Accessibility links

Breaking News

Chatunga Mugabe Asungwa Mapurisa Achiti Haatarise Kuti Wabuda Mumba Maani


Bellermine Chatunga Mugabe
Bellermine Chatunga Mugabe

Mwanakomana wevaimbova mutungamiri nyika mushakabvu Robert Mugabe, Chatunga Bellarmine asungwa nhasi kuBeitbrdge achipomerwa mhosva yekurova mupurisa paroad block. Ari kunzi nebepanhau reNewsday aburitsa banga achiramba kusungwa.

Izvi zvatevera kutuka mapurisa kwaanozi aita mapurisa ange amisa motokari yaange ari achiti vange vachimunonotesa. Chatunga ndiye gotwe raVaMugabe naAmai Grace Mugabe.

Mutauriri wemapurisa Commissioner Paul Nyathi vaudza Studio 7 kuti Chatungwa asungwa.

Vati, “Ehe asungwa uyu, kana munhu akangotyora mutemo weZimbabwe anongosungwa, hazvina basa kuti ndiyani.”

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:00:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG