Accessibility links

Breaking News

Murume wekuBeitbridge Anonzi Akatuka VaMnangagwa paWhatsApp Achirumbidza VaChamisa Apihwa Mukana weKubvisa Mari yeChibatiso


Treasury Zimbabwe Sanctions
Treasury Zimbabwe Sanctions

Mumwe murume anoshanda mukanzuru yeBeitbridge VaEzekiel Chiradza vane makore makumi matatu nemashanu vakasungwa neMuvhuro vachipomerwa mhosva yekutuka mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vapihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso.

VaChiradza vanzi vabhadhare zana remadhora kana kuti US$100 semari yechibatiso namejastiriti Takudzwa Gwazemba.

Mapurisa anoti vakatenderedza vhidhiyo paWhatsApp mugungano rinonzi "Zim Politics" vachiimba vachishora mutungamiri wenyika. Vaiti, "Mnangagwa watiurayira nyika." Vaishorawo mari yeZiG. Vaitiwo, "VaChamisa ndimi President."

Asi sangano rinorwira kodzero dzevanhu reZimbabwe Lawyers for Human Rights rinoti kusunga vanhu kuti vataura kutyora kodzeo dzavo dziri mububiro remitemo.

Tayedza kubata gurukota rezvemukati menyika VaKzembe Kazembe nemutauriri wemapurisa Commissioner Paul Nyathi asi vange vasiri kudaira nharembozha dzavo.

Asi mutauriri weZLHR VaKumbirai Mafunda VaKumbirai Mafunda vanoti chikamu chechimakumi matatu nematatu kana kuti 33 chemutemo we Criminal Law (Codification and Reform) Act chinosungira vanhu kutuka mutungamiri wenyika chinofanira kubviswa nekuti chinotyora bumbiro remitemo renyika rinopa vanhu kodzero yekutaura zvavanoda pasina kumbunyikidzwa.

VaMafunda vati kubva zvatora VaMnangagwa masimba vachitsigirwa nemauto, vanhu vanodarika mazana maviri vasungwa. Pasi pehurumende yamushakabvu Robert Mugabe, vanhu vanoda mazana maviri vakasungwa mumakore gumi nemanomwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG