Gavhuna weRBZ Doctor John Mushayavanhu nhasi vaparura hurongwa hwekushanda kwemari hwepakati pegore vachiti mari yeZimbabwe Gold kana kuti ZiG yatambirwa nezvikamu makumi mapfumbamwe nechimwe kubva muzana kana kuti 91% zvevanhu nemabhizimisi.
Vati kudzikama kwedhora iri kwakonzera nekudzikama kwaro, kuwanda kwemari yekunze uye mitemo yemari yavari kudzika.
Vati kumira zvakanaka kwemari uku kuri kupa kuti vave nechivimbo chekuti hupfumi hwenyika huchawedzera nezvikamu zviviri kubva muzana kana kuti 2%.
Vatiwo vachawedzera mari iri kutenderera. Bhanga iri ratiwo munhu anenge aine mari iri pasi pezana remadhora mubhanga haachabatirwe mutero.
Chipangamazano cheRBZ VaPersistence Gwanyanya vaudza Studio 7 kuti zvaitwa nebhanga guru renyika zvichapa kuti mune remangwana vanhu vabhadhare mitero yose nekutenga zvinhu nemari yeZiG.
Asi nyanzvi munyaya dzezvehupfumi Muzvinafundo Gift Mugano vati vaudza Studio 7 kuti zvaitwa naVaMushayavanhu kungobata vanhu kumeso nekuti dhora iri riri kuita mutengo wekutarirwa neRBZ. Vati pamusika mutema dhora rashaya simba zvakanyanya.
Forum