Accessibility links

Breaking News

Vaive Mutungamiri weNyika, VaMugabe, Vanosvitsa Makore Vashaya


Vaive mutungamiri wenyika mushakabvu VaRobert Mugabe.
Vaive mutungamiri wenyika mushakabvu VaRobert Mugabe.

Vaive mutungamiri wenyika, mushakabvu VaRobert Mugabe, vasvitsa makore mashanu vashaya, vamwe munyika vachiti zvinhu zviri kutonyanya kuoma pasi pehurumende yaVaEmmerson Mnangagwa kunyange hazvo zvaive zvakaoma munguva yaVaMugabe.

VaMnangagwa vakapinda pachigaro muna 2017 mushure mekubviswa kwaVaMugabe pachigaro nemauto.

Vanoongorora zvematongerwo enyika pamwe nezvehupfumi vari mukuru wesangano reCoalition for Market and Liberal Solutions [COMALISO] Zimbabwe, VaRejoice Ngwenya vanoti pasi pehurumende yaVaMnangagwa kodzero dzevanhu dziri kutonyanya kumbunyikidzwa, vanorwira kodzero dzevanhu pamwe nevanopikisa hurumende vakawanda vachisungwa.

VaNgwenya vanoti mune zvehupfumi zvinhu zvatowedzera kupia pane zvazvaive kare.

Asi vanotsigira hurumende vanoti VaMnangagwa nehurumende yavo vaita zvikuru kwazvo mumakore mashoma shoma avapinda pachigaro sezvo vakwanisa kugadzirisa migwagwa, kuwedzera zvivakwa nekudzikamisa hupfumi hwenyika.

VaMugabe vakashaya musi wa6 Gunyana 2019 kuSingapore uko vairapwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG