Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehutano hwepfungwa dziri kukurudzira veruzhinji kuti vanzwisise chirwere chepfungwa che dementia dzichiti kunyangwe hazvo chirwere ichi chakawandira kuvanhu vakura, chinogona kubatawo kana vamwe vasati vachembera.
Vachitaura neStudio 7, mazvikokota munyaya dzezvirwere zvepfungwa mubazi rezvehutano, Dr Anesu Isabel Chinoperekwei vati chirwere che dementia kukuvara kwepfungwa kunoitika kwenguva yakareba. Vati, “Zvatinoona kazhinji kacho muzvirwere zvedementia, macells epfungwa anenge achifa kana afa hapana matsva anoumbika.” Vatiwo, “Saka izvi zvinoramba zvichiitika kwenguva yakareba kusvikira pane rimwe zera rekuti macells awarasikirwa nawo awanda zvekuti takuona zviratidzo.”
Doctor Chinoperekwei vati chirwere ichi chine mhando dzakasiyanasiyana asi vachiti mhando inonyanyobata vanhu vakawanda i Alzheimer's. Chirwere ichi chinonzi chinonyanya kubata zvikuru avo vanenge vadarika makore makumi matanhatu ekuberekwa uye zvinonzi vanhu zvikamu makumi manomwe kubva muzana vanosanga nedambudziko iri uye vanoonekwa nezviratidzo zvinosanganisira kukangwa nekuti munhu anotadza kuita zvaaimboita kare.
“ Panenge paine hanganwa, koitawo kurasika munzvimbo dzaunofanirwa kunge uchiziva. Koitawo dambudziko rekuronga muhupenyu.” Dr Chinoperekwei vaudza Studio 7. Vaenderera beri vachiti, Koitawo zvakare dambudziko rekuziva kuti ichi chinhu chinoita basa rechii kana chinonzi chii. Chimwe chiratidzo chatinowona kushanduka kwehunhu.”
Vaenderera mberi vachiti kunyangwe hazvo zvichinetsa kuongorora kuti chirwere ichi chinenge chakonzerwa neyi, pane zvinowedzera kuti munhu azoita dambudziko iri zvinosanganisira kukura, kurwara nechirwere cheHigh Blood Pressure nezvinotevera.
Dr Chinoperekwei vati, “Kana munhu aching achirwara nezvirwere zveBP neShuga kana kuputa fodya zvinokanganisa ma blood vessels anofambisa ropa mupfungwa.” Vatizve, “Kanawo vanhu vasina zvavanoita zvekuti pfungwa dzavo hadzinyanyi kushanda. Kozotiwo avo vane miviri yakakura nevanoita chirwere chekushungurudzika uye chorega kurapwa.”
Imwe nyanzvi mune zvehutano hwepfungwa, VaMertha Mo Nyamande vati pari zvino hakusati kwave nemishonga yekuti munhu akwanise kurapwa Alzheimer’s asi vachiti, “Kana ikakurumidza kuona, pane mishonga inoita kuti kukuvara uku kusanyanyise kuramba kuchienderera mberi.” Vatiwo, “Pane mishonga inodzora kana kuti inononotsa kukuvara kwenjere.”
VaNyamande vati zvakakosha kuti vanhu vanochengeta vanhu vane chirwere chedementia vasavashoropodza vachiti vamwe vane chirwere ichi vanogona kurasika vobuda mumba kana husiku vasina kusimira izvo zvinozoita kuti vamwe vanzi varoyi.
“Kana kusimira chaiko havachazivi kuti vasimira zvakanaka here kana kuti vatosimira here.” VaNyamande vaudza Studio 7. Vatiwo, “Kazhinji tinosangana nanambuya nana sekuru vakarasika husiku takuti varoyi. Zvinhu zvatinoda kubatsirana kuziva.”
Vatiwo kunyangwe hazvo chirwere ichi chichinyanyoonekwa kuvanhu vakura, vave kuonawo chirwere ichi kune vemazera echidiki zvikuru avo vanoshandisa zvinodhaka zvakadai sedoro, mbanje, mutoriro nezvimwewo zvavati zvinokanganisa huropi.
Mumwe mufundisi vachirwira kodzero dzehutano, Mufundisi Jeferemu Njambilo, vati dzidziso yechirwere che dementia yakakosha zvikuru munyika kuitira kuti vanhu vanzwisise nezvechirwere ichi. VaNjambilo vati, “Saka sevafundisi dzimwe nguva kana munhu otaura achidaro vamwe vanogona kuti honai otaura nevanhu vakafa.” Vatiwo, “Saka vanogona kutanga kumunamatira vasinganzwisisi kuti chirwere chedementia.”
Dzimwe nyanzvi dzehutano hwepfungwa dzinotiwo avo vanochengeta vane chirwere che dementia vanodawo kubatsirwa nekutaurwa navo kana kuti counseling senzira yekuita kuti vasanyanya kufunganya izvo zvinogona kuzokonzerawo kukanganisika kwehuropi.
Tsvakurudzo dzakaitwawo nedzimwe nyanzvi dzinoratidza kuti dambudziko guru riri muZimbabwe ndere mukaha uri pakati pevanoziva nezvechirwere ichi nevasina ruzivo zvinoita kuti varwere vabatwe nekunze kweruoko, uye tsika ychivanhu isingatambire hurwere kwakadai zvinozoita kuti wese abatwa nacho anangwe huroyi.
Sangano rinoona nezvehutano pasi rese re World Health Organisation, rinoti chirwere che dementia chinokonzera kuti vakwegura vatadze kuzviitira zvinhu pachavo uye sangano iri rinoti chirwere ichi ndicho chechinomwe kukonzera ndufu pasi rese. WHO inoti dementia chirwere chiri pachinhanho chegumi nesere (18) pazvirwere zviri kukonzera ndufu zvakanyanya.
Gwaro rakaburitswa ne WHO muna 2020 rinoratidza kuti ndufu dzakakonzerwa ne Alzheimer’s ne dementia mu Zimbabwe dzakasvika pamazana manomwe ane makumi matanhatu nevasere, kana kuti 768.
Forum