Accessibility links

Breaking News

VaChere Votaura Kekutanga nezveKuitwa Kafiramberi paNhandare yeNdege yeRGM neVanofungidzirwa Kuti Vasori


Robert Mugabe International Airport
Robert Mugabe International Airport

Munyori mukuru werimwe sangano revarairidzi reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe VaRobson Chere vataura neStudio 7 nezvekuitwa kafiramberi kwavo kekutanga kubva zvavapihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso nedare repamusoro reHigh Court.

VaChere vakasungwa panhandare yendege yeRobert Gabriel Mugabe International Airport vaine vamwe vavo vatatu vanoti Muzvare Namatai Kwekweza vesangano reWELEAD, VaSamuel Gwenzi pamwe naVaVusumuzi Moyo. Vakaburutswa mundege zvechisimba.

VaChere vati, “Patakaburitswa mundege takabva taendeswa mune imwe imba iri panhandare yendege iyi asi iine gomba mukati ndokutanga kurohwa zvakaipisisa.” VaChere vati vairohwa nesimbi uye mapuranga vakasungwa necheni.

Vatiwo vakagerwa mhotsi dzavo nebanga uye dzimwe nguva vachiita zvekudzurwa. VaChere vati ndivo vakanyanyorohwa sezvo vairamba kupa vanhu ava mukana wekuti vavhure dandemutande ravo reFacebook uye vairambawo kuti “pamberi neZanu-PF” vachitorwa vhidhiyo.

Vana ava vakasungwa musi wa 31 Chikunguru vachienda kuVictoria Falls kwaiitirwa musangano weAfrican Philanthropy Conference.

Vari kupomerwa mhosva yekuda kukonzera mhirizhonga vachinzi vakaratidzira panze pedare ramejasiriti muHarare vachikurudzira kuti mutungamiri wechimwe chikwata cheCitizens Coalition for Change VaJameson Timba vabuditswe mujeri. Asi vanoti vainge vasipo pavanonzi vakapara mhosva iyi.

Kusungwa kwevana ava kwakashorwa nemasangano anorwira kodzero dzevanhu munyika nekunze uye nesangano reUnited Nations, gungano reEuropean Union nehurumende yeAmerica.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG