Accessibility links

Breaking News

VaTrump naAmai Harris Vogadzirira Gakava Richaitwa Musi weChipiri


Amai Kamala Harris naVaDonald Trump.
Amai Kamala Harris naVaDonald Trump.

Kwasara mwedzi inodarika miviri zvishoma kuti sarudzo yemutungamiri wenyika yeAmerica dziitwe, vari kukwikwidzana VaDonald Trump naAmai Kamala Harris vari kugadzirira kuita gakava kana kuti debate uye vachitsvaga rutsigiro vachivimbisa kugadzirisa hupfumi hwenyika.

VaTrump vari kutsvaga rutsigiro zvakasimba vachitarisa nyaya dzezvehupfumi uye vachitaura nezvaAmai Harris.

VaTrump vanoti. “Izvi ndizvo zvatinoziva nezvaCde Kamala Harris.” Vaenderera mberi vachiti, “Haana basa nevanhu vemuAmerica, kunyanya vashandi. Haatoneyi nechekuita nevanhu zvachose.”

Asi vari kutsigira Amai Harris vanoti mitemo yaVaTrump inokanganisa zvikuru vashandi asi vachipa makambani mukana wekubhadhara mitero iri pasi. Amai Harris vanoti, “Kusimudzira vashandi ndiro rinenge riri donzvo rangu guru.”

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vari chipangamazano VaHank Sheinkopf vanoti Amai Harris vanofanira kutaura zvavachaita payaya yehupfumi nekuti yakakosha. Vati, Vanofanira kuudza vanhu kuti sei mitengo yezvinhu iri kuramba ichikwira kunyanya mafuta ekufambisa dzimotokari, uye kuti sei chingwa chiri kudhura uye kuti sei vanogadzira zvinhu zvose izvi vari kuita kuti dhora rishaye simba.”

Asi VaTrump nemutevedzeri wavo VaJD Vance vanoti kuvhotera Amai Harris kunoreva kurasikirwa nemabasa.

VaVance vanoti, “Fungai nezvezvevanhu vanovaudza zvekuita, kusashanda kwehurumende, vanhu vapfuma nekuendesa mabasa enyu kuChina.” Vanotiwo vanhu ava, “Vanoda Kamala Harris. Nzira yekuvakunda kuvarwisa kuburikidza nesarudzo yemuna Mbudzi.”

Asi mutevedzeri waAmai Harris, VaTim Walz vanoti maDemocrats ndiwo akazvipira kumirira kodzero dzevashandi.

VaWlaz vanoti, VaTrump naVaJD Vance vane zvimwe zvavanoda kuita zvisineyi nekusimudzira mushandi.” Vatiwo, “Chavanongoziva kusveta simba remushandi. Mukana wose wavawana vanoda kutsikirira mushandi.”

Kwasara mwedzi miviri chete kuti sarudzo iitwe, zviri kuratidza kuti achiri mangange. Ongororo dziri kuitwa dzinoratidza kuti Amai Harris vane rutsigiri rwakati wandei zvishoma kudarika VaTrump. Asi mumwe muvhoti wekuMichigan VaDavid Martinez vanoti vanotsigira VaTrump nekuti, Munhu chaiye anoda nyika yake.”

Vatizve, “ Ndinofunga anofunga zvakanyanya nezvevanhu venyika ino kudarika zvaanofunga nezvehupenyu hwake. Zvose zvaanoita anoyedza kubatsira vamwe.”

Muvhoti wekuGeorgia Amai Becca Rush anoti anotsigira Amai Harris. Vanoti, “Munoziva tiri muna 2024, tinoda munhu achiri kutemwa dzinobva ropa, uye tinoda remagwana rakajeka.”

Panguva imwe yavanenge vachienderera mberi nekutsvaga rutsigiro, VaTrump naAmai Harris vachange vachigadzirira kuita gakaba kana kuti debate musi wa 10 Gumiguru.

Nyaya iyi yatumirwa naScott Stearns mukaiverengerwa neni Blessing Zulu VOA Washington DC.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG