Accessibility links

Breaking News

VeZanu-PF neChimwe Chikwata cheCCC Votarisirwa Kupihwa Mari yeVanenge Vaita Zviri Nani Musarudzo


VaSengezo Tshabangu and Nqobani Sithole
VaSengezo Tshabangu and Nqobani Sithole

Hurumende nhasi yazivisa kuti mapato eZanu PF neCitizens Coalition for Change gore rino achapihwa mamiriyoni makumi manomwe emaZiG pasi pemutemo wePolitical Parties (Finance) Act

Asi hurumende haisi kunyatsobuda pachena kuti iri kupa chikwata chipi chebato ripi reCCC.

Mari iyi inobva kuhurumende ichipihwa mapato anenge awana zvikamu zvishanu kubva muzana kana kudarika musarudzo.

Muchiziviso muGovernment Gazette, gurukota rezvemutemo, VaZiyambi Ziyambi, vati Zanu PF ichawana mari inodarika mamiriyoni makumi mana nemanowe kana kuti 47.8 miriyoni mushure mekuwana zvikamu makumi matanhatu nechidimbu kubva muzana musarudzo dza2023.

Ukuwo CCC ichiwana maZiG anodarika mamiriyoni makumi maviri nemaviri kana kuti 22.1 miriyoni mushure mekuwana zvikamu makumi matatu nechimwe nechidimbu kubva muzana kana kuti 31.5%.

Studio 7 payabata VaZiyambi varamba kutaura kuti vachapa chikwata chipi cheCCC sezvo paine zvikwata zvitatu zveCCC. VaZiyambi vati vanoziva bato rimwe chete vakati ndiro richapihwa mari.

Asi mapato ose matatu akaendesa mapepa. Asi vane ruzivo nezviri kuitika vanoti mari ichaenda kune vari kuzviti munyori mukuru weCCC VaSengezo Tshabangu.

VaTshabangu vaudza Studio 7 kuti chakakosha ndechekuti bato reCCC richawana mari uye ichabatsira pakusimbisa musangano. Vati, “Hazvina basa kuti ndiyani anowana mari nekuti tese tiri CCC "

Mutauriri wechikwata cheCCC chinotungamirirwa naVaJameson Timba, VaPromise Mkwananzi, vaudza Studio 7 kuti vane chivimbo kuti vachapihwawo mari iyi.

VaMkwananzi vati, “Bato rinonzi CCC mutungamiri waro anozikanwa, ndiye akakwikwidza, nemaMPs nemakanzura ake anozikanwa kana mari ichizopihwa mumwe munhu zvinenge zvave zvekuotyora mutemo, zvehumbavha zvisinei nekutevedzera zviri mubumbiro remitemo.”

Vanoongorora zvematongerwo enyika, vachidzidzisa paUniversity of Zimbabwe, VaLazarus Sauti, vati kushandiswa kwemari iyi hakuna kujeka. Vati, “Mari idzi hadzifaniri kubva pamitero dzinofanira kubva kuvanhu vavenge vakasununguka kuti vange vachipa mari kumapato avanotsigira uye mapato iwayo anofanira kupihwa mvumo yekutsvaga kubva kune vanhu vari kune dzimwe nyika nekuti mutemo wedu parizvino haubvumire izvi."

Vatiwo, "Saka zvinhu zvakawanda zvinofanira kunge zvichigadziriswa kuitira kuti nyika yedu yeZimbabwe inge ichibudirira.”

Asi mushandi mukuru muchikamu chekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaFarai Marapira vaudza Studio 7 kuti harisi dambudziko kuti mari iyi inoshandiswa sei.

Vati, “Kana mapato achinge apihwa mari anofanira kutsanangura kunhengo dzawo kuti mari ichashandiswa sei."

Vatiwo, "Tinozonetsekana nemapato asina maStructure kuti kana vakange vapihwa mari idzi vachadzitsanangura kunani."

Izv zvatsinhirwa nevanoongorora zvematongerwo enyika VaStanford Nyatsanza vanoshanda nesangano reZimbabwe Democracy Institute avo vati, "Itarisiro yedu kuti panopera gore, panobuda Auditor-General’s Report paye toonawo audit yakanangana nemari iyi.

Zvichitevera chiziviso chanhasi, chasara kuti bazi rezvemari richiburitsa mari iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG