Accessibility links

Breaking News

Nyaya yeKuti Bumbiro reMitemo Rivandudzwe Kuitira Kuti VaMnangagwa Varambe Vari paChigaro Yosimudza Zvakare Mutauro muNyika


Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.

Nyaya yakasimudzwa nenhengo dzeZanu PF mudunhu reHarare mukupera kwesvondo yekuti bumbiro remitemo rivandudzwe kuitira kupa mukana wekuwedzera nguva yekuti mutungamiri wenyika arambe ari pachigaro yasimudza zvakare mutauro munyika.

Vamwe kusanganisira vari mubato reZanu PF, vakarwa hondo yerusununguko, vanopikisa hurumende pamwe nevemasangano akazvimirira vari kupokana nehurongwa uhu sezvavagara vachiita kurudziro yekuti mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa varambe vari pachigaro kudarika matemo avo maviri ayo ari kupera muna 2028.

Bepanhau rekuMasvingo reTellZim rakaburitsa nyaya yekuti vakarwa hondo vari mudunhu iri vari kuramba hurongwa hwekuti VaMnangagwa, vapiwe mukana wekutonga wechitatu.

Mumwe wevari kupikisa hurongwa hwekuvandudza bumbiro remitemo kuitira kupa mukana kumutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa kuti varambe vari panyanga mukuru wesangano reZimbabwe Network for Social Justice, VaTendai Ruben Mbofana.

VaMbofana vanoti hapana zvapo chinotadzisa bato reZanu PF kuvandudza bumbiro remitemo sezvo riine huwandu hunodiwa muparamende, asi vanoti kuita izvi kutyora panguva ino apo vana veZimbabwe vari kunonga svosve nemuromo kukanganisa zvikuru.

Asi VaMbofana vanoti mutemo unoti kana bumbiro remitemo rakavandudzwa mutungamiri ari panyanga haafanirwe kuti ange achibatsirwa neshanduko iyi, asi kuti mutungmiri achatevera.

vana veZimbabwe ndivo chete vanokwanisa kumisa hurongwa uhu kuburikidza nekuhuramba pahunoenda muvanhu kuti vapewo pfungwa dzavo, kana kuti referendum.

Asi sachigaro veZanu PF mudunhu reBritain, VaXavier Zavare, vanoti hapana chakaipa kuti bumbiro remitemo rivandudzwe sezvo vaine huwandu hunodiwa uye vanogona kuita zvose zvinoita kuti hurongwa uhu hutambirwe neveruzhinji.

VaZavare vanoti vanhu vakavhotera Zanu PF vakaipinza pachigaro ndivo zvakare vanoipa masimba ekuvandudza bumbiro remitemo panonzwikwa pfungwa dzeveruzhinji.

Vanoti zvakakosha kuti VaMnangagwa vapiwe mukana wekuramba vari pachigaro kuitira kuti vapedze basa rebudiriro ravakatanga rekuvandudza nyika panosvika gore ra 2030 kana kuti Vision 2030.

Forum

XS
SM
MD
LG