Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vadzidzi Voshora Masangano Anovamirira eZINASU neZiCOSU Vachiti Ave Kukundikana Kurwira Kodzero Dzavo


University of Zimbabwe Campus
University of Zimbabwe Campus

Vamwe vadzidzi vemuzvikoro zvepamusoro-soro vanoti masangano anomirira kodzero dzavo ari kukundikana kuita basa rawo, zviri kuzovasiyawo vari pamhene.

Vamwe vanoti vave kunyanya kupindana nezvematongerwo enyika, vamwe vachitiwo vanopiwa chouviri kuti vasati bufu panyaya dzekugara zvakanaka kwavo.

Mamwe emasangano anomirira kodzero dzevadzidzi vekumaUniversity nemakoreji anosanganisira reZimbabwe Congress of Students Union (ZICOSU), kuchitiwo reZimbabwe National Students Union (ZINASU).

Malvern Maregedze, mudzidzi wepachikoro cheGreat Zimbabwe University, anoti, “Hongu tinoona vachiuya kuzotsvaga rutsigiro panguva yesarudzo dzevamiriri vevadzidzi, asi kubva ipapo, hamuvaoni kana kuvanzwa.”

Atizve, “Kunyange pakaita nyaya dzakafanana nekukwidzwa kwemari dzekudzidza, vanongonyora zvimatsamba vachiramba matanho akadai, asi chimwe chavanoita, hapana. Pano pachikoro chedu tinoda zvikwanisiro zvakakwana zvinosanganisira dzimba dzekuti vadzidzi vagare, asi handifungi kuti vatungamiri vedu vanosvitsa nyaya idzi kuhutungamiri hwechikoro.”

Wechidiki anova mukuru wesangano rine chekuita nezvedzidzo, reFriends of Education Africa, Moses Mbimbi, anotiwo masangano anomirira vadzidzi vemuzvikoro zvepamusoro-soro, ari kurasika donzvo rawo.

Mbimbi ati, “Kana mukatarisa nyaya inonyanya kunetsa vadzidzi yekuwana pekudzidzira basa vachiri pakudzidza, hatina sangano rambobuda negwara rekuedza kugadzirisa dambudziko iri.”

Aenderera mberi achiti, “Asi vanomhanyira kupindana nenyaya dzisinei navo, dzakafanana nedzematongerwo enyika. Ngavadzokere muhwaro hwekuti masangano avo basa rawo nderei chaizvo.”

Asi mutauriri wesangano reZINASU, Lifeline Guta anoti vari kuedza nepese pavanogona, kusimudzira kodzero dzevadzidzi.

Guta ati, “Kutaura kuno, takakwanisa kuita kuti chikoro cheMidlands State University chibvumidze vadzidzi kubhadhara mari dzedzidzo nemari yemuno.” Aenderera mberi achit, “ Basa tinoita seZINASU, asi mazuvano tinoita tichitya nekuti unogona kumbunyikidzwa nekutyisidzirwa uchimirira kodzero dzevadzidzi.”

Mumakore ekare, vatungamiri vevadzidzi vemumakoreji nemaUniversity, vairatidzira zvine mutsindo kana kodzero dzavo dzekudzidza dzambunyikidzwa.

Izvi zvinonzi nevamwe, hurumende pasi pevaive mutungamiri wenyika mushakabvu Robert Mugabe, yaive nani pakutendera vanhu kuti varatidzire sekodzero iri mubumbiro remitemo, kana zvichiendzaniswa nehurumende yaVaEmmerson Mnangagwa.

Kunyange Studio 7 yaedza kunzwawo divi rehurumende panyaya yezvekodzero dzevadzidzi vemuzvikoro zvepamusoro-soro, vakuru mubazi rinoona nezvenyaya idzi, vanga vasiri kubatika panharembozha dzavo. Asi gurukota rinoona nezvenyaya dzemukati menyika, VaKazembe Kazembe, vanogarovimbisa shamu ine munyu kune avo vanoda kuita zvekuratidzira vasina kupihwa mvumo nemapurisa.

Lenon Mingore, aiva mutauriri wesangano rinomirira vadzidzi vepaUniversity of Zimbabwe gore rapera, anotsanangura kukosha kwakaita kuremekedzwa kwedzidzo yepamusoro.

Mingore atiwo, “Pakakwanisika kurwira kodzero dzezvedzidzo yepamusoro, izvi zvinoita kuti nyika ienderere mberi, sezvo kushaikwa kwekodzero idzi kuchireva kuti kunyange nemunyika, vanhu vanongozombunyikidzwa.” Atiwo, “Ndiko saka muchiona vadzidzi vemuzvikoro zvedzidzo yepamusoro vachimbunyikidzwa zvakanyanya, nekuti vakatenderwa kutaura nekuita zvavanoda zviri mubumbiro remitemo, vanovhura veruzhinji maziso.”

Sangano reZICOSU, rinonzi rakarerekera kudivi rebato riri kutonga reZanu PF, kuchitiwo ZINASU, ichinzi yakarerekera kumapato anopikisa.

Anoongorora nyaya dzezvevadzidzi vemuzvikoro izvi, uye vari mukuru wesangano reFemale Students Network Trust, Muzvare Evernice Munando, vanoti zvematongerwo enyika ndizvo zvatadzisa kuti masangano aya aite basa rawo nemazvo.

“Masangano aya anopinda zvakanyanya mune zvematongerwo enyika, naizvozvo anongoita zvinenge zvichitaurwa nemapato avanomirira. Kana sangano repachikoro chaunodzidza rakarerekera kuZICOSU kanaZINASU, vanongoita zvinodiwa nebato iroro kuitira kuti vasarasike gwara rebato.” Munhando audza Studio 7.

Atiwo, “Izvi zvinosiya vadzidzi vari pamhene nekuti vamwe vavo havatomboiti zvematongerwo enyika. Saka idambudziko rinoda kugadziriswa.”

Vamwe vevatungamiri vanhasi vakambopindawo mukutungamira masangano anomirira vadzidzi vemuzvikoro zvepamusoro-soro ndevanoti VaNelson Chamisa, kuchiti mumiriri weHwange Central mudare remakurukota eparamende, VaDaniel Molokele, pamwechete nemumwe wavo VaTafadzwa Mugwadi vanomirira Buhera West, kozotiwo VaJob Sikhala naVaCharlton Hwende. Mushakabvu LearnmoreJongwe aive mutauriri weMDC ndemumwe mudzidzi aizivikanwawo zvikuru munyika.

Vamwe vanoongorora nyaya dzezvevadzidzi vanoti hurumende inofanira kumira kumbunyikidza kodzero dzevadzidzi kuti vasataure nhunha dzavo, sezvo izvi zvichidzoserawo kumashure kuremekedzwa kwekodzero dzavo.

Gore rino, kune vadzidzi vanodarika zana vakasungwa, mushure mekupomerwa mhosva yekuda kukonzera kusagadzikana munyika, apo Zimbabwe yaigadzirira musangano weSADC Heads of State Summit wakaitwa mwedzi wapera.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG