Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vashandi veMumigodhi muAfrica Vanoti Mamwe Makambani ekuChina Ari Kutyora Kodzero dzeVashandi.


Vamwe vatungamiri vemasangano anomirira vashandi vemuchikamu chezvicherwa vanoti vashandi vose vemuAfrica vanofanirwa kubatana kuti varwise kumbunyikidzwa kwekodzero dzavo nemamwe makambani ekuChina ari kusima mari yakawanda kunyanya muzvicherwa.

Vachitaura neStudio 7 parutivi pegungano resangano reZimbabwe Diamond and Allied Mine Workers Union kana kuti ZDAMWU ratanga nhasi muBulawayo, munyori mukuru wesangano iri VaJustice Chinhema vati kutyorwa kwekodzero dzevashandi kusanganisira kusabhadharwa zvakafanira uko vati kunonyanya kuitwa nevemakambani ekuChina, kuri kuitwawo kune dzimwe nyika muAfrica.

VaChinhema avo vanovewo mutevedzeri wemunyori weAfrican Federation of Miners vati zvakakosha kuti vashandi vose muchikamu chezvicherwa muAfrica vabatane kurwisa kutorwa kwezvicherwa munyika dzakasiyana-siyana pasina pundutso kuvashandi pamwe neveruzhinji vakatiwo hurumende haifanirwe kuwona vashandi sevavengi.

Vati, “Hatirwisani nehurumende mune zvepolitics asi kuti politics dzedu ndezdedumbu, dzekuti vashandi vawane kodzero dzavo dzakakwana vashande zvakanaka vachipiwa mugove wavo wakavafanira kuti vagokwanisa kuriritira mhuri dzavo nekuunza budiriro munyika.”

Musangano weZDAMWU uyu uri kupindwawo nevamwe vamiriri vevashandi vemuzvicherwa venyika dzinoti Egypt, Ghana neZambia.

VaAbdul Moomin Gbana vanove munyori mukuru wesangano reGhana Mine Workers Union, vati zviri kuitwa nemakambani ekuChina munyika dzakasiyana-siyana zvakafanana nehupambepfumi hwakaitwa nenyika dzekumadokero.

VaGbana vakati, “Kumhanya kuri kuita vekuChina vachiuya kuzotora zvicherwa hurongwa hwavari kuita kwete hwekuda kutora hupfumi hwedu chete asi kutoda kupamba nyika dzedu sezvakamboitwa nenyika dzekumadokero." Vatiwo, "Tinofanirwa kuzvisunungura kubva kumaitiro ebhzimisi akadai nekuti haana chaanotibatsira.”

Vachipa muenzaniso wezvavanoti zvave kuitika pane mimwe migodhi mikuru munyika yeDemocratic Republic of Congo, VaJohn Silungwe, mutevedzeri wemunyori mukuru weZambia Mine Workers Union vatiwo zvakakosha kuti vashandi vabatane nehurumende dzenyika dzakasiyana-siyana muAfrica kuitira kuti pave nehurongwa hunoita kuti zvicherwa zvisarambe zvichitorwa pasina zvakawanda zvinobuda.

Vatiwo, “Tinokwanisa kuita kuti vekuChina ava vaite zvinhu nenzira yakanaka. Takasvika pane mumwe mugodhi pari kuitwa kuti vashandae zvakanaka, veTrade Union vachishanda pamwe nehurumende, kuitira kuti mihoro yevashandi ive yakaenzana.”

Taedza kubata gurukota rezvevashandi VaJuly Moyo pamwe nemutevedzeri wavo Amai Mercy Dinha kuti tinzwe divi rehurumende panyaya iyi asi nharembozha dzavo dzange dzisingabatike.

Asi Amai Paule France Ndessomin munyori mukurukuchamhembe kweAfrica werimwe remasangano anomirira vashandi pasi rose reIndustriAll Global Union vaudza musangano uyu kuti vashandi vanofanirwa kungwarira pakutsoropodza makambani ekuChina vachiti makambani ose makuru epasi rose anosima mari muAfrica kunyanya muzvicherwa anoshanda nenzira dzisiri idzo.

Vatizve, “Hatina kuchinja hunhu hwedu pakudyidzana kwatinoita nevenyika dzekumadokero saka vekuChina vanongouya voitawo zvimwe chete, nekuti vanoziva kuti iyi ndiyo nzira yekupinda nayo muAfrica."

Vatiwo, "Saka munovashorei; sei musingazvishore imi pachenyu? Sei vauyi vachiwana zviri nyore kuti vauye vachikwanisa kuita zvehuwori muno muAfrica?”

Nyika yeChina iri pamberi penhangemutenage iri kuitwa pakutsvaga zvicherwa zvakakosha zvakadai selithium cobalt nezvimwe, munyika dzemuAfrica dzakasiyana-siyana.

Vakafanobata chigaro chemukuru mubazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika nekutengeserana VaLevit Mugejo vanoti kudyidzana neChina kuri kubatsira nyika.

Asi mukuru wesangno rinoona nezvezviwanikwa reCentre for Natural Resoutce Governance VaFarai Maguwu vanoti China hasi kugara zvakanaka nevamwe muraini.

Sangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions rakambopomera makambani ezvizvarwa zvekuChina akaita Bikita Minerals lithium mine neAnjin mhosva dzejkutyora kodzero dzevashandi. Kunyika dzakaita seDRC, zvimwe zvizvarwa zvekuChina zvaichera goridhe zvitanhatu zvakaurayiwa nevakapandukira hurumende veM23 sezvo zvichionekwa sezvinotyora kodzero dzevashandi.

Asi mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa avo vari kurumbidza makambani ekuChina nekusima kwavo mari munyika kunyanya muzvicherwa vanogara vachiyambira kuti vanotarisira kuti makambani ose anoshanda munyika anoita izvi nenzira iri pamutemo.

Mumiriri wenyika yeChina muZimbabwe VaZhou Ding vanogara vachitaura zvimwe chete vachiti havatarisiri kuti makamabani kana zvizvarwa zvenyika yekuChina zviri muZimbabwe zvishande nenzira inotyora mitemo yenyika. Vanoti China yaunza munyika mabasa anodarika zviuru zana kana kuti 100 000.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG