Accessibility links

Breaking News

Chimwemwe Chipidza Osimudza Mureza weNyika kuMakwikwi eAfrica Monologue Challenge


Chimwemwe
Chimwemwe

Mumwe mutambi wechidiki Chimwemwe Chipidza akasimudza mureza wenyika kumakwikwi echikamu chechipiri cheAfrica Monologue Challenge Season 2 kuUganda izvo zvakatambirwa nemufaro nevakawanda.

Chipidza akapedza makwikwi aya ari pachidanho chechipiri kana kuti first runner up ndokupihwa mubairo wemadhora mazana mashanu ekuAmerica. Ainge asarudzwa pavatambi zviuru zviviri muAfrica asati apindawo muchikwata chevatambi gumi vakasara vachikwikwidzana. Vanhu munyika nekunze ndivo vaivhota. Anoti range risiri dambe kupinda mumakwikwi aya.

Chimwemwe
Chimwemwe

"Takatanga kutumira mitambo yedu gore rakapera takawanda dunhu reAfrica rose dzamara tasara tiri gumi chete kubva muzviuru zviviri zvevatambi vaikwikwidza" Chipidza anotsanangura.

Chipidza anotiwo ari kufara zvikuru nemubairo waakapiwa uye anoda kutenda vose vaimuvhotera.

"Ndinonzwa kufara zvikuru nepandakasvika uye ndinoda kutenda vose vakanditsigira nekundivhotera" mashoko aChipidza.

Mumwewo mutambi wechidzimai Ratidzo Eunice Tava anoti zvinofadza zvikuru kuona madzimai echidiki achishura mare mumakwikwi epamusoro akadai.

"Zvinofadza kuona madzimai echidiki achikunda nekuti budiriro yemadzimai ndeyemunhu wese saka tinozvitenda" mashoko aMuzvare Tava.

Mutambi ane mukurumbira anosetsa veruzhinji achishanda nesangano reP.O.Box Reloaded Admire Kuzhangaira anozikanwa nerekuti Bhutisi audza Studio 7 kuti zvaitwa naChipidza munongedzo wekuti madzimai haafanire kutarisirwa pasi.

"Izvi zvinoreva kuti kunyange madzimai anofanirwa kuziva kuti tine mikana yakawanda yebudiriro uye zvinofadza kuti vanhukadzi varikusimukirawo" Kuzhangaira anotsanangura.

Vanoongorora nezvemitambo vachishanda nesangano reComplete Arts Project VaPeter Churu vanotiwo madzimai anofanirwa kutungamidza zvivindi neshungu mumabasa avo sezvakaitwa naChipidza.

"Shungu nezvivindi ndiwo mongo webudiriro. Ndinoyeuka ini Chimwemwe achitanga kuita zvemitambo uye ndakaona kuti munhu anezvivindi uye anoshanda nesimba, honai paasvika apa nhasi" VaChuru vanotsanangura.

Mushandi mukuru muhofisi inoona nezvezvemitambo, tsika nemagariro mubazi rezvemitambo Dr Biggie Samwanda vanoti hurumende yakazvipira kutsigira vanoita zvemitambo.

"Hurumende yaVaMnangagwa inodokwaira kuti vanoita zvemitambo, tsika nemagariro vabudirire" mashoko aDr Samwanda.

Chipidza akatanga kuita zvemitambo mugore ra2009 aine makore gumi nematatu ekuberekwa. Akatanga kuonekwa pamutambo wefirimu rinonzi 'Cook Off' iro rakaitawo firimu rekutanga muZimbabwe kuratidzwawo padandemutande reNetflix.

Akashandawo nezvikwata zvinosanganisira Bustop TV, Magamba Network pamwe neAlmasi Collaborative Arts. Akaitawo zvidzidzo zvemitambo neNew York Film Academy achidzidzira zvekugadzirwa kwema documentaries. Chipidza munyori uye akanyora mitambo yepaterevhizheni nemafirimu

Chirongwa chemakwikwi eAfrica Monologue Challenge chinokokerwa nesangano reMK Casting rekuGhana richitsigirwa neAfrican Chamber of Content Producers. Akatora chinzvimbo chekutanga mumakwikwi aya ndiMaud Guerard weku Ivory Coast akapihwa chiuru chimwe chete chemadhora ekuAmerica.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG