Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangangwa nhasi vaita musangano nemutungamiri wenyika yeChina VaXi Jinping pamberi pemusangano mukuru wekudyidzana kwenyika dzemuAfrica neChina kana kuti Forum on China-Africa Cooperation (FOCAC).
Vachinyora padandemutande ravo reX, VaMnangagwa vati hurukuro naVaXi yasimbaradza hukama pakati peZimbabwe neChina vakati vari kutarisira kuramba vachishanda vose mune remangwana.
Mutauriri wemutungamiti wenyika, VaGeorge Charamba vatiwo VaMnangagwa naVaXi vanyorererana zvibvumirano gumi nezvinomwe kana kuti 17 “Memorandums of Understanding” munyaya dzakaita sedzezvicherwa, kupananana nyanzvi, kutengeserana, kurima, mhando dzemoto, kusimudzira maruwa nezvimwe.
Muzinda weChina muZimbabwe waburitsawo mashoko padandemutande reX uchiti VaXi vati vanoda hushamwari hwakasimba hunotsigirwa nezvinhu zvishanu zvinoti, matongerwo enyika, hupfumi, kudyidzana munyaya dzehupfumi nekutengeserana, kudzivirirwa kwenyika, magariro evanhu uye mukudyidzana nedzimwe nyika.
Vamwe vapinda mumusangano uyu vanosanganisira gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika VaFrederick Shava uye gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube.
Ko misangano yakadai yakakosh zvakadii? Tabvunza mukuru mubazi rezvekudyidzana nekutengesarana VaLevit Mugejo avo vati. “Musangano inoitwa yese pakati peZimbabwe neChina mucherechedzo wekudyidzana kwemhando yepamusoro.”
Asi nyanzvi munyaya dzezvehupfumi Muzvare Chenai Mutambasere vanoti havo havaone paine zvinobatika kubva muhurukuro yaVaMnangagwa naVaXi vachiti nekuda kwehuori China haisi kukweretesa Zimbabwe mari.
Izvi zvatsinhirwawo nemukuru wesangano rinorwira kodzero dzevanhu munzvimbo dzine zviwanikwa reCentre for Natural Resource Governance VaFarai Maguwu vati Zimbabwe iri kungorasikirwa nezvicherwa kuChina ichitadza kuti zvikwenenzverwe munyika kuti vanhu vawane mabasa.
Zvichakadaro, vachitaurawo kumucheto wemisangano yavo kuChina nezvizvarwa zveZimbabwe, VaMnangagwa vakadzokorora kuti havasi kuzovandudza bumbiro remitemo kuti varambe vachitonga panopera temu yavo muna 2028.
Asi nhengo yedare reparamende inomirira Warren Park VaShakespear Hamauswa vechimwe chikwata chebato rinopikisa reCitizens Coalition for Change chinotungamirirwa naVaJameson Timba, vaudza Studio 7 kuti muromo wagara hawo hauzarirwe nerwizi.
Pamusangano wemazuva matatu weFOCAC uri kutanga mangwana, China inoti iri kutarisira kuti vatungamiri venyika dzemuAfrica makumi mashanu vachange vachipinda mumusangano uyu.
Vamwe vatungamiri vemuAfrica vasangana naVaXi vanosanganisira mutungamiri weDRC VaFelix Tshisekedi uye mutungamiri weSouth Africa VaCyril Ramaphosa.
Pamusangano wemazuva matatu weFOCAC uri kutanga mangwana, China inoti iri kutarisira kuti vatungamiri venyika dzemuAfrica makumi mashanu vachange vachipinda mumusangano uyu.
Vamwe vatungamiri vemuAfrica vasangana naVaXi vanosanganisira mutungamiri weDRC VaFelix Tshisekedi uye mutungamiri weSouth Africa VaCyril Ramaphosa.
Forum