Accessibility links

Breaking News

America Yobatana neUNICEF Kuchenesa Mvura muHarare


The new Ambassador of the USA to Zimbabwe, H.E Pamela Marie Tremont
The new Ambassador of the USA to Zimbabwe, H.E Pamela Marie Tremont

Hurumende yeAmerica yaisa mari inokwana madhora zviuru zana zvine makumi mashanu emari yekuAmerica ($150 000), kuti ibatsire kanzuru yeHarare kuchenesa mvura inonwiwa nevagari.

Danho iri ratambirwa zvikuru nemasangano anoshanda munyaya dzehutano, pamwechete neanomirira vagari, vachiti izvi zvichaderedza kuspararira kwezvirwere zvakafanana nezvemanyoka necholera. T

Mumiriri wemuzinda weAmerica muZimbabwe, Amai Pamela Tremont, vati hurumende yeAmerica ine chido chekuona zvizvarwa zvemuZimbabwe zvichigara nehutano hwakanaka, naizvozvo kuwaniswa mvura yakachena kunobatsira kuzadzikisa donzvo iri. Vati, "Hurumende yeAmerica yakazvipira gore rapera, kubatsira mukurwisana nechirwere cheCholera ichi chakauraya vanhu vanoda kusvika mazana manomwe."

Amai Tremont vaenderera mberi vachiti, "Asi chanyanya kukosha parizvino sezvo chirwere ichi chanzi nehurumende hachisisiri njodzi yakanyanya kuvanhu, kuedza kuti chiadzoka zvekare. kuchenesa mvura ndeimwe yenzira dzinokwanisa kuti izvi zviitike, ndiko saka tabatana nekanzuru nemamwe masangano pachirongwa chekuwedzera chlorine ichi."

Amai Tremont vatiwo vane chivimbo chekuti hurongwa uhwu huchaitwawo kune mamwe madhorobha ari kusangana nedambudziko rekuchenesa mvura.

Chirongwa chekuchenesa mvura muHarare ichi, chiri kuitwa nemuzinda uyu uchishanda nesangano rinoona nezvekupararira kwezirwere muAmerica reCentre for Disease Control uye chakanangana nekuwedzera huwandu hwemushonga weChloride, uyo unoshandiswa kuchenesa mvura.

Kanzuru yeHarare inoti kunyange hazvo yanga ichichenesa mvura kusvika padanho riri nani, kuwaniswa michina, pamwechete nezvimwe zvikwanisiro zvekuti chloride iwedzerwe, zvichaita kuti mvura inoendeswa kudzimba dzeveruzhinji, ichene kusvika padanho rinotarisirwa nesangano reWorld Health Organisation.

Vachitaura pachiitiko chanhasi ichi, mukuru anoona nezvekuchengetedzwa kwehutano hwemunharaunda mukanzuru yeHarare, Amai Varaidzo Mavetera, vaudza Studio 7 kuti kuchenesa mvura idambudziko guru. Amai Mavetera vati, "Donzvo redu nderekuti vagari vawane mvura yakachena."

Vatizve, "Patanga tichimboiongorora, yanga isina kuipa hayo, asi tinoda kuti isvike padanho rinokurudzirwa neWorld Health Organisation." Vattizve, "Mvura yedu iri kusvibiswa nekuti pombi dzedu dzinobvinza sezvo dzagarisa"

Chirongwa ichi chinonzi chinogona kubatsira vanhu vanodarika miriyoni vemuguta reHarare kuti vawane mvura yakachena, sezvo chiri kuitwa pazvivakwa zvekuchengeta mvura zviri munzvimbo dzinoti Kuwadzana, Kuwadzana Extension, Kopje, Marimba nekuMufakose.

Mukuru wesangano rinomirira kodzero dzevanhu maringe nemvura, reCommunity Water Alliance, VaHardlife Mudzingwa, varumbidza chirongwa chatungamirwa nehurumende yeAmerica ichi.

"Chirongwa ichi chauya panguva yakanaka sezvo kanzuru yeHarare yanga ichikundikana kuchenesa mvura nekuda kwekuti gore rino mvura haina kunaya zvakanaka. Kusanaya zvakanaka kwemvura kunoreva kuti kuchena kweiyo inozoda kuendeswa kudzimba kunonetsa. Naizvozvo, tinotenda zvikuru nechirongwa ichi."

Vanomirira sangano reUNICEF muZimbabwe, Amai Etona Ekole, vati chirongwa chekuchenesa mvura ichi chauya panguva yakanaka, sezvo nyika yakatarisana nedambudziko rekushomeka kwemvura.

Amai Ekole vati, "Chirongwa ichi chichabatsirawo kuti vana vawaniswe mvura yakachena munguva apo mvura munyika iri shoma."

"Kushaikwa kwemvura yakachena kunoreva kuti hutsanana hunodzikirawo, zvinozokonzeresa njodzi nekuda kwezvirwere zvinogona kusimuka. Hongu mvura inogona kuwanikwa nedzimwe nzira, asi chakakosha kuti mvura iyoyo inge yakachena." Amai Ekole vaudza Studio 7.

Mukuru wesangano rinomirira vamwe vagari vemuHarare, reCombined Harare Residents Association, VaReuben Akili, vati kunyange hurongwa uhwu hwakanaka, guta reHarare rinofanira kuwana nzira dzekupedza dambudziko rekusachena kwemvura, zvachose. VaAkili vati, "Danho ratorwa nehurumende yeAmerica tinoritenda chose sezvo richabatsira vagari vakawanda."

Vatiwo, "Asiwo, chitsvambe chava kukanzuru kuti igadzirise pombi dzinofambisa mvura, kuitira kuti dzisarambe dzichibvinza. Tinokurudzirawo kanzuru kuti ibudire vagari pachena, maringe nekuchena kwakaita mvura yatiri kuwana mumapombi, uye kuti vatipewo mukana wekupawo muono wedu panyaya dzemvura idzi."

Kanzuru inoti kusviba kwepombi dzinoendesa mvura kuvanhu kunopa kuti mvura isvibe. Asi chirongwa cheAmerica ichi chinoita kuti mushonga uiswe pedyo nemisha yevanhu yosvika yakachena.

Mushonga unochenesa mvura weChloride, unonzi nekanzuru yeHarare, unorasika apo mvura ichifambiswa kubva kwainocheneswa kuMottorn Jephray ichienda kudzimba, nekuti pombi dzinoifambisa dzinenge dzichibvinza.

Mvura yemuHarare nenzvimbo dzakatenderedza inobva muLake Chivero iro rakasviba zvikuru. Vanhu vakawanda vave kutowana mvura nekuchera matsime nezvibhorani asi ongororo dziri kuitwa dziri kuratidza kuti mvura yacho yakasviba ichigona kurwarisa vanhu. Kanzuru inotiwo haina mari yekuchenesa mvura. Parizvino vagari vakawanda havana mvura muguta.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG