Accessibility links

Breaking News

Kuderera kweMvura muDhamu reKariba Kwowedzera Dambudziko reMagetsi muNyika


Dhamu reKariba Dam.
Dhamu reKariba Dam.

Dambudziko remagetsi rinonzi riri kutarisirwa kutowedzera zvichitevera kudzikira zvakanyanya kwemvura iri mudhamu reKariba iyo inoshandiswa mukugaya magetsi negwenya reKariba South Hydroelectric Power Station uko kunotora nyika mamwe emagetsi anoshandiswa munyika.

Izvi zvinonzi nedzimwe nyanzvi mune zvehupufmi zvichakanganisa zvakanyanya hupfumi hwenyika nekuda kwetadza kushanda zvizere kwemakambani akawanda, migodhi pamwe nemumapurazi, uyewo zvinonzi zvichakonzera kusagadzikana kwemari yemunyika yeZiG.

Mashoko ekuti mvura yadzikira mudhamu reKariba ari kuuya panguva iyo kambani yeZESA yakazivisa svondo rapera kuti dambudziko rekudzimwadzimwa kwemagetsi richamboramba riripo zvichikonzerwa nekufa kwerimwe remagwenya emarasha kuHwange.

Kunyange hazvo kambani iyi yakati iri kuita zvose zvainogona kugadzirisa dambudziko iri, munyika munonzi hamuchina mufaro sezvo kushaikwa kwemagetsi uku kuchinzi kuri kukanganisa zvakawanda.

Mumwe murimi wekuMacheke mudunhu reMashonaland East, VaValentine Ziswa, vanoti kushomeka kwemagetsi munyika kwave kukanganisa mabasa evarimi vakawanda sezvo vamwe vakarima gorosi ravari kudiridzira vachishandisa magetsi, uyewo vamwe varimi vakatotanga kutimbikira fodya kutanga kwemwedzi uno iyo inoda zvakare kudiridzirwa.

Varimi vakawanda vakarima gorosi rekudiridza vanoti vanoda magetsi.
Varimi vakawanda vakarima gorosi rekudiridza vanoti vanoda magetsi.

Havasi varimi chete vari kuchema nekudzimwadzimwa kwemagetsi munyika. Vezvitori ndevamwe vari kuchemawo sezviri kutaurwa nemutungamiri wesangano revezvitoro reConfederation of Zimbabwe Retailers, VaDenford Mutashu, avo vanoti zvave kudhurira vezvitoro vakawanda kuti vashandise majenareta nekuda kwemutengo wedhiziri.

Mukuru wesangano rinoona nezvemagariro evanhu akanaka, reZimbabwe Social Justice Network, VaRuben Tendai Mbofana, vanoti nyaya yekushaikwa kwemagetsi munyika yatambudziko vana veZimbabwe zvakanyanya.

Nyanzvi mune zvehupfumi, Muzvinafundo Gift Mugano, vanoti kushaikwa kwemagetsi kuri kukanganisa mapoka ezvehupfumi akasiyanasiyana anosanganisira makambani, vezvitoro, varimi pamwe nevemigodhi avo vavanoti havakwanise kushandiswa majenareta mukuita basa ravo zvizere.

Ukuwo, VaMutashu vanodzoka vachiti vemabhizimusi vave kungotarisira kuvimbiso dziri kupiwa nehurumende iyo iri kuti ine dzimwe mhindu dzairi kuita kugadzirisa dambudziko remagetsi iri.

“Hongu magetsi ari kushomeka kuburikidza ne load shedding iriko. Asi vezvitoro vanosungirwa kunge vachitsvaga dzimwe nzira dzisiri magetsi dzekunge vachi runner mabhizimisi avo kunyange dai zvazvo zvichiuya nemuripo unenge uri pamusoro pane kunge uchishandisa magetsi,” VaMutashu vanodaro.

Hwange Power Station
Hwange Power Station

Nyika yeZambia, iyo inogayawo magetsi kubva mudhamu reKariba, yakatozivisa kuti nekuda kwekudzikira kwemvura mudhamu iri, ichavhara gwenya rayo riri kuKariba kubva musi wa 14 mwedzi uno, zvichireva kuti Zimbabwe inogona kuteverawo danho reZambia iri chero nguva.

Zimbabwe inonzi kana magwenya ayo ose achishanda zvakanaka inowana magetsi anosvika 2.240 megawatts, asi pari zvino inonzi iri kukwanisa kungogaya magetsi anosvika 1,693 megawatts chete.

Kusanaya zvakanaka kwemvura ndiko kunonzi kwakonzera kudzikira zvakanyanya kwemvura mudhamu reKariba, iyo inonzi yave pazvikamu zvisere kubva muzana, kana kuti 8 percent.

Nguva imwecheteyo gore rapera mvura inonzi yaive pazvikamu makumi maviri nezvitanhatu kubva muzana, kana kuti 26 percent.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG