa hunobatsira vanhu ava nemhuri dzavo, washandiswa nevakuru vakuru muhurumende mukutora mari yekubhadharwa kukuvara kwavakaita muhondo pasi pehomwe yeWar Victims Compensation Fund.

Nyaya yehuori iyi yakaburitswa kekutanga nebepanhau re Zimbabwe Independent muna 1996.

Kubva pavakaiswa panyanga mugore ra 2017 mushure mekunge vaimbove mutungamiri wenyika, mushakabvu Robert Gabriel Mugabe, vabviswa pachigaro nemauto, VaMnangagwa vaita misangano yakawanda nevaimbove varwiri verusununguko vachivavimbisa zvakawanda asi hurumende yavo haisi kuzadzisa mashoko ayo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:07:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG