Accessibility links

Breaking News

Nhengo yeParamende VaHappymore Chidziva Vopomerwa Mhosva Yekubata Mwana Asati Abvazera Chibharo.


VaHappymore Chidziva - CCC
VaHappymore Chidziva - CCC

Mumiriri weGlen View North mudare reparamende VaHappymore “Cde Bvondo” Chidziva vanova nhengo yechikwata chebato rinopikisa reCitizens Coalition Changechinotungamirira naVaWelshman Ncube naVaSengezo Tshabangu, vanonzi vapomerwa mhosva yekubata mwana ane makore gumi nematanhatu chibharo.

Gweta remhuri remwana uyu VaTakudzwa Jacob vaudza Studio 7 kuti vamhan’ara nyaya iyi kumapurisa paHarare Central.

Vati pane humbwo uye mwana uyu akatenda kuti akabatwa chibharo naVaChidziva. Pasi pemutemo, imhosva kuita zvepabonde nemwana ari pasi pemakore gumi nemasere.

Studio 7 yamboyedza kubata VaChidziva asi vange vasiri kudaira nharembozha yavo. Tayedzawo kubata mutauriri wemapurisa Commisioner Paul Nyathi kuti tinzwe divi ravo asi vati nhasi vaswewra vasiri muhofisi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG